Chitsauko 20

1 Zwino Wumambo Wekudenga wakafanana nemuridzi weimba, wakabuda makuseniseni, washandi wemunda wake wemuzambiringa. 2 Wakati wawirirana newashandi kuwapa denari pazua, akawatuma kumunda wake wemuzambiringa. 3 Iye akabuda zwekare mukuwa yechitatu akawona wamwe wachandi wakamira padare. 4 Akati kwaari: 'Endaiwo imimi mumunda wemuzambiringa, uye inini ndinokupai zwakafanira'. Zwino iwo wakaenda koshanda. 5 Akabudazwe, munguwa inenge yechitanhatu, zwekare neyechipfumbamwe, akaita zwimwezwo. 6 Akabuda nenguwa, inenge yegumi neimwe, iye akabuda akawona wamwe wakamira. Akawabvuza: 'Makamirireiko zuwa rose musingashandi?' 7 Iwo akamudaira akati: 'Nekuti akuna munhu akatipa basa'. Iye akawati : 'Endaiwo mumunda wangu wemizambiringa'. 8 Zuwa rakudhoka, muridzi wemunda akataurira mutariri achiti: 'Daidzai washandi watabirisei mare yawo, kutanga pakupedzisira kuswika pawekutanga'. 9 Zwino nenguwa inenge yegumi neimwe mumwe nemumwe akapiwa Denari. 10 Washandi wekutanga wakati achiuya, waifunga kuti wachipiwa nekupfura, asi mumwe nemumwe akapiwa wakapiwa denari yake. 11 Wakati wachitambira muripowawo, wakapopotera muridzi wemunda. Iwo wakati: 12 'Awa washandi wekupedzisira wakabata nguwa imwechete, mawaenzanisa nesu, takatambudzika zuwa rose, tichipiswa nezuwa'. 13 Asi muridzi akadaira mumwewawo achiti: 'Shamwari, inini handikuitiri zwisina kururama, hauna kuwirirana neni kuti upiwe dhenari here? 14 Tora chinodzi chako uyende; ndinoda kupa wekupedzisira sezwawapuwa. 15 Handina kutenderwa kuita nezwangu pandinoda napo? Ziso rako rakaipa nekuti ini dakanaka here? 16 Saizwozwo wekupedzisira wachawa wekutanga, wekutanga wachawa wekupedzisira.'' 17 Jesu akati achikwidza muJerusarema, akadaidza wanegumi nawawiri wariwoga, akati kwaari panzira, achti: 18 ''Tarisai isu tinokwira Jerusarema , asi Mwanakomana weMunhu uchaiswa kuwapirisita wakuru newanyori. 19 Iwo wachamutongera rufu uye wachamuisa kwaHedheni kuti asekwe, aroweswe arowerwe pamuchinjikwa. Asi muzuwa rechitatu achamutswa zwe''. 20 Zwino wamai wewanakomana weZebhedi wakauya kunaJesu newanakoamana wawo. Iwo wakamunata kuzokumbira chinhu kwaari. 21 Jesu akawabvusa akati: ''Munodeiko?'' Iwo wakadaira: ''Rairai kuti wanakomana wangu awa wawiri wagare, mumwe kumoko werudyi mumwe kumoko weboswe muWumambo Wenyu''. 22 Asi Jesu akadaira achiti: ''Hauziwe chaurikukumbira: Munogona kumwiramukombe pandinozonwira Inini here? ''Iwo akadaira achiti: Tinokwanisa''. 23 Iye akawati: ''Muchanwa heyu pamukombe wangu. Asi kugara pamoko wangu werudyi nekuboshwe Handisini ndinopa asi ndezwawakagadzirirwa izwo naBaba Wangu''. 24 Wamwe wadzidzi wanegumi pawakadzwa, wakatsamwira awo wana wawiri wemunhu mumwe. 25 Asi Jesu akawadanira kwari akati: ''Munoziwa kuti machunda awaHedheni anowamanikidza kuwakuru pakati penyu, ngawe musumiri wenyu. 26 azwiwi kudaro kwamuri kuti Aninani unoda kuwa mukuru pakati penyu Ngawe muranda wenyu. 27 Aninani unoda kuwa mukuru pakati penyu Ngawe muranda wenyu; 28 Zwakaita seMwanakomana Wemunhu usina kuya kuzoshumirwa, asi kushumira kuti apewupenyu wake uwe rudzikinuro rwewaninji''. 29 Pawakabuda MuJeriko, wanhu wakawanda wakamutewera. 30 Zwino tarira mapofu mawiri akanga akagara pagwadzi; pawakadzwakuti Jesu arikudarika. akadaidzira achiti: ''Iche, Mwanakomana waDhavidi, Tinzwireiwo nyasha''. 31 Asi wanhu wakawanda waiwaraira, kuti, wanyarare. Asi iwo akatonyaya kudaidzira achiti: ''Iche Mwanakomana waDhavidi tidzwireiwo nyasha ''. 32 Zwino Jesu akamira akati: ''Munoda kuti ndikuitirei chiko?'' 33 Iwo akamuti: ''Iche, kuti madziso hedu awone''. 34 Zwino Jesu, akawa netsitsi akabata madziso hawo. Ipapo akaswinudzwa akamutewera.