1 Jesu newadzidziwake wakati akuswika Jerusarema, akaswika Betefage, pagoma reMiorivhi. Jesu akatuma wadzidzi wawari, 2 achiti: ''Kumusha wamakatarisana nawo muchaona mBongoro yakasugirirwa, nemhuru yayo yakasugwa. mudzisunungure muye nadzo Kwandiri. 3 Kana aninani anokubvudzai, mutaurirei kuti Iche unodzida pakarepo uchadzidzosera''. 4 Izwozwo zwakaitika kuti zwidzadziswe zwakataurwa neMuporofita, pahakati: 5 ''Taurirai mwanasikana weZioni: 'Tarira, Mambo unouya kwauri, nekuninipisa ainembongoro nekamhuru, chisikwa chemhuka inemutoro'''. 6 Zwino wadzidzi wakaenda akaita sezwakarairwa naJesu. 7 Wakauya nembongoro nemhuru, wakaisa hembe dzawo pamusoro padzo Jesu akaishandisa. 8 Wanhu wakawanda wakawaridza hembe dzawo mudzira, wamwe wakatema mashija emiti wakawaridza mudzira. 9 Wanhu wakawanda wakamutungamirira Jesu newaimu tewera, aidaidzira, achiti: ''Hozana kuMwanakomana waDavhidhi! Ngakudzwe Iye unoya muzita raiChe! Hosana kumusoro soro!'' 10 Jesu akati apinda Jerusarema, guta rose rikapesaniswa, wanhu wakati: ''Ndianiko uyo?'' 11 Wanhu wakadaira wachiti: Uyu ndiJesu , Muporofita wenazareta reGarirea''. 12 Zwino Jesu akapinda Muchechi akadzinga wese waya waitenga newaitengesa muchechi. Uye akadhonesa matafura awaitsamirira mari nezwigaro zwawaitengesa njiwa. 13 Iye akawati: ''Zwakanyorwa kuchiti: 'Imba Yangu ichanzi Imba yekunamata,' asi imi munoita imba dzembava''. 14 Zwino mapofu newaikamhina wakauya kwari muchechi, Iye akawarapa. 15 Asi, waPirisita wakuru newanyori wakati wachiona zwinochamisa zwanga achita Iye Jesu newana waidaidzira muchechi wachiti: ''Hosana Kumwanakona waDhavidhi,'' Iwo wakatsamwa zwikuru 16 wakataura Kwari: ''Iwe urikudzwa zwaarikutaura wanhu awa ere?'' Jesu akadaira achiti: ''Hongu! Asi imi amusati mamboerenga ere panoti: 'Mumiromo yawacheche newanomwa mukaka munhobuda rumbidzo yakanaka'''? 17 ZwinoJesu akawasiya akabvapo muguta akaenda Betania akararako. 18 Nechemagwanani achidzokera kuguta akadzwa nzara. 19 Zwino akaona mumwe muwonde pagwadzi; akainda kwauri, asi hana kuwona chinhu pauri akowona mashija chete. Akati kwauri ''Hauchawi nezwibereko pauri nekusinga peri''. Muwonde ukawoma pakarepo. 20 Wadzidzi pawakaona izwo, wakashamisika wakati: '' Muwonde wawoma seiko?'' 21 Jesu akadaira achiti: ''Zwirokwazwo ndinoti kwamuri: Dai maiwanekutenda musinganyunyuti, amuiti zwaitwa pamuwonde chete, asi maiti kugomo iri: 'Simudzwa, ukandirwe mugungwa, izwo zwinoitika. 22 Zwinhu zwse zwamunokumbira muchinamata, kana muchitenda, muchazwipiwa''. 23 Jesu pahakapinda muchechi, waPirisita wakuru newakuru wewanhu wakauya Kwari, achidzidzisa wakati: ''Munoita zwinhu izwi nesimba ripiko? Ndiani akupai simba iroro?'' 24 Jesu akawadaira akati: ''Inini ndinokuvhudzaiwo muvhudzo umwe. Kana mukandidaira nenewo ndinokudairaiwo simba randinoita naro zwinhu izwi. 25 Rubhabhatidzo raJohani rakabvepi Kudenga kana kuti Kuwanhu?'' Iwo wakataurirana, wachiti: 'Kana tikati Kudenga', Iye achati kwatiri: ' Hamuna kumutenda ngei?' 26 Asi, kana, tikati: Kuwanhu', isu tinotya wanhu, nekuti wanhu wese wanowona Johani seMuporofita''. 27 Zwino iwo wakadaira Jesu achiti: ''Isu atiziwi''. Iye kati kwawari: ''Neniwo andingakutauririwo simba randinoita naro zwinhu izwi. 28 Zwino munofungei? Umwe murume wanga waine wana wawiri. Iye akaenda kune wekutanga akamuti: Mwana, enda koshanda mumunda wangu wemizambiringa nhasi'. 29 Mwana akadaira akati: 'andidi'. Asi shure kwazwo akazwidya moyo akaenda. 30 Murume akaenda kune mwana wechipiri akataura zwimwechete. Mwana akadaira achiti: 'Ini ndinoenda, Iche', akatanza kuenda. 31 Ndeupi mwana aita kuda kwababa wake?'' Iwo akati: ''Wekutanga''. Jesu akati kwaari: ''Zwirokwazwo Ini ndinoti kwamuri: Wateresi nezwifewe wanokutangirai kupinda MuwuMambo waMwari. 32 Nekuti Johani wakauya kwamuri nenzira yekururama, asi amuna kumutenda; Asi wateresi nezwipfewe wakamutenda. Imi, makati, muchiona izwozwo, hamuna kutendeuka uye amuna kutenda kwari. 33 ''Idzwai mumwe mufananidzo: Paiwa neumwe munhu, muridzi weimba wakasima munda wake wemuzambiringa, akaukomberedza neruzhowa, akachera pakuswinira mauri, akawaka chirindo, akaupa warimi, akaenda kuimwe 34 nyika.Payakaswika kuwa yezwibereko, akatuma wamwe waranda wake kodotora zwibereko zwake. 35 Asi warimi wakabata waranda wake, wakachaya mumwe, wakauraya mumwe, wakatema mumwe nemapuwe. 36 Wakatumazwe wamwe waranda, wakawanda kupfura wekutanga. wakawaitira saizwozwo. 37 Zwino pashure paizwozwo, akatuma mwanakomana wake, wachiti: Iwo wacharemekedza mwanakomana wangu. 38 Asi, warimi wakati wachiona mwanakomana, wakataurirana, wachiti: Uyu ndiye mugari, wenhaka.Wuyai timuwuraye titore nhaka''. 39 zwino iwo wakamubata, wakabudisa kunze kwemunda wemizambiringawakauya. 40 Kana Muridzi wemunda wemizambiringa, achizouya uchaiteiko newarimi iwowo?'' 41 Wanhu wakati kwari: Uchaparadza wanhu iwawo wakaipa akaisa wamwe wari mumunda wemuzambiringa wakazowapa zwibereko nenguwa yekukorora''. 42 Jesu akawati: ''Imi hamuna kumboerenga ere pamagwaro: panoti Bhuwe rakaraswa newawaki Ndiro rakazowa musoro wekona. Izwozwo zwakaitwa naIche zwinochamisa pameso edu'? 43 Naizwozwo Ndinoti kwamuri: Wumambo waMwari uchatorwa kwamuri ukapiwa wanhu wanoberaka zwibereko zwawo. 44 Unodonera pamusoro pebhuwe iri uchaguka maphisi. Asi upi neupi warinodhonera richamukuya akaita wupfu''. 45 WaPirisita wakuru newaFarisi wakati wachidzwa mifananidzo Yake, wakabva wadswisisa kuti waitaura iwo. 46 Zwino wakadzwaka kumubata, asi wakatya wanhu wakawanda nekuti wanga wachiti Muporofita.