Chitsauko 22

1 Jesu akawadairazwe akataura nawo nemifananidzo, achiti: 2 ''Wumabo weKudenga wakafanana neumwe mambo wakaitira mwanakomana wake mutambo wekurora. 3 Iye akatuma waranda wake kodaidza waiya wanga wakakokwa kumutambo wekurora, asi wakaramba kuwuya. 4 Akatumazwe wamwe waranda, achiti: ''Taurirai waya wakakokwa muti: 'Uyai ndagadzira chiswuswuro changu; Mombe dzangu nezwipuka zwabaiwa zwinhu zwose zwagadzirwa. Uyai kumutambo wekurora '''. 5 Asi awana kurangarira wakaenda: Mumwe kumunda wake, mumwe kukutengesa kwake. 6 Wamwe wakabata waranda wake, wakawaitira wakauraiya. 7 Mambo wakatsamwa wakatuma waranda wake wakauraya waya wawurai wakapisa guta rawo. 8 Zwino akati kuwaranda wake: ' Mutambo wekurora wakagadzirirwa, asi wanga wakakokwa wanga wasina kufanira. 9 Naizwozwo endai kumharadzano dzenzira mukoke wese wamunhowona wauye kumutambo'. 10 Waranda wakabudira mugwadzi wakaunganidza wese wawakawona, wakaipa newakanaka. Zwino imba yakazara newanhu wakawanda. 11 Asi, mambo pahakapinda mumba kuti awone wakakokwa, wakowona umwe munhu asina kupfeka hembe yemutambo 12 akamuti: '' Shamwari wapinda sei pano usina hembe yemutambo?'' Iye akanyarara. 13 Zwino mambo akataurira waranda wake kuti: 'Musungei makumbo nemawoko mumukandire kurima rekudze, pachawa nekuchema nekurumaruma mazino'. 14 nekuti wakawanda wakadaidzwa, washoma wakasarudzwa. 15 Zwino waFarisi wakaenda wakataurira kuti wangamubata sei Jesu pakutaura kwake. 16 Wakatuma kwari wadzidzi wawo newaHerodhi. Iwo wakati kunaJesu: 'Mudzidzi tinozwizia kuti ndimi wechokwadi munodzidzisa nzira yaMwari nechokwadi musingarangariri zwinowonekwa newanhu zwemunhu nekuti amutariri zwiri kunze kwemunhu. 17 Zwino titaurirei kuti munhofungei? Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here kana kuti kwete? 18 Asi Jesu waiziya kuipa kwawo, akawati: ''munondienzereiko, imi wanyengewi? 19 Ndipangidzirei mari yomutero''. Zwino wakamuwunzira dhenari. 20 Jesu wakawati: '' Ndewani mufananidzo uyu norunyoro urwu?'' 21 Iwo akati: ''Zwakesari''. Zwino akawati Jesu: '' Ipai Kesari zwaKesasri, naMwari kuna Mwari''. 22 Pawakadzwa izwozwo wakashamiswa, wakamusia, wakaenda. 23 Muzuwa iroro, waSajusi wakazwika kwaAri,achiti akuna kumuka kwewakafa, wakamubvunza 24 wachiti: ''Mudszidzisi Mosesi akati: ' Kana munhu akafa, asinamwana hama, yake inofanira kurora mukadzi wake awe nemwana kumukoma wake 25 Paiwa newanakoma wemunhu mumwe wanomwe. Wekutanga akarora mukadzi, akafa asina wana akasiyira hama yake mukadzi wake. 26 Nekudaro wechipiri, newechitatu, kuswikira kunewechinomwe. 27 Shure kwewese mukadzi akafawo. 28 Saka pakumuka kwewakafa, uchawa mukadzi waniko? wewanomwe awo, nekuti wese waiwa nawo. 29 Jesu, akadaira, achiti: ''Imi makarasika, nekusaziwa magwaro kana simba raMwari. 30 Nekuti pakumuka kwewakafa awarorani uye kana kuchatiswa. Asi wakaita, sewatumwa kudenga. 31 Asi, kana kuri kumuka kuwakafa, amuna kuerenga ere zwakmakataurirwa naMwari: Pakati 32 Ini ndini Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho?' Mwari hasi Mwari wewakafa, asi wewanorarama''. 33 Wanhu wakawanda pawakadzwa izwozwo wakashamiswa nedzidziso Yake. 34 Asi, waFarisi pawakadzwa kuti Jesu anyarara wasadhusi, wakaungana pamwepo. 35 Umwe wawo, mududziri wemurairo, akamubvunza, achimuedza: 36 ''Mudzidzisi, ndewupi murairo mukuru pamirairo?'' 37 Jesu akati: Ida Iche Mwari wako nemoyo wako wese, nemweya wako wese nekufunga kwako kose'. 38 Uyu ndiwo murairo mukuru wekutanga. 39 Murairo wechipiri unofanana nawo ndiwo uyu: 'Ida wekwako sezwaunozwida iwewe'. 40 Murairo wose newaporofita zwakabatanidzwa pamirairo iyi miwiri''. 41 Zwino wafarisi wachakaungana, Jesu akawabvunza, achiti: 42 ''Munofungei nekuda kwa Kristu?'' Iwo akamuti: ''Mwana waDhavhidhi''. 43 Jesu akati: ''Seiko Dhavhidhi, neMweya, anodaidza Iche, achiti: 44 Iche wakati kunaIche wangu: ' Gara kurudyi rwangu, kuswikira ndaisa wawengi wako pasi petsoka dzako?''' 45 Zwino kana, Dhavhidhi achimudaidza Krisrtu ''Iche'', unowa sei mwanakomana wake Dhavhidhi? 46 Panga pasina munhu anokwanisa kudaira kana choko rimwe aro, uye kwanga kusina munhu wakasunga kumubvunza chinhu pazuwa iro.