Chitsauko 23

1 Zwino Jesu akataura kuwanhu wakawanda newadzidzi wake, 2 achiti: ''Wanyori newaFarisi wanogara pachigaro chaMosisi. 3 saka zwese zwanokutaurirai, muzwite nekuzwichengeta. Asi musatewera mabasa awo, nekuti wanotaura asi awaiti. 4 Kana iwo wachisunga mitoro inorema Inotambudza kutakura, wachisa pamakandza yewanhu. Asi iwo chaiwo hawadi kuibata nemumwe wawo. 5 Iwo mabasa awo ose wanowaita kuti wawonekwe newanhu, nekuti wanofarisa mafiraktera awo wanokurisa mipeto yenguwodzawo. 6 Iwo wanofarira zwigaro zwepamberi pamitambo nezwigaro zwepamberi mumasinagogi 7 nekukwadziswa padare nekudaidzwa Rabhi, newanhu. 8 Asi imi musadaidzwa 'Rabhi, nekuti mudzidzisi, weyu ndemumwe imi mose muri hama. 9 Musadaidza munhu uripanyika baba wenyu nekuti kwamuri kuna baba mumwe chete, uye Iye warikudenga. 10 Musadaidzwawo 'Tenzi', nekuti kune Tenzi mumwe chete, Iye Cristu. 11 Asi uya mukuru pakati penyu ngawe muranda wenyu. 12 Uya unochikudza uchaninipiswa, asi uya unozwininipisa uchasimudzirwa. 13 Munenhamo imi wanyori newaFarisi, newanyengeri! ndimi munovaridzira wanhu Wumambo weKudenga. nekuti imi amupindi imomo naiwo wanopinda amuwatenderi kupinda. 14 Munenamo imi, wanyori newaFarisi newanyengeri nekuti munoparadza zimba dzechirikadzi muchita manomano yemunyengetero mirefu. naizwozwo muchatongerwa zwakaipa nekupfurisa. 15 Munenhamo, imi wanyori, newaFarisi, wanyengeri! Munofamba pagungwa nepanyika kuzotapa mudzidzi mumwe. kana awonekwa munomuita mwanakomana weGehena kudarika imimi kawiri. 16 Munenamo imi, wanotungamirira mapofo, muchiti: ' Uya unopika netemberi, hachasiri chinhu, asi uya unopika nendarama yetemberi, ndiye unenyaya. 17 Imi mapofo nemapenzi! chikuru ndechipi, ndarama kana temberi inoita ndarama iwe Tswene? 18 Naizwozwo, munotizwe unopika neartari, hachasi chinhu. Asi aninani unopika nechipo chiri pamusoro payo, ndiye unenyaya'. 19 Mapofo nemapenzi! chikuru ndechipi chipo kana aritari inoita chipo chiwe chitswene? 20 Naizwozwo aninani unopika nearitari unopika nezwese chiri pamusoro payo. 21 Uye aninani unopika netemberi, unopika nayo neunogara mairi. 22 Neunopika nedenga unopika nechingaro chewumambo waMwari neunogara pamusoro pacho. 23 MUnenhamo imi wanyori newaFarisi wanyengeri! nekuti Munopa chegumi chwemiti, neanise nekumini, muchisia zwinhu zwikuru zwemurairo zwinoti: Kururamisira mhaka, nengoni neKutenda. Asi munofanira kuita izwi nekusarenga kuita izwozwo. 24 Imi watungamiriri wemapofo, munomimina nhunga, muchimedza kamera! 25 Munenhamo imi, wanyori newaFarisi, wanyengeri! munopukuta kunze kwekhapu nepreti, asi mukati mwakazara nekukakara nekusazwidzora. 26 Iwe muFarisi wakapofumara! tanga wapukuta mukati mekhapu nepreti, kuti kunze kwazwo kuchwenewo. 27 Munenhamo imi, wanyori newaFarisi, wanyengeri! nekuti makafanana nemarinda akacheneswa, anowonekwa seyakanaka kunze kwawo, asi mukati mukati makazara mafupa hewakafa neswina yose. 28 Saizwozwowo nemiwo, munowonekwa newanhu kunze kwenyu makaita semakarurama, asi mukati makazara nekunyekera nekuipa. 29 Munenhamo imi, wanyori waFarisi wanyengeri! nekuti munhowaka marinda ewaporofita nekuchongedza marinda ewakarurama. 30 Imi muchiti: ''Dai taiwapo pamazuwa amadzibaba wedu, tingadai tisina kuwabatsira kuwuraiya waporofita.'' 31 Saka, munozwipupurira kuti muri wanakomana wawakauraiya waporofita. 32 Zwino dzadzisaiwo chiero chamadzitateguru enyu. 33 Imi nYoka, imi wana wenyoka, muchatisa seiko kutonga kweGehena? 34 Saka tarisai, ndinotumira kwamuri waporofita, newakachenjera newanyori. Muchawauraya wamwe wawo nekuwarowera pamuchinjikwa, wamwe muchawarowesa mumasinagogi eyu nekuwadzingirira mumanguta ose; 35 Kuti ropa rese rewakarurama rakadhuririrwa panyika, riuye pamusoro penyu kubva paropo raAberi, wanga wakarurama, kusweikira paropa raZakaria, mwanakomana waBarakia, wamakauraya pakati petemberi nearitari. 36 Zwirokwazwo Ndinoti kwamuri: ''Zwinhu zwese izwi zwichauya pamusoro perudzi iri''. 37 Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya waporofita nekuwatema nemapuwe awo wakatumwa kwauri! kangani pandanga ndichida kukuwunganidza wana wako semhambo inounganidza ukwana, dzayo munyasi mumapapiro ayo, mukaramba! 38 Tarisai masirwa imba yenyu rawa dongo. 39 Ndinoti kwamuri, kubva zwino hamuchazondiwoni kuzwikira muchiti: Ngarumbidzwe iye unouya nezita raIche'.