1 Jesu akabuda mutemberi,wakati achifamba,wadzidzi wake wakauya kwaari kuti wamupangizire dzimba dzetemberi. 2 Asi iye akapindura,achiti:''Amuwoni zwinu izwi zwese here?Zwirokwazwo Ini ndinoti kwamuri:akuna nbuwe richagara pamusoro perimwe nbuwe risingazokandirwe pasi''. 3 Akati agara Jesu mugomo remiorivhi wadzidzi wake akauya kwari wonga wakati: '' Titaurirei kuti zwinhu izwozwo zwichaitika rini? nechiratidzo chipi pakuuya kwenyu nechekuguma kwenyika ?'' 4 Jesu akadaira achiti: ''Gwarirai kuti murege kutsauswa nemunhu. 5 Nekuti wakawanda wachauya nezita Rangu, wachiti: 'Ini ndini Cristo', wachitsausa wakawanda. 6 Muchadzwa zwekurwa neguhu nekurwa; gwarirai musatya nekuti izwozwo zwese zwinofanira kuitika asi akusi kuguma. 7 Nekuti rudzi ruchamukira rudzi, newuche uchamukira uche. Kuchawa nenzara nezwirwere nekundengenyeka kwenyika kuzwimbo dzakawanda. 8 Asi zwinhu izwi kutanga kwemarwadzo. 9 Zwino wachakuisai mumandambudziko wachakuraiyai, muchawengwa nemarudzi ese nekuda kweZita Rangu. 10 Wakawanda wachagumburwa, wachaisana kuwatongi, nekuwengana, mumwe nemumwe. 11 Wakawanda waPorofita wenhema wachamuka wachitsausa wakawanda. 12 Rudo rewakawanda richatonhora, nekuti kusarurama kuchawanda. 13 Asi unoshingirira kuswikira pakuguma, uchaponeswa. 14 Ivhangeri iyi yewumambo ichaparidzwa kunyika dzose chiwe chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchaswika. 15 Naizwozwo, kana muchiwona nyangadzi yokuparadza yakataurwa nemuporofita Danieri, akangara panzwimbo tswene anoerenga ngadzwisise, Waya 16 warimuJudhea ngawatidzire mumakomo, 17 Uri pamusoro pedenga reimba yake ngaasadzika kuti atore zwirimumba, 18 neurikumunda ngarege kudzokera kumasure kuzotora hembe dzake 19 Asi wachawa nenhamo wanemimba newanomwisa mumazuwa iwawo! 20 Nyengeterai kuti kutidza kwenyu kusawe muchando kana nesabata. 21 Nekuti kuchawapo kutambudzika kukuru, kusati kwambowapo kubva mutanga kwenyika kuswikina nanasi, uye akuchazowipo. 22 Dai mazuwa iwayo asaitambudzwa, akuna wairarama; asi, nekuda kwewakasarudzwa, mazuwa iwawo achatadzwa. 23 Zwino, kana munhu akati kwamuri: 'Tarirai Kristu! uripano kana apo, musantenda. 24 Nekuti wachauya wanaKristu wenhema newaporofita wenhema wacharatidza zwiratidzo zwikuru nezwinochamisa kuti kana zwichita newakasarudzwa newanoerenga. 25 Tarirai ndangara ndakakutaurirai. 26 Saka, kana wakati kwamuri, tarisai urikurenje', rengai kubuda; tarisai uri mudzimba dzemukati,' musatende. 27 Nekuti semheni inobva kumabvazuwa ichipenyera kumadokero, dizwo zwichaitika kuya kweMwanakomana weMunhu. 28 Paya panemutumbi ndipo pachaunganira magora. 29 Zwekare shure kwekutambudzika kwemazuwa iwayo, zuwa richaswimba, nemwedzi auchazotipi chiedza, Nyeredzi dzichadona Kudenga nemasimba oKudenga achazununguswa. 30 Ipapo chiratidzo cheMwanakomana wemunhu chichawonekwa Kudenga, Zwino marudzi ose enyika achachema achiwona MwanakomanaweMunhu achiuya pamusoro pemakore eKudenga, nesimba nekubwinya kukuru. 31 Uchatuma watumwa wake nehwamanda guru, uchaunganidza wakasarudzwa wake kunombuda mhepo yenyika, kubva kurutiwi rumwe rweDenga kuswikira kurumwe rutiwi. 32 Dzidzai mufananidzo wemuwonde: kana dawi rawo rawa nyoro mashizha achitunga munoziwa kuti zhezha rawa pedo: 33 Nekudarowo, nemiwo kana mawona izwozwo zwose ziwai kuti wawa pedyo, pamukowa. 34 Zwirokwazwo Ini ndinoti kwamuri rudzi iri arigambodarika kuswikira izwozwi zwose zwaitika. 35 Denga nenyika zwichadarika, asi mashoko angu hangatombodariki. 36 Asi, kana riri zuwa iro nenguwa iyo, akuna anozwiziwa kunyangwe watumwa wekuDenga, kunyangwe mwanakomana, asi Baba wenga. 37 Sepamazuwa aNoa ndizwo zwichaitika kuwuya kweMwanakomana weMunhu. 38 Nekuti sepamazuwa iwayo mvura yakawanda isati yaswika, waidya nekumwa, wachirora wachiroreswa, kuswikira zuwa rekuti Noa apinda muareka; 39 wasingaziwi kuswikira Mvura yauya yakawanda ikawabvisa wese ndizwo zwichaitika kuwuya kuwuya kweMwanakomana weMunhu. 40 Nenguwa iyoyo warume wawiri wachagara mumunda mumwe uchatorwa mumwe akasiwa. 41 Wakadzi wawiri wachakuya paguyo; rimwe mumwe uchatorwa, mumwe akasiyiwa. 42 Nekudaro rindirai, nekuti hamuziwi zuwa richauya Iche wenyu. 43 Asi ziwai izwi: kuti muridzi weimba dai waiziwa nguwa yokuswika kwembabva ungadai airinda akasatendera kuti imba yake pwanyiwe. 44 Naizwozwo nemiwo ngarai makagadzirira nekuti Mwanakomana wemunhu uchaya nenguwa yamusingatarisiri. 45 Saka, ndiniko muranda wakatendeka, wakangwara wakagadzwa nashe wake kuti awe mutariri weimba yake, kuti awape zwokudya nenguwa yakafanira? 46 Wakaropafadzwa ndeuya muranda unoti kana Ishe wake achiswika akamuwana achita saizwozwo. 47 Zwirokwazwo ndinoti kwamuri uchamugandza awe mutariri wezwese zwainazwo 48 Asi kana muranda uyo wakachata akataura mumoyo make achiti: 'Iche wangu warikunonoka kuwuya', 49 achitanga kuchaya wamwe waranda wanobata pamwechete, naye akadya akanwa pamwechete newakabatwa; 50 Zwino Ishe wemuranda uyo uchaswika nezuwa rasingamutarisiri nenguwa yasingaziwi, akamurowesa kwazwo akamupa mugowe wake pamwechete newanyengeri; 51 ipapo pachawa nekuchema nekuzwiruma mazino.