1 Zwino Wushe weKudenga unofananidzwa newasikana wanegumi wakatora mwenje yawo wakabuda kundochigamuchidza chikomba. 2 Washanu wawo wanga wari mapenzi washanu wanga wakangwara. 3 Nekuti mapenzi akatora mwenje yawo, akasatora mafuta; 4 asi wanga wakachenjera wakatora mafuta nemidziyo yawo. 5 Zwino chikomba chakati chichinoka kuuya, akawa nehope wakarara. 6 Asi pakati pewusiku, wakadzwa mhere-mhere: ' Tarirai chikomba chauya budai muchigamuchire.' 7 Zwino wasikana wese wakamuka wakagadzira mwenje yawo. 8 Mapenzi akati kune wakangwara tipeiwo: 'mamwe mafuta enyu nekuti mwenje yedu yakudzima'. 9 Asi wakangwara akadaira, wachiti: 'Aiwa pamwe hangakwaniriwo isusu nemi tose, endai henyu kune wanotengesa muzwitengere,. 10 wakati wachienda kotenga, chikomba akaswika zwino wakanga wakazwigadzirira wakapinda nacho pamutambo wekuwana musuwo ukavarwa. 11 pashure wamwe wasikana wakaswika wakati: Ishe, Ishe, tizarurireiwo 12 Asi iye akapindura achiti: 'Zwirokwazwo ndinoti kwamuri andikuziwei.' 13 Naizwozwo rindirai, nekuti hamuziwi zuwa kana nguwa yeMwanakomana wemunhu ranouya naro. 14 nekuti Wushe weKudenga wakafananidzwa nemunhu wakaenda kuneimwe nyika, akadaidza waranda wake akawapa fuma yake. 15 Akapa mumwe matarenta mashanu mumwe mawiri, mumwe rimwe mumwe nemumwe zwakakwanirana, nesimba rake akafamba rwendo. 16 Pakarepo iye wakapiwa matarenta mashanu akaenda akaita mhiduro nawo akawana mamwe mashanu. 17 Saizwozwo wakapiwa mawiri akaita wamwe mawiri. 18 Asi muranda wakapiwa rimwe wakaenda, akachera rindi pasi akahwandisa mari yashe wake. 19 Nguwa guru yakati yadarika, ishe wewaranda iwawo akaswika akagadzira mashoko nawo. 20 Muranda wakanga wapiwa matarenta mashanu akauya neyamwe matarenta mashanu; iye akati: ' Ishe, imi mandipa matarenta mashanu. Tarisai ndawona mamwe mashanhu.' 21 Ishe wake akati: 'Zwakanaka, muranda wakanaka wakatendeka! pazwinhu zwishoma; ndichakuisa pamusoro pezwinhu zwakawanda. Pinda pamufaro washe wako'. 22 wakanga apiwa matarenta mawiri akati: 'Ishe, makandipa matarenta mawiri. Tarisai ndawona mamweni mawiri.' 23 Ishe wake akati: 'Zwakana, muranda wakanaka wakatendeka! waiwa wakatendeka pazwinhu zwishoma; ndichakuisa pamusoro pazwinhu zwakawanda. Pinda mumufaro washe wako'. 24 Wakanga wapiwa tarenta rimwe naiye wakauya wo akati: 'Ishe, ndinoziya kuti muri munhu une hasha; munocheka pamusati makadzwara; munounganidza pamusati makakusha. 25 Zwino ndakatyia ndikadohwandisa tarenta pasi. chiripano chinhu chenyu'. 26 Asi Iche wake akapindura achiti kwari : ''Iwe muranda wakaipa unewusimbi, wakanga uchiziwa kuti ndinocheka pandisina kusima ndichiunganidza pandisina kukusha. 27 Saka waifanira kuisa mari yangu kune webhanga, ndingadai ndapiwa zwangu zwawanda. 28 Naizwozwo mutorerei tarenta rake mupe unamatarenta ane gumi. 29 Nekuti mumwe nemumwe unazwo uchapiwa awe nezwakawanda asi usina uchatorerwa nezwanazwo. 30 Bundisirai muranda pasina kurima rekunze, ipapo pachawa nekuchema nekurumaruma mazino 31 Zwino kana Mwanakomana weMunhu achiuya nekungwinya kwake newatumwa watswene wanaIye, Iye uchagara pachigaro chake chewushe chinobwinya. 32 Pamberi Pake marudzi wose achaunganidzwa ucharawura somufudzi unorawura makwai nembudzi. 33 Iye chaisa makwai kurudyi, rwake mbudzi kurumboshwe. 34 Zwino Ishe achati kune wari kuridyi: 'Wuyai imi 'makaropafadzwa NaBaba, muchagara nhaka Yowushe wakagadzirirwa imwi kubva pakutanga kwenyika. 35 Nekuti Ini ndakanga ndine nzara mukandipa zwekudya; ndikawa nenyota mukandipa zwekumwa; ndakanga ndiri mueni mukandingamuchira; 36 ndanka ndisina kupfeka mukandipfekedza; ndanga ndichirwara mukandifambira; ndiri munjeri mukauya kwandiri'. 37 Zwino wakarurama wakadaira, wachiti: ''Iche, takakuwonai rini munenzara, tikakupai zwekudya? kana kuti nenyota tikakupai zwekumwa? 38 Uye rini patakakuwonai muri mueni tikakugamuchirai? kana kuti musina hembe tikakupfekedzai? 39 takakuwonai rini muchirwara munjeri tikauya kwamuri?'' 40 Zwino Ishe akawadaira achiti: '' Zwirokwazwo ndinoti kwamuri kuti, pamakazwiitira mumwe wewaduku wehama dzangu idzi, makaitira Inini'. 41 Saka uchati kune waya wari kurumboswe: ''Budai kwanDiri, imi wakatukwa, muende kumoto usingaperi wakandadzirirwa Diaborosi newatumwa wake, 42 nekuti Ini ndanga ndine nzara amuna kundipa zwekudya; ndakanga ndine nyota mukasandipa zwekumwa; 43 ndanga ndiri muenzi mukasandigamuchira; ndisina hembe dzekupfeka mukasandipfekedza; ndichirwara munjeri mukasandifambira'. 44 Zwino naiwawa wachapindura wachiti: ''Ishe, takakuwonai rini munenzara, kana munenyota, kana muri mweni, kana musina kupfeka kana kuti muchirwara, kana kuti makasungwa, tisina kukushumirai? 45 Izwino Iye akadaira achiti: ''Zwirokwazwo Ini ndinoti, zwamusina kuita mwe wewaduku awa, awa Ini wamusina kuitira.'' 46 Aya wachaenda kukorobwa, si wakarurama kuwupenyu usingaperi.