1 2 Zwakaitika kuti Jesu apedza mashoko iwaiyo, ose akati kuwadzidziwake: ''Munoziwa kuti kana mazuwa mawiri apfura pasika inoswika, Mwanakomana weMunhu uchaiswa kuwatongi kuti arowerwe.' 3 Saka waPirisita wakuru newanyori newakuru wewanhu wachaunganidza muruwanze rwemuPirisita, waidzi Kayafasi. 4 wakarangana, kuti wabate Jesu namano wamuhuraye. 5 Asi wakati: ''Zwirambe kuitika pamutambo, kuti pasawe nebope pakati pewanhu''. 6 Zwino Jesu akati ari paBetania mumba maSimoni wemaperembudzi, 7 Mumwe mukadzi akauya kwari nechinhu chearbatego chaiwa nechizoro chinemutengo mukuru, akachidurura pamusoro wake akangara arikudya. 8 Asi wadzidziwake wachizwiwona, akabatwa neshungu akati: ''kuparadzwa kwakadaro kwaitirweiko? 9 Nekuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari yakawanda ikapiwa warombo,'' 10 Asi Jesu, achizwisiwa izwo, akati kwaari: '' Ngei munotambudza mukadzi uyu? Iye waita basa rakanaka Kwandiri. 11 Nekuti warombo munawo nguwa dzose asi Ini Hamuneni nguwa dzose. 12 Nekuti iye paakadurura chizoro ichi pamwiri wangu, iye wakaziitira kuwigwa kwangu. 13 zwirokwazo ini ndinoti kwamuri, kwese kunozoparidzirwa Evangeri iyi panyika dzese, izwi zaitwa nemukadzi uyu zichataurwa wo wamurangarire nazo''. 16 Zwino,umwe wewanegumi newawiri, waizi Juda Iskasirioti,wakayenda kuwaPrisita wakuru 15 akati: ''Muchandipeiko kana ndikamuisa kwamuri?''iwo wakamuyerera masirvheri anamakumi matatu. 14 Kubva ipapo,iwo wakatswaka nguwa yakafanira yekumuisa kwawari nayo''. 17 Nezuwa rekutanga rezwingwa zwisina mbiriso ,wadzidzi wakauya kuna Jesu wakati: ''Munoda kuti tikugadzirireikupiko kwamungadya pasika ?'' 18 iye akati:'' Endai muguta, kune umwe murume muti kwaari: Zwazi neMudzidzisi: 'Nguwa yangu yawa paduze. Ini ndichadya pasika paimba yako newadzidzi wangu'''. 19 Wadzidzi wakaita sezewakarairwa na Jesu wakagadzira pasika 20 Usiku pewakaswika, Iye akagara kuti adye newadzidzi wake wanegumi newawiri. 21 wakati wachidya , akati kwawari : ''zwirokwazo ndinoti kwamuri mumwe wenyu uchandipandukira.'' 22 Iwo wakawa nekusuwa kukuru , wakatanga mumwe nemumwe kuvudzisa kwaari: ''Iche ndini here?'' 23 Iye akadaira: ''Uyo waisa ruwoko neni mundiro, ndiye uchandipandukira. 24 Mwanakomana wemunu achafa, sezwazwakanyorwa pamusoro pake Asi unenhamo uyo Mwanakomana wemunu waanopandukirwa naye! Zwaiwa nane kumunu uyu kudai asina kuberekwa''. 25 Juda,uyo wakamupandukira, akati: ''Rabhi ndini here?'' Iye akadaira akati: ''Ndizwo zwawataura'' . 26 Wakati wodya, Jesu akatora chingwa, akachiropafadza, akachigura ndokupa wadzidzi wake, achiti kwawari: ''Torai mudye. Uyu ndiwo mwiri wangu'' . 27 Akatora mukombe akawonga, akawapa, achiti: ''Imwai, mese pauri. 28 Nekuti iri iropa rangu, ropa resungano itswa,rakadururirwa wakawanda kuti waregererwe zwitema. 29 Asi ini ndinoti kwamuri handichatongomwizwe zwibereko zwomuzambiringa, kuswikira zuwa randichazomwa nemi zwawa zwitswa muWuche waBaba wangu'' . 30 Zwino wakati waimba nziyo, wakabuda wakayenda kugomo reMiorivhi. 31 Jesu wakati kwawari: ''Usiku uno imi mese muchagumburwa nekuda kwangu, nekuti kwakanyorwa kuchizi: 'Ini ndichachaya mufudzi nemakwai eboka achapararira' 32 Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Garirea''. 33 Zwino Pedro akadaira kwari achiti: ''kana wese wakagumburwa nekuda kwenyu, ini handingatombogubuki''. 34 Jesu akati: Zwirokwazswo ndinoti kwamuri kuti husiku wanhasi, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu''. 35 Petro akati: ''Kunyangwe ndikafanira kufa nemi, handingatombokurambi''. Wadzidzi wese wakataurao zwimwezwo. 36 Zwino Jesu akaenda nawo kuimwe swimbo inodzi Getsimani akataurira wadzidzi: ''Garai pano Ini ndichienda konamata uko''. 37 Iye akatora newana wairi waZebedi naiye, akatanga kuwa neshungu nekudumbirwa. 38 Saka akawati: ''Mweya wangu uneshungu zwikuru kuswikira pakufa. garai pano rindirai neni''. 39 Iye akaendsa mberi zwishoma, akawira pasi, nechiso chake akanyengetea. Iye akati: ''Baba wangu, kana zwichita mukombe uyu ngaudarike kwandiri. Kunyangwe zwakadaro kusawe kuda Kwangu asi, kuda Kwenyu.'' 40 Iye akauya kune wadzidziwake akawawona akarara, akati kuna Petro: ''amukwanisi sei kurindira Neni nguwa imwe chete? 41 Rindirai uye namatai kuti musapinde mukuedzwa. Mweya unoda, hawo asi nyama yakaneta''. 42 Akaendazwe kechipiri kuti anamate akati: ''baba wangu, kana mukombe uyu usingaiti kudarika, ndisingaumwi. Kuda Kwenyu ngakuitwe.'' 43 Iye akadzokerazwe akawaswikira akarara, nekuti madziso awo akanga abatwa nehope. 44 Zwino akawasiazwe akaenda akandonyengetera kechitatu achitaura mashoko mamwechete. 45 Zwino, Jesu akauya kune wadzidzi wake akati: ''Chirarai eyu muzorore? Tarisai nguwa yaswika, Mwanakomana weMunhu woiswa muaoko ewatadzi. 46 Simukai tiende. Tarirai wondiisa wawa paduze''. 47 Akati achirkutaura, tarisai Judasi, umwe wewanegumi newawiri akaswika aine wanhu wakawanda, wachibva kuwaPirisita wakuru newakuru wewanhu, wakauya wakabata minondo netswimbo. 48 Zwino iye wakapadukira Jesu akanga awapa chiratidzo achiti: ''Uya wandichaswoda ndiye mumusunge 49 Nekukasika akaenda kuna Jesu akati: ''kwasiwai Rabhi!'' Akamusweta zwikuru. 50 Jesu akataura achiti: '' Shamwari, Ita zwiya zwawauya koita''. Zwino iwo akankwenzera akaisa maoko awo kuna Jesu akamusunga. 51 zwino tarirai mumwe waiewa na Jesu akatambanudza maoko ake, akavomora bemba akatema muranda wemuPirisita akagura nzewe yake. 52 Jesu akati kwari: ''Dzosera bemba yako paswimbo yayo, nekuti wese wanobata bemba hi achafa nebemba. 53 Unofunga kuti andikwanisi ere kuna Baba wangu, uye Iye akandipa ikozwino watumwa wanodarika marudzi anegumi nemawiri? 54 Asi mangwaro, agozadziswa seiko anoti zwinofanira kuitwa kudaro?'' 55 Panguwa Iyoyo, Jesu akati kuwanhu: ''Mauya nemabemba netswimbo condisunga kuzondibata sendiri mbhava ? Ini ndaigara muchechi mazuwa wese ndichidzidzisa mukasandibata. 56 Asi izwi zwese zwaitwa kuti magwaro ewaporoFita azadziswe''. zwino wadzidzi wese wakamusia akatiza. 57 Waiya wakasunga Jesu wakamuisa Kunakayafasi, muPirisita mukuru, pawanga waungana wanyori newakuru. 58 Asi Petro akamutewera ari kure kuswikira paruwanze remuPirisita. Akapinda akagara newatariri kuti awone kupera kwazwo. 59 Zwino waPirisita wakuru namakorokota ose wakaswaka chimwe chapupu chenhema kuti wapomere Jesu wamuraye. 60 Iwo awana kuwona kana chimwe acho, kunyangwe zwapupu zwakawanda zwenhema zwakauya. Pashure zwiwiri zwakaswika 61 zwikati: Munhu Uyu akati: ' Ndinoputsa chechi yaMwari ndikaiwaka nemazuwa matatu'''. 62 Zwino muPirisita mukuru akasimuka akati: ''Iwe hauna ndairi chinhu ere? Chinyiko icho chanokupomera Kwauri?'' 63 Asi Jesu akaramba akanyarara. Mupirisita mukuru akati kwari: ''Ini ndinokupikisa naMwari mupenyu, titaurire kuti uri Kristu Mwanakomana waMwari''. 64 Jesu akadaira achiti: '' Iwe ndizwo zwawarewa. Asi Ini ndinoti kwamuri kubva zwino muchaona Mwanakomana weMunhu akagara kuridyi rwesimba, achiuya arimumakore eKudenga''. 65 Ipapo muPirisita mukuru akamwesa hembe dzake akati. ''Iye anoshora Mwari! tichaswakireiko zwapupu? Tarirai manzwa zwino kushora kwake. 66 Munofungeiko?'' Iwo wakadaira wakati: ''Iye wanofanira kufa''. 67 Zwino wakamupfirira kumeso, ake akamurowa netsiwa wamwe nemaoko, 68 wachiti: ''Tiporofite Kristu. Kuti ndiani akurowa?' 69 Petro anga akagara panze, paruwanze, zwino mushandiri wakaenda kwari akati: ''Newewo wanga uina Jesu kuGarireya.'' 70 Asi iye akaramba pamberi pewese, chiti: ''Ini andiziwi zwaurikutaura''. 71 Paakabuda pamusuwo mumwe mushandiri akamuwona akataurira wanga waripo: ''Munhu uyu waiwa na Jesu weNazareta''. 72 Iye akaramaba zwekare nekupika achiti: '' Ini andimuziwi Munhu uyu''. 73 Chawa chinguwa, wanga wakamirapo wakauya akati kuna Petro: ''Zwirokwazwo newewo uri mumwe wawo, nekuti kutaura kwako kunokuziwisa''. 74 Zwino iye akatanga kutuka nekupika achiti: ''Ini andimuziwi Munhu uyu'', pakarepo jongwe rikarira. 75 Petro akarangarira mashoko hanga ataurwa na Jesu kuti: ''Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu''. Iye akaenda kunze akachema zwikuru.