Chitsauko27

1 Awa magwana, waprisita wakuru wese newakuru weanu wakarangana pamusoro paJesu,kuti wamuwuraye. 2 wakamusunga, wakamutora wakamuisa kuna Pirato, mubati 3 Zwino Juda, uyo wakamupandukira, wakati achiwona Jesu watongerwa kufa, ndokuzwidya moyo, akadzosera masirivheri aya anamakumi matatu kuwa Prisita wakuru newakuru akati: 4 ''Ini ndatadza ndapandukira ropa risinanyaya'' .Asi iwo wakati: '' Zwinei nesu? Ndezako'' . 5 Ipapo akakandira pasi masirivheri mutembere, akabuda akayenda ndokuzwisungirira. 6 WaPirisita wakuru wakatora masirivheri wakati: '' hazwina kufanira kuti tiaise muchiwigiro chemari zwauri mutengo weropa''. 7 Iwo wakarangana, wakatenga nawo munda wemugadziri wehari kuzowigamo watogwa. 8 Nekudaro, munda uyo wakanzi munda weropa kuzwikira zuwa ranhasi munda unodaidzwa ''munda weropa'', 9 Zwino, zwakadzadziswa zwiya zwakataurwa nemuPorofita Jeremia: ''Iwo wakatora masirvheri anemakumi matatu, nemutengo waIye wakatarirwa newana waIsraeri. 10 wakatenga nawo munda wemugadziri, wehari sezwadakarairwa naShe''. 11 Zwino Jesu, wakamira pamberi pemubati, mubati akamubvunza: ''Ndiwe Mambo wewaJudha here?'' Jesu akadaira achiti: ''Ndizwo zwaunotaura''. 12 Asi wakati wachipomwer mhoswanewaPirisita wakuru newakuru, haana kudaira chinhu. 13 Zwino Pirato akati kwari: ''Haunswi zwinhu zwakawanda zwawanokupomenzera Kwauri ere?'' 14 Asi Iye hana kudaira kana chinhu, mubati akashamiswa zwikuru. 15 Zwino pamutambo, mubati aisungurira wanhu wakawanda musungwa mumwe wewanenge wada. 16 Panguwa iyoyo, Iwo waiwa nemusungwa wakakumbira wakakumbira wainzi Bharabhasi. 17 Naizwozwo, wakati waungana, Pirato akati: ''Munoda kuti ndikusunungurirei ani? Bharabhasi kana kuti Jesu unonzi Kristu?'' 18 Nekuti waiziya kuti wamga wamuisa kwaari negodo. 19 Zwino wakati wagara pachigaro chekutonga, mukadzi wake akatumira rimwe shoko achiti: ''usawe nenyaya nemunhu uyu wakarurama; nekuti nasi, mukurota, nekuda kwake''. 20 Wapirisita wakuru newakuru wakadaidzira wanhu wakawanda wachikumbira, barabasi, Jesu auraiwe. 21 Mubati akadaira achiti kwaari: ''munoda ani kuti ndikusunugurirei kune wawiri awa?'' Iwo wakati Bharabhasi''. 22 Pirato akati: '' Chichandinofanira kuita kuna Jesu, Unonzi Kristu?'' Wese wakati kwari: ''Ngarowerwe pamuchinjikwa.'' 23 Iye akati: ''Chipi chakaipa chaita? Asi iwo akanyanyisa kudainzira: ''Ngarowerwa pamuchinjikwa''. 24 Zwino, Pirato akawona kuti hazwibatsiri asi kuti pomuka bopoto, iye akatora mvura, akangesa maoko ake pamberi pewanhu akati: ''Ini andina nyaya neropa remunhu uyu; ndezwenyu''. 25 Wanhu wese wakati: '' Ropa rake ngariwe pamusoro pedu newana wedu.'' 26 Zwino iye akamusunungura Bharabhasi, asi Jesu akamurowesa kwazwo akamuisa kwari kuti arowerhwe pamuchinjikwa. 27 Zwino warwi wemubati wakaisa Jesu munba wemubati, hondo yese ikaunganira kwari. 28 Wakamubvisa hembe dzake wakamufukidza hembe tswuku. 29 Zwino wakaruka korona yemidzwa wakaisa pamusoro, wake nerutsanga pamoko Wake werudyi, iwo wakafugama pamberi pake wakamuseka, wachiti. ''Zwiponesei, Mambo wewaJuda!'' 30 Wakamupfirira mata kwari, akatora rutsanga wakaramba wachimurowa musoro. 31 Wakati wamuseka, wakamubvisa hembe tswuku, akamupfekedza henbe dzake, wakamutora wakaenda naye kondomurowera pamuchinjikwa. 32 Wakati wachibuda, wakawona umwe munhu wekurine wainzi Simoni, wakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake. 33 Iwo wakaswika imwe swimbo inonzi Gorgota ndokuti ''nzwimbo yedheheya''. 34 Wakamupa waini yakasanganiswa nendura kuti amwe; asi akati araira, akarambakumwa. 35 Wakati wamurowera pamuchinjikwa, wakacheyana hebem dzake pakati pawo, wachikanda mijenya pamusoro pechekufuka zwangu; 36 Wakagara, wakamurindapo. 37 Wakaisa pamusoro wake rugwaro rwemhoswa yake rwekuti: ''UYU NDI JESU MAMBO WAWAJUDA''. 38 Wakarowerhwa pamwechete nebhabva mbiri mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. 39 Waiya waidarika nepo, waimutuka, wachizugudza misoro yawo 40 Wachiti: ''Iwe, waida kuputsa chechi nekuiwaka nemazuwa matatu, chizwiponesa, pauri. Kana Uyi Mwanakomana waMwari, dzika pamuchinjikwa''. 41 Saizwozwo, waPirisita wakuru newanyori newakuru wakamuseka wachiti: 42 ''Iye wakaponesa wamwe, Iye hakwanisi kuzwiponesa Iye. Iye kana ariMambo waIsraeri! ngadzike zwino pamuchinjikwa, titende Kwari. 43 Iye waiwimba naMwari ; ngachimusungura zwino pamuchinjikwa, kana achimuda nekuti wati: 'Ndiri Mwanakomana waMwari'''. 44 Uye mbhava nzakanga arowerwa nadzo pamuchinjikwa naYe aimutauriria zwimwechete. 45 Kubva panguwa yechitanhatu kuswikira panguwa yechipfumbamwe, rima rakawapo panyika yose. 46 Neguwa inenge yechipfumbamwe, jesu akadaidzira neiswi guru akati: ''Eri Eri Ramasabatani?'' ,zwaitaura kuti: ''Mwari wangu, Mwari wangu, mandisireiko?'' 47 Wamwe wanga wakamira ipapo wakti wachizwiswa, wakati: ''Iye arikudaidzira Eria''. 48 Pakarepo mumwe wawo akamhanya, akabata chipanje akachidzadza nevhiniga, ndokuisa parutsanga, akamunwisa. 49 Wamwe wakati: ''Musieyi timuwone kana Eria achizouya komuponesa''. 50 Zwino Jesu akadaidzira zswekare ne inswi guru akabudisa Mweya wake. 51 Tarira ipapo Chidzitiro chechechi chakabvaruka nepakati kubva kumusoro kuswikira pasi; nyika ikadengenyeka, mapuwe akamweseka. 52 Mabwiro akazaruka nemitumbu dzakawanda dzewaswene, wanga wakarara, wakamuswa. 53 Iwo wakabuda mumabwiro Iye amuka wakapinda muguta dzwene akawonekwa newakawanda. 54 Zwino mukuru wezana newairinda Jesu naye wati wachiwona kudengenyeka kwenyika nezwakaitikwa, wakatya zwikuru wakati: ''Zwirokwazwo uyu wanga ari Mwanakomana waMwari''. 55 Wakadzi wakawanda, waitewera Jesu kubva kuGarirea wachimuchandira, wanga waripo, wachitarissa nekure. 56 Pakati pawo Kwakanga kuna Maria Magadarena; Maria, mai waJakobho naJose; uye namai wewanakomana waZebhedi. 57 MUkuswera kwezuwa, akauya mumwe murume mufumi weArimatea wainzi Josefa, wakanga wari mudzidzi waJesu. 58 Iye akaenda kuna Pirato akamukumbira mutumbi waJesu . Zwino Pirato akaraira kuti apiwe. 59 Josefa akatora mutumbi, akaputira nemucheka muchena. 60 Akauwiga mubwiro hwake hwutswa hwaakanga achera mubwe. Akagurungusira ibweguru pamuromo wake webwiro akabvapo. 61 Maria Magadarena naMaria wanga waripo, wakagara pamberi nebwiro. 62 Fume mangwanani ndiro zuwa raitewra zuwa rekugadzirira waPirisita wakuru newaFarisi wakaungana kuPirato. 63 Iwo wakati: ''Iche, tinorangariria kuti munyengeri uyu achirimupenyu, Iye akati: 'nemazuwa matatu adarika, ndichamuka. 64 Saka Rairai kuti bwiro kuti richengetwe kuswikira nezuwa retatu, kuti wadzidzi wake warambe kuwuya, kozombha mutumbi usiku wataurire wanhu: ''wakamutswa kuwakafa;' Kunyengerwa kukuru kwekupedzisira kudarika kwekutanga''. 65 Pirato akati kwari: ''Torai warindi, uye muwuchengete sezwamunoziwa. 66 Wachienda iwo, wakandochengeta bwiro, wakaisa warindi wakaisa chiratizo chekusimbisa pabwe.