1 Nekupera kwesatade, kwoedza nezuwa rekutanga kwesodo, Maria Magadarena neumwe Maria wakaenda kowona bwiro. 2 Zwino pakawa nekudengenyeka kukuru kwenyika, Zwino nekuti Mutumwa waIshe wakadzika Kudenga, akauya akagurungusa bwiro akagara pamusoro payo. 3 Kuwonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni nehembe dzake dzaiwa dzekuchena sechando. 4 Warindi wakadedera nekutya wakagara sewakafa. 5 Asi mutumwa, akaenda kune wakadzi, akati: ''Musatya , ndinozwizia kuti murikudzwaka Jesu, akarowerwa pamuchinjikwa. 6 Iye haasi pano, wakamuka sekutaura kwaakaita. Wuyai muwone pakanga akarara Ishe. 7 Kasikai muende kotaurira wadzidzi wake kuti: ' Iye amuka kuwakafa tarirai unokutungamirirai kuGarirea, muchamuwona ikoko.' ndizwo zwandakutaurirai 8 Wakadzi wakasiya bwiro nekukasika nekutya nemufaro mukuru, akamhanya kotaurira wadzidzi wake. 9 Zwino wakati wachienda kotaurira wadzidzi wake Jesu akasangana nawo akati: '' Chungamidzwai!'' wakadzi, akaswedera kwari akabata tsoka dzake akamunamata. 10 Zwino Jesu akati: ''Musatya. Endai kotaurira hama dzangu kuti waende Garirea wachandiwona''. 11 Zwino wakadzi wachiri mugwadzi, wamwe warindi wakaswika muguta akataurira waPirisita zwese zwanga zwaitika. 12 wakati waungana nwakuru wakarangana, wakapa warwi mari yakawanda: 13 ''Taurai kuti wadzidzi wake Jesu wakauya wusiku wakamubaha isu takarara. 14 Kana zwikatswika nemubati, tichamutendesa, imi tichakusiayai musununguke''. 15 Zwino wabati wakatora mari wakaita sechataurirwa. Shoko iroro rakaparidzirwa pakati pewaJuda kuswikira nanasi. 16 17 Zwino wadzidzi wanegumi neimwe wakaenda kuGarirea, kugomo rewakarairwa na Jesu. Wakati wachimuwona, wakamunamata, asi wamwe wakanyunyuta,. 18 Jesu akaswika kwari, akati: ''Ndakapiwa simba rese Kudenga nepanyika. 19 Naizwozwo endai mudzidzise marudzi wese mubhabhatidze muzita raBaba, nereMwanakomana nereMweya Mutswene. 20 MUwadzidzise kuchengeta zwinhu zwese zwandakakurairai imi. Tarirai ndinemwi mazuwa wese, kuswikira pakuguma kwenyoka''.