1 Zwino jesu akatungamirirwa ne Mweya kurenje kuti ayedzwe na Dhiabhorosi. 2 Achizvinyiima zvekudya mazuwa makumi mana newusiku wemakumi mana, Iye akabatwa nedzara. 3 Dhiabhorosi akahuya kwaari akati : ''Kana uri mwanakomana waMwari shandura matombo aya kuti awe zvikwa''. 4 asi Jesu Akamuphidura akati zvakanyorwa: Zvichiti munhu harari nechikwa bedzi, asi nemachoko hose anobuda mumuromo waMwari'''. 5 Zvino dhiabhorosi akamutora akaenda naye kunguta tswene, akamuisa pachiruwu chetemberi 6 akamuti: ''Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi nekuti zwakanyorwa zwichiti: Iye ucharaira ngirozi dzake pamusoro pako; uye dzichakusimudza, pamaoko awo, kuti urege kungumbusa tsoka Yako padobho'''. 7 Jesu akamuti: '' Nekudaro zvakanyorwa: ' Iwe usaedza Jeova Mwari wako'''. 8 Zwekare dhiabhurosi akamutora akamuisa pazwibho yepamusoro akamuratiza wuche wose wepanyika pamwechete nekugwinya kwawo. 9 Iye akati kuna Jesu : '' Zwinu zwese izwi dinokupa, kana ukadibfugamara ukandinamata''. 10 Zwino Jesu akamuti: ''Budha kwandiri Satani! Nekuti zwakanyorwa kuti: 'Namata Jeova Mwari wako umushumire Iye hega'''. 11 Zwino Satani akamusia uye 12 Jesu achitswa kuti Johani asugwa, aendeswa kuGarirea. 13 Achibuda kunazareta akaenda korarama kuKapenaume,pamwechete nepanogara gugwa reGarirea, pamiganhu yeZabhuruni nenaftarimi. 14 Izwi zwakaitika kuti zwidzadziswe zwakataurwa nemuporofita Isaya: 15 ''Nyika yeZabhuroni nenyika yeNeftarimi, panzira yegungwa, mhiri kweJoridani. Garirea rewahedheni! 16 Wanhu wanga wari murima wakaona chiedza chikuru, newaya wanga wari munyika nemwemubvuri werufu, chiedza chikawabudira''. 17 Kubva paguwa iyoyo, Jesu akatanga kuparidza achiti: ''Tendeukai tendeukai nekuti wuche wekundega watswender''. 18 Jesu akati achifamba pagungwa reGarirea, wakaona warume wawiri, Simoni, unidzi pita, naAndrea, waikandira mabhure mugungwa, wuye waiwa wabati wehowe. 19 Jesu akawati kwaari: ''nditewerei, ndigokuitai wabati wewanhu''. 20 Nekundaro wakasia mabhure awo uye wakamutewera. 21 Zwino Jesu achifamba, akaonazwe warume wawiri ,Jakobho mwanakomana waZebheni, na Johani. Iwo wakanga warimuchikepe Zebheni, na baba wake, wachigadzirisa mabhure awo.Iye akawadhainza 22 nekundaro, wakasia chikepe na babawao, wakamutewera. 23 Jesu akapota Garirea, yose achidzidzisa mumasinagongi awo, achiaparidza ivhageri yeuche, uye wachirapa hocha zose nezwirwere zwose zwawanhu. 24 Mukurumbirawake ukaswika nyika yose yesiria, uye wanhu wakaunza wese wairwara, nezwirwere zwakasiana zwemarwadzo: Newakanga waine mweya yetswina, newanezwipucha: newakafa mitedzo Jesu akawaporesa. 25 Wanhu wazhinji waibva Garirea, nedhepokari, Jerusarema neJudhea nemhiri kweJoridani.