Chitsauko3

1 Pamazuwa iwawo, pakawa na Johani mubhabhatidzi atchiparidza murenje rejudhea achiti: 2 ''Tendeukai nekuti Wuche weKundega waswendera''. 3 Nekuti uyu die akataurwa namuporofita Isaya achiti: ''Iswi rounodana murenje: 'Gadzirirai nzira yaChe, ruramisai migwagwa Yake'''. 4 Johani waibfeka nguwo dzemakuche ekamera, ne bhanire renganda pachiwuno chake zwekudya zwake zwaiwa magwiza newuchi webundo. 5 Zwino Jerusarema, ne Judhea yose wakambudira kwaari nenyika yakapoteredza Jorodhani wakaenda kwaari. 6 iwo wakabhabhatidswa na Johani Murwinzi re Jordhani, wachireurira zviwi zvao. 7 9 Iye akati achiona wajinji wewaFarisi newasadusi, wachiuyana kwaari kuti abhabhatizwe, akawati: ''wana wenyoka, ndiani wakakunyewerai kuti mutize kutsamwa kunouya? 8 beerekai, zwibereko, zwakafanira zwekutendeuka. Uye musafunga kutaura mumoyo henyu muchiti: isu tina Abhurahama ndibaba wedu.' Asi ini ndinokutaurirai kuti Mwari ungamutsira Abhurahama wana pamabwe awa. 10 Zwino sanhu yakaiswa mudzi wemiti, miti yose. Isingambereki zvibereko zwakanaka unotemwa ukakandirwa mumoto. 11 Ini dinokubhabhatidzai nemvura mutendeuke, asi uya anouya shurekwangu unesimba kudarika inini uye ini andina kukodzera kuti ditakure shangu dzake. Iye achakubhabhatidzai neMweya Mutswene nemoto. 12 Ruseru rwake ririparuwoko rwake kuti ripukute buriro rake kwazwo. Uchauganidzira zwiyo muduri, asi Iye uchapisa hundi nemoto usingazodzimwi.'' 13 Zwino Jesu wakauya nekuGarireya wachitsvika paJoridhani kuti abhabhatidzwe 14 naJohani, asi Johani wakaedza kumudziwisa, achiti: Ini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, sei imi munouya kwandiri?'' 15 Jesu akamupindura achiti: ''chirekera hako zwino, nekuti sekudaro zwakafanira kuti tidzadzise kururama kwose''. zwino Johani akamutendera. 16 Akati apedza kubhabhatidzwa, Jesu akabunda mumvura tarira ndega rakazarurirwa kwaari, akawona Mweya wamwari huchiuya senjiwa ikambhara pamusoro pake. 17 Imwe itswi rakabva kudenga richiti: ''Uyu dhie mwanakomama wangu wadinondha. wadinofaria.''