1 Akati aberekwa Jesu, kubhetirehemu reJudhea, muguwa ya mambo Herodhi, wachenjeri wakazvika Jerusarema, watchibva kumabvazuwa wakati: 2 Waripiko uya wakaberekwa, Mambo wewaJudha? Isu taona nyeredzi yake kumabvazuwa tauya kuzomunamata.'' 3 Mambo Herodhi atchizwitswa izvi,wakamanikitswa, neJerusarema yese naye. 4 Herodhi wakaunganidza waPirisita wakuru wese nawanyori wewanhu, wakabvudza kuti: ''Kristu hatchaberekwa kuphi?'' 5 Iwo wakati: ''Pabheterehemu reJudhea, nekuti zvakanyorwa nemuporofita: 6 Newe bheterehemu, munyika yeJudhea, hausi mudhuku kuwabati weJudhea, nekuti kwauri kutchauya Mutungamiriri, utchafudza wanhu wangu waisraeri'''. 7 Zwino Herode akadaidza tchinyararire watchejeri kuti hawadvudzise tchokwadi guwa yakaoneka nyeredzi nayo. 8 akatuma Bhetirehemu, atchiti: ''Edai kotswaka mukomana nhereka. Mukamuwana, muditaurire kuti ini dhiende komunamata ''. 9 Wakati hatswa mambo, akaenda, uye nyeredzi yakanga yawona iwo kumabvazuwa yakawatungamirira kuzvikira yamira pamusoro peswimbo yanga inhe 10 mukomana.Pawakaona nyeredzi, wakafara nemufaro mukuru. 11 Iwo akapinda mumba, akaona mwana ari na Maria, mai wake, wakawira pasi akamunamata. iwo wakasunugura fuma yawo akamupa zvipo:zvedarama, nemura. 12 Mwari akawanyewerera mukurota kuti waregere kudzokera kuna Herode, zvino iwo wakaenda kunyika yawo neimwe dzira. 13 Wakati wasimuka, imwe Ngirozi yaMwari yakauya kuna Josefa mukurota akati: ''Simuka ubate Mwana na mai wake, hutize kwenda kuIjipita. Urambe uri ikoko kuzwikira ndakutaurira, nekuti Herodi warikutswaka Mwana kuti wamuhurae''. 14 Pawusiku iwowo, Josefa akasimuka akatora Mwana na maiwake akabunda kwenda kuIjipita. 15 Iye akarambira ikoko kuswikira Herodi afa. Kuti zvitike zvakatahurwa na Iche pakati pemuporofita atchiti: '' kuIjipita dakandana Mwana Wangu''. 16 Zvino Herodi, pahakazizua kuti anyengerwa newa tchenjeri, akatsamwa kwazo. Akatuma kohuraya wana wese wewakomana wanemakore mawiri waigara mubheterehema uye nenyika yese, maererano nem nguwa yaakadzwisisa wachenjeri. 17 Zwino zwakadzadziswa zwiya zwanga zwakataurwa nemuporofita: 18 ''Imwe itswi yakadzwika muRama, rekuchema nekurira kukuru ranga riri ra Rakeri achichema pawana wake, asingadi kunharadzwa nekuti iwo awachipo''. 19 Zvino Herodhi akati afa, imwe ngirozi ya Iche yakauya mukurota kwa Josefa paInjipita akati: 20 ''Simuka tora mwana namai wake chienda kunyika yewaIsraeri nekuti waya waitswaka kuhuraiya mwana wafa''. 21 Josefa akasimuka, akatora mwana namai wake, wakaenda kunyika yaIsrael. 22 Asi hakati, achizinzwa iwo kuti Arkerao hawa mambo paJudheya panzwimbo ya baba wake Herodhi, akatya kuedako.Nekudaro Mwari akamunyewerera mukurota, akaenda kumatiwi henyika yeGarireya, 23 akaenda korarama muguta rinodzi Nazareta. Zwakadzadziswa zwakataurwa newaporofita, kuti uchanzi Munazareta.