1 Zwino jesu, akazadzwa nemweya mutswene, akadzokera kurwunzi reJorodani uye akatongamirirwa nemweya mutswene kunda kurenge. 2 Pamakumi marongomuna, Iye akaedzwa na Diabhorosi. Pakati pemazuwa aya, Jesu aana kurya chiro kuzwikira azwa nzara. 3 Satani akati: ''Kana Uri Mwanakomana waMwari, chadura buwe kuti riwe chigwa''. 4 Uye Jesu akapidura: ''zwakanyorwa, kuti munhu ararame nechigwa chete''. 5 Ipapo Satanai akamutora kumuendesa pamusorosoro, akamuratidza umambo wese wenyika 6 uye akati: ''Ndinokupa simba rekutobga umambo wese, nekunaka kwawo. Nekuti ndakaupowa, uye ndinopa wandirikunda. 7 Nokudaro, iwewe wakapfugama ukandinamata, ndinokupa zwese izwi'' 8 Asi Jesu akapidura, achiti: ''zwakanyorwa: 'Namata Ishe Mwari wako uye Iye chete umukudze''''. 9 Zwino, Satani akatora Jesu Kujerusarema, akamuisa kumusoro kwetembere, akati: ''Kana uri Mwanakomana waMwari, zwikande pasi. 10 Nekuti zwakanyorwa: 'Iye achaudza watumwa wake kuti wakucheheteze.' 11 Uye iye akati: 'Iwo wachakubatisisi na maoko awo kuti murenge wako usakumborwe mabwe''''. 12 Jesu akapidura akati: ''zwakanyorwa, usaedze Ishe Mwari wako'''. 13 Akati apedza kumoedza, Satani akabva paari achimirira nguva inouya. 14 Ipapo Jesu akatsokira kuGarerea, nesimba yeMweya mutswene, nau yake yakatekechera tswimbo dzose nemaguta anga arimiri. 15 Uye aidzidzisa mumasinagogue, uye wanhu wese waikudza Mwari. 16 Iye akauya kuNazareta waakaberekererwa. kunge zwaita, Iye akapinda musinagogue, musuwe Sabata, uye Akasimuka kuti awerenge zwinyorwa. 17 Iye akapiwa bhuku ramuporofita Isaia, uye, akavura, akauna pakanyorwa: 18 ''Mweya mutswene uri pamusoro pangu, iwo wakandizodza kuti ndiparidzire warumbo. Iye akandituma kuti ndidanidzire rusonuguko kune wakasugwa uye kunorapa wasingaone, kuti ndisunugure wanochuchekana 19 uye kuzodanidzira gore raShe rakanaka''. 20 Iye akavara bhuku, akadzosera kumuturiri wemusinagoge uye akagara. Wese wanga wari musinagoga wakaisa maziso Waari. 21 Iye akatanga kuwaudza achiwati: ''Mashoko amatswa anda taura azadziswa''. 22 Umwe na umwe akapupura zwaakanga Ataura, uye wese wakachamisika nemashoko aibuda mumuromu make. Iwo waiti: ''ko uyu asi mwanakomana waJosefa here?''. 23 Jesu akawati: ''zuwa rimwe muchataura shumo iye: ,chiremba, zwiponese. Ita kunyika kwako zwese zwawakaita kuKapernaumi'''. 24 Uye iye akati: ''akuna muporofita anogamuchirwa kunyika yekwake. 25 Zwirokwazwo ndinoti kwaiwe nechirikadzi jinji kuIsraeri panguva yaEria, pawakaita makore matatu nemamwedzi kusina kunaya, uye kwakawa nenzara kunyika yese. 26 Asi Iria aana kutumwa kwawari, kunze kuchirikadzi yaigara kuSarepta, pedyu neguta reSidom. 27 Panguva yemoporofita Irisha, kwaiwe wagane maoere mbudzi wajinji, asi umwe chete akaponeswa, Naamani, wekusirio''. 28 Wese musinagoge wakatsamwa zwikuru wachinzwa izwozwo. 29 Iwo wakasimuka, wakamudzigakunze kweguta uye wakamuendesa pakati pegomo yanga yakawakwa muguta, kuti wamu wisere pasi. 30 Asi Iye akapinda nepakati pawo akatera kwanzi rake. 31 Nokudaro Iye akaenda kuKapernaumi, rimwe guta muGarerea. Musuwe Sabata Iye aidzidzisa wanhu mumasinagoge. 32 Wakachamisika nedzidziso Rake, nekuti yaitaura nesimba. 33 Mazuwa awo, musinagoge, kwaiwe nemumwe murume aiwe nemweya wetswena. Iye aidanidzira zwinesimba: 34 ''Tineiko newe, Jesu wekuNazareta? wauya kuzotiparadza? ndinoziya kuti uri ani, Mutswene waMwari!''. 35 Jesu akaraira achiti: ''nyarara uye buda paari!''. Mweya yakaipa yakamuwisira pakati pawo uye yakabuda paari isina kumukwadza. 36 Uye wanhu wakachamisika, umwe na umwe waikurukura: ''Mashoko api aya? nesimba Iye anoraira mweya yetswena ichibuda''. 37 Uye nau yake yakatekechera kwese. 38 Uye Jesu akasiya sinagoge akaenda kumba kwaSimoni. mai wemukadzi waSimoni wabatwa nekuruara zwikuru, wakamukumbirira kwaari. 39 Jesu akapfugama paari uye akaraira chirwere, uye chakamusiya. ipapo ipapo, iye akasimuka akatanga kumushamdira. 40 Zuwa rakudzika, wanhu wakauya newarwere kuna Jesu zwerwere zwakasiana siana. Jesu, aisa muwoko kune mumwe na mumwe, uye waipora. 41 Uye mweya yakaipa dzaibuda mawaari, dzichidanidzira dzichiti: ''Iwe uri Mwanakomana waMwari!''. Uye Jesu airara mweya yakaipa, anga asigabvumi kuti wataure, nekuti iwo waizwizuya kuti ndiKristu. 42 Zwino kwakati kwaedza, Jesu akabuda akaenda kurenje kuti anamate. Uye wajinji waimutsaga paaga ari. Uye waramba kuti aende. 43 Asi Jesu akawati: ''Ini ndinofana kuparidza shoko reUmambo waMwari kune maguta akawanda, ndizwo zwadakatumirwa''. 44 Nokudaro Iye akaramba achiparidza mumasinagoge ne muguta rese reJudea.