Chitsauko 22

1 zwino mutambo wechingua chisina mbiriso,inonzi pasika, yanga yakusvika. 2 waprisita ne wakuru newanyore waitaurirana kuti tingauraya sei Jesu, nekuti iwo waitya wanhu. 3 Satani akapinda muna Judas Iscarioti, 4 mumwe wewane gumi. uye Judas akaenda kunonetsana newa prisita uye newakuru wetembere kuti iye anowapa sei Jesu. 5 6 Iwo wakafara uye wakawirirana kuti anga wapi mari sei. Iye akatenda aitsaga mukana kuti awape, kure kwewajinji. 7 Rakati rasvika mutambo we chingua chisina mbiriso, ipapo gwayana re pasika raifanira kubairwa, 8 Jesu akatuma Petro na Johani, achiti: ''Endai kunotigadzirira mutambo wepasika, kuti isu tirye''. 9 Iwo wakamubvudza: ''Munoda kuti tiegadzire kupi?''. 10 Iye akawadaira: '' Kana mapinda muguta, mumwe murume akatakura mugomo webvura machasangana naye. Mutewerei kuswika kuimba yaachapinda. 11 Uye moti kune muridze we umba: 'Ishe wanoti: Iripi umba yandichadya pasika newadzidzi wangu?'. 12 Iye achakuratidzai umba huru yepamusoro yakarokedzwa. mobva magadziresa imomo''. 13 Ipapo iwo wakaenda wakaona zwese zvawanga wataura. kuti agadzire mutambo wepasika. 14 guva payakaswika, Ite akagara ne wadzidzi. 15 Ipapo Iye akati: ''Ini ndaida zvakanyanya kudye nemi pasika iye ndisati ndatambudzika. 16 nokoti ini ndinoti: 'Ini andicharya imweze, kuswika zwazadziswa mu Umambo Mwari. 17 Ipapo, Jesu akatora mukombe, pakapa nyasha, akati: ''Imwai muchipanana pamuri. 18 Nokuti Ini ndinoti amuchamwe zvimbereko zvemuzambiringa zvekare, kuswika Umambo Mwari wauya''. 19 Iye akatora chingua uye, akachiropafadza, akachimedora uye akawapa achiti: ''Uyo ndiwo mwiri wangu, yandinopa kwamuri. Itai izvi muchindirangarira''. 20 Naizvozvo apedza, kudya, akatora mukombe, achiti: Mukombe uyo chitenderano chitswa neropa rangu rinoerera pamuri. 21 Asi pane umwe anemuoko uchandipandukira aneni patafura. 22 Nokuti Mwanakomana weMunhu, anoita zvekarewa. Asi ndiwopi murume uchamupandukira!''. 23 Iwo wakatanga kubvudzana pachawo kuti ndiwopi. 24 Wakatanga kutirana naro kuti ndiani achawa mukuru. 25 Iye akawati: ''Madzimambo yewayedeni ane simba pamusoro pawo, waya wane simba wanodzi wabatsiri. 26 Asi izvo azwifanire kudaro kwawari. Kunze kwaizvozvo, uya anozvita mukuru pakati penyu kaite se mudoko. Uya anozwikuchesa gaite semuchandi. 27 Saka ndiani mukuru, uya akagara patafura, kana kuti muchandi? Aasi here uya akagara patafura? Nokuti, Inini ndiri pakati penyu semuchandi. 28 Asi ndimi munoramba machinga pakuedzwa kwangu. 29 Ini ndakakutembai mu umambo saBaba wanonditemba, kuti mufanire kudye nekumwa patafura yangu, mu Umambo Wangu, 30 Uye imi muchagara pachigaro choumambo kuti mutonge dzindza gumi nawawiri weIzirairi. 31 Simoni, Simoni, gara wakachegera, Satana akakukumbira kuti akopepete kunge coroni. 32 Asi ndakakukumbira iwe kuti kutenda kwako kurege kuparara. Uye kana watendeuka usosimbisawo wamwe''. 33 Petro akamuti: ''Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi kunyakwe mudjere kana kufa''. 34 Jesu akadaira: Ini ndinoti, Petro, djongwe arisoriri muzuwa racho, usati wandiramba katatu, uchiramba kuti unondiziwa''. 35 Ipapo Jesu akamuti: ''pandakakutumai musina chikwama kana nowomwe ne mbachika, pane chamachaiwa here?'' Iyo wakadaira: ''kwete''. 36 Ipapo Iye akati: ''Saka uya anechikwamachimwe ngatoreimwe nowomwe. uya asina mbakatwa ngategese atenge imwe. 37 saka ndinokuudzai kuti zvakayorua pandiri zwichazadziswa: ' Iye uchafananidzwa nemhondi'. zwese zwakataurwa pamusoro pangu zwichazadziswa''. 38 Saka iwo wakati: Ishe tinawo pano mapakatwa mairi'''. Uye Iye akati:'' zwakwana''. 39 Pasika yapera, Jesu akabuda akaenda kuGomo Remiorevi, se zwaita, wadzidzi wake wakamutewera. 40 Iwo pewakaswika Iye akawati: ''namatai kuti musaedzwa''. 41 Iye akaswendera pawanga wari akaenda pabuwe, akabvugama, akanamata 42 achiti: '' Baba, kana imi muchida bvisai mukombe uyo. Asi kusawa kunda kwangu asi gakuwe kuda kwenyu''. 43 Ipapo mutumwa akauya achibva kundenga, akamusimbisa. 44 Asi ari pakutabudzika, akaramba achinamata, uye ziya rake raidona semadono iropa raidona pasi. 45 Ipapo akasimuka pakunamata kwake, Iye akauya kune wadzidzi akawaswikira akawata, nekuda kwekusuwa kwawo, 46 Iye akawabvudza: '' nguei makawata? mukai munamate, kuti musapinda mukuedzwa''. 47 Iye paitaura, wajinji wauya na Judas, mumwe wegumi nawawiri, akauya paduze pake akamutsvoda, 48 asi Jesu akamuti: ''Judas, iwe unopandukira Mwanakomana weMunhu nekumu tsvoda?''. 49 zwino waya wakanga warikumashure kwa Jesu, wakati: '' Ishe, tinofana kuwakwadza ne mbakatwa 50 here?''. Ipapo mumwe wawo akagura nzewe yerudyi yemumwe wewaprisita. 51 Ipapo Jesu akati: ''zvakwana, wasiyei''. Iye akamubata panzewe akamuporesa. 52 Jesu akati kune maprisita, ne wakuru wetembere ne wakuru wakauya kwaari: ''Mauya se murikuwira mbava, ne mbakatwa nezwimiti? 53 Asi Inini ndanga ndinemi mu tembere, asi amuka kundibata. Asi ino ndoguwa yekutonga kwerima''. 54 wakamusunga, wakaenda naye wakamuendesa kumba kwemuprisita mukuru. Asi Petro, arikure, waimutewera. 55 kwakudoka, wakambetsa moto paumba wakagara naye. Petro wakagara pakati pawo. 56 Zwino mumwe mushandi wakamuwona wakagara padhuze ne moto, akamutarira kwaari akati: ''Murume wanga wariwese Naye''. 57 Asi petro akaramba, achiti: ''Mukadzi, ini andimuzewe''. 58 Imwe nguva, mumwe munhu akamuona akati: ''Iwe urimumwe wawo''. Asi Petro akati: ''Murume ini andimuziwe''. 59 Kwapera nguva, mumwe akamuti zwekare: ''Zwechokwandi murume uyo aiwe Naye kuGarirea''. 60 Asi Petro akati: ''Murume, andiziwe zwauri kutaura''. Ipapo paitaura, jongwe yakakuwa. 61 Ishe wakacheuka akatarira Petro . Ipapo Petro wakarangarira mashoko akataurwa na Ishe, pawakati: ''Nhasi, jongwa risati rakuwa, uchandiramba katatu''. 62 Petro achibuda akaenda kunochema zvikuru. 63 Ipapo warume wanga wabata Jesu vaimutuka nekumurowa. 64 Pawakamuvara maziso wakamubvudza wachiti: ''Porofita! ndiani akurowa? 65 Iwo waimutuka wachitaura zvakawanda pamusoro pa Jesu. 66 Zwino kunze kwakuyedza, wakuru wewajinji wakasangana, wese ne maprisita newanyore. iwo wakamutora wakaenda naye kuwakuru we judeya, 67 achiti: ''Kana uri Kristu tiudze''. Asi Iye wakati: '' ndikaudzai, imi amutende; 68 ndakakubvudzai, imi amundidaire. 69 Asi, kubva nhasi, Mwanakomana Wemunhu achagara kurudyi kwe simba raMwari''. 70 Wese iwo wakati: ''Saka iwewe urimwanakomana waMwari?''. Iye Jesu akawati: ''Imi ndimi munoti Ndiri Ani''. 71 Iwo wakati: ''Nguei tichirikunda uchapupura? Nokuti isu tanzwa ne muromo wako''.