Chitsauko 9

1 2 Jesu akati achidarika, akaona umwe murume waiwa bofu kubva pakuberekwa kwake. 2 Wadzidzi wake wakamubvunza, achiti: Rabhi, ndiani akatadza? Uyu, kana kuti wabereki wako, kuti wabereke riri bofu? 3 Jesu akadaira akati: Uyu, haana kutadza, kana wabereki wake; asi kuti mabasa aMwari awoneke maari. 4 Ini ndinofanira kubata basa rewakandituma, achiri masikati; wusiku unouya, usingakwanisi munhu kushanda. 5 Kana ndichiripanyika, ndiri chiedza chenyika. 6 Wakati wataura izwozwo, akapfira mata pasi, akaita akakanya dope nemata, akazodza meso ake nedope rawo. 7 Akati kwaari: Enda, kongeza mudziwa reSiroami kana zwichishandurwa Kutumwa. akaenda, akangeza; akadzokera akuwona. 8 Zwino wawakidzani wake, waimuwona kare kuti ndiye bofu, waiti: Haasi iye waigara achikumbira? 9 Wamwe waiti: Ndiye. Wamwe: handiye asi wakafanana naye. Iye akati: Ndini. 10 Zwino waiti: Madziso ako akuwona seiko? 11 Akadaira achiti: Munhu unonzi Jesu, akakanya dope akazora meso angu, akati: Enda kudziwa reSiriomi, undongeza . Ini ndikaenda, ndikangeza, ndikaona. 12 Wakati, kwaari: Waripiko iye? Iye akati andiziwe. 13 Wakamuisa kuwafarisi iye wakanga ari bofu. 14 Wanga uri musi wesatade, Jesu raakakanya dope, naro akaswinudza meso ake. 15 Zwino waFarisi wakamubvunzazwe wakawoneswa sei, iye akawati: Waisa dope pameso angu, ndikaenda kongesa, ndikaona. 16 Zwino wamwe wewaFarisi wakati: Murume uyu haasi waMwari, nekuti haachengeti satade. Wamwe waiti: Munhu mutadzi ungaita seiko zwiratidzo zwakadai? Paiwa nekupesana pakati pawo. 17 Wakadzokazwe kutaurira waiwa bofu: Iwe unoti kudini pamusoro pake, zwakaswinura meso ako? Iye akati: Muporofita. 18 Naizwozwo waJuda haawana kutenda pamusoro pake, kuti waiwa bofu, akazowona, kuswikira adaidza wabereki wewakawoneswa. 19 Wakamubvudza wachiti: Ndiye uyu mwana wenyu, wamunoti wakaberekwa ari bofo here? zwino wanowona seiko? 20 Wabereki wake wakadaira wachiti: Tinoziwa kuti mwanakomana wedu uyu, wakaberekwa ari bofu; 21 Asi ikozwino wakuwona atiziwi kuti wakuwona seiko; newakaswinudza meso ake, atimuziwi; iye wanezera rakakonzera mubvunzei iye, uchataura pachake. 22 Wabereki wake wakataura izwozwo nekuti waitya waJuda. Nekuit waJuda wanga watowirirana, kuti kana kuine munhu unotenda kuti ndiye Kristu, waidzingwa muSinagogi. 23 Dosaka wakati kuwabereki wake kuti: wakura, mubvudzei henyu. 24 Wakamudaidzazwe kechipiri murume uyuwaiwa bofu, akamuti: Rumbidza Mwari; Isu tinoziwa kuti munhu uyu mutadzi. 25 Ipapo iye akadaira achiti: Kana arimutadzi, ini handiziwe; ndinoziwa chinhu chimwe chete kuti ndaiwa bofu, asi ikozwino ndawakuwona. 26 Wakadzoka achimuti: Chichakakuita iye? aswinudza meso ako seiko? 27 iye akawadaira achiti: Ini ndakutaurirai kare, amusati madzwa here; murikuda kudzwazwe nenyaya yeiko? Nemiwo munoda kuwa wadzidziwake kani? 28 Wakamutuka, wakamuti: Iwe ndiwe mudzidziwake; asi isu tiri wadzidzi waMosesi. 29 Tinozwiziya kuti Mwari wakataura naMosesi; asi uyu atiziwi kwaakabva. 30 Murume uyu akadaira, achiti: Saka chinhu ichi chinoshamisa: kuti imi hamuzwi kwaanobva; kunyangwe zwakadaro akaswinura meso angu! 31 Tinoziwa kuti Mwari haanzwi watadzi; Asi kana munhu achishumira Mwari, achiita kuda kwake, uyu anomunzwa. 32 Kubva pakutanga hakuna kumboswika kuti kune munhu waswinudzwa meso wemunhu wakaberekwa aribofu. 33 Dai uyu asina kubva kunaMwari, haapana chaigona kuita. 34 Iwo wakamudaira kwaari achiti: Iwe wakaberekwa zwikuru muzwiwi zwino, iwe wotidzidzisa isusu? wakamudzingira kunze. 35 Jesu wakadzwa kuti wamukandira kunze, akati amuwona, akati: Unotenda iwe muMwanakomana waMwari? 36 akadaira, iye akati: Iye ndianiko, Ishe, kuti nditende kwaari? 37 Jesu akati: Iwe wamuwona; uye ndiye warikutaura newe. 38 Iye akati: Ndinotenda, Ishe, akamunamata. 39 Jesu akati: Inini ndakauya panyika ino kuti nditonge, kuti wasingawoni, wawone; uye wanowona kuti wawe mapofu. 40 Iwawo waFarisi, waiwa naye; wakazwidzwa wakamuti kwaari: Saka nesuwo tiri mapofu here? 41 Jesu akati: Ndai muri mapofu, ndai musina zwitadzo; asi ikozwino munoti: Tinowona; Zwitadzo zwenyu zwinoramba zwiripo.