1 Zwirokwazwo, zwirokwazwo ndinoti kwamuri, kuti uya usingapindi nepadho mudanga remakwai, asi unokwira nekumwe, imbabvha, negororo. 2 Asi uya unopinda nepadho ndiye mufudzi wemakwai. 3 Murindi wedho unomuzarurira, uye makwai anodzwa inzwirake, unodaidza makwai ake nemazita ake, nekuwakokera kudze. 4 Kana abudisa makwai ake kunze, ose unowatungamirira, uye makwai anomutewera nekuti anodswa iswirake. 5 Asi muridzi wacho hangatobomuteweri, asi anomutidza; nekuti haziwi inzwi rewaeni. 6 Jesu akataura mufananidzo uyu kwaari; asi hana kudzwisisa kuti zwaitaura chiko. 7 Jesu akadzokerazwe akataura kwaari: Zwirokwazwo, zwirokwazwo ndinoti kwamuri, ndini dho remakwai. 8 Wese wakanditangira kuwuya, imbava negororo; asi makwai haana kuwanzwa. 9 Ini ndini dho; uya nopinda nepandiri, uchaponeswa; uchapinda nekubuda, uchawana, mafuro. 10 Bava inouya koba, nekuwuraya, nekuparadza; ini ndakauya kuti muwe newupenyu, uye muwe nerugare. 11 Inini ndirimufudzi wakanaka; mufudzi wakanaka unopa makwai ake, upenyu wake. 12 Asi mushandi, asati amufudzi, wemakwai asati a ake, unowana bere richiuya, unosiya makwai akatiza; bere rinowa bata, akaparadza makwai. 13 Uye mushandiri unotidza, nekuti muranda haana hanya nemakwai. 14 Ini ndirimufudzi wakanaka, uye makwai angu ndinowaziwa anondiziwa ini. 15 SeBaba wanondiziwa, neniwo ndinowaziwa; ndinopa wupenyu wangu kumakwai. 16 Newamwe makwai ndinawo wasati awa makwai edangarino; naiwo ndinofanira kuya nawo, achadzwa inzwi rangu, richawa boka rimwe nemufidzi mumwe. 17 Saka Baba wanondida, nekuti ndinopa wupenyu wangu ndikautorazwe. 18 Akuna munhu unonditorera iwo, asi ndinoupa ini muridzi; Ndine simba rekupa, nekuwutora. Murairo uyu ndakaupiwa naBaba. 19 Ipapo kupesana kukawapo pakati pewaJuda, nekuda kweshoko iri. 20 Wakawanda waiti: Iye uneDimoni, unopenga; munomuteera ngeiko? 21 Wamwe waiti: Mashoko awa hasi wemunhu uneDimoni; Saka Dimoni ringaswinudza meso emapofo here? 22 Waiwa mutambo wekuwadudzwa kwechechi muJerusarema, chaiwa chado. 23 Jesu akafamba muchechi, pabirawira raSoromoni. 24 Zwino waJuda, wakamupoterera, wakamuti: Kuswika rini uchitiedza? Kana uri Kristu, titaurire, pachena. 25 Jesu akadaira achiti: Ndakakutaurirai, mukasanditenda. Mabasa andinoita aBaba, wangu ndiwo anondipupurira. 26 Asi imi hamuna kutenda, sezwandakataura, nekuti hamusi, makwai angu,. 27 Makwai angu anodzwa idzwi rangu, uye ini ndinowaziwa, iwo anonditerera. 28 Ini Ndinowapa wupenyu usingaperi, hawangafi nekusingaperi, uye akuna ungawatorera mumaoko awo. 29 Baba wangu wakandipawo wakuru, kune wese; hakuna munhu unokwanisa kuwatorera mumaoko aBaba wangu. 30 Ini naBaba tiriwamwewo. 31 Saka waJuda wakanhongazwe mapuwe kuti awateme. 32 Jesu akawadaira achiti: Ndakakupangidzirai mabasa akawanda akanaka anobva kuna Baba wangu; anonditepemera mabasa apiko kune aya? 33 akawadaira waJuda wakati: Nemabasa akanaka atikutemi asi nekuti washora Mwari; nekuti iwe unozwita Mwari. 34 Jesu akadaira achiti: Azeina kunyorwa here pamutemo wenyu zwichiti: Ini ndakati: Muri wamwari? 35 Kana mutemo wakadaidza wamwari, iwo shoko raMwari rakaswika kwawari, Mutemo haungaputswi; 36 imi, munoti sei kunaiye wakaitwa; muswene, naBaba, nekutuma panyika; unoshora Mwari; nekuti ndakati; ndiri Mwanakomana waMwari? 37 Asi kana ndisingaiti mabasa aBaba wangu, musanditende. 38 Asi kana ndichiaita, kunyangwe musingatendi, tendai mabasa; kuti muziwe kuti Baba wari mandiri, uye ini, ndiri maari. 39 Zwino waiswakazwe kumubata; asi iye akabuda pamaoko awo. 40 Zwino wakaenda zwe kumhiri kweJoridani, kuswimbo iya yaibhabhatidza Johani; akangara ipapo. 41 Wakawanda wakawuya kwaari, akati: Johani haana kuita chiratidzo; asi zwese zwakataurwa naJohani pamusoro pemurume uyu ichokwadi. 42 Wakawanda ipapo wakatenda kwaari.