1 Mumwe murume wairwara waidzi Razaro, wekuBetania, mumusha waMaria neyaya wake Marta. 2 Ndiye Maria wakadzodza Iche nemafuta, nemvhudzi rake akapukuta makumbo ake; hama yake Razaro yairwara. 3 Zwino hama dzake dzakatumira tsamba kwaari richiti: Iche, uya wamunhudisisa warwara. 4 Jesu, akati azwiswa akati: Kurwara uku hakusi kwekufa, asi kuti Mwari akudzwe; kuti Mwanakomana waMwari akudzwewo nazwo. 5 Jesu wakanga achida Marta, nehama yake, naRazaro. 6 Pahakadzwa, kuti arikurwara, wakagara futi wazuwa mairi pakanga ari. 7 Shure kweizwozwo akadzoka akati kuwadzidzi wake kuti: Ngatiendeizwe kuJudheia. 8 Akati kuwadzidzi wake: Rabhi, waJudha waikuswakai kuti wakutemei nemapuwe; imi murikudzokerazwe ikona here? 9 Jesu akadaira achiti: Nguwa hadzisi gumi nezwiwiri pazuwa here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nekuti unowona chiendza chenyika 10 Asi kana munhu achifanba wusiku, unogumburwa; nekuti mwaari amuna chiedza. 11 Iye akataura zwinu izwi; shure kwazwo, akawati: Razaro, shamwari yedu, warara; asi ndirikuenda koimutsa muhope. 12 Zwino wadzidzi wake wakati kwaari: Iche, kana iye arikurara, uchaponeswa. 13 Asi Jesu aitaura kufa kwake; Iwo waifunga kuti warikutaura kurara kwehope. 14 Zwino akawataurira pachena: Razaro wafa. 15 Ndinofara, nekuda kwenyu, kuti ndanga ndisipo, kuti mutende; zwino ngatiendei kwaari. 16 Akati Tomasi, wainzi Dhidhimo, kune wamwe wadzidzi: Ngatiendeiwo nesu, kuti tindofe naye. 17 Zwino Jesu, akati achiswika akamuwona amuguwa mazuwa mana. 18 Betania rakanga riri paduze neJesusarema mastadia anenge gumi nemashanu. 19 Wakawanda wewaJuda wanga wauya kuna Marta na Maria, kuti wawabate maoko pamusoro pehama yawo. 20 Saka Marta akati achidzwa kuti jesu arikuwuya, akaenda komuchungamidza; asi Maria akagara munba. 21 Marta akati kuna Jesu: Iche, Dai maiwa pano hama ingadai isina kufa. 22 Asi ikozwino, ndinozwiziwa kuti, zwese zwamunokumbira kuna Mwari, Mwari unokupai imi. 23 Jesu akati Kwaari: Hama yako ichamuka. 24 Marta akati kwaari: Ini ndinozwiziya kuti achamuka, pakamuka kwewakafa, muzuwa rekupedzisira. 25 Jesu akati: Ini ndini kumuka, newupenyu; uya unotenda kwandiri, kunyangwe akafa, uchararama. 26 Wese uya unorarama, achitenda kwandiri, haangatombofi. Unotenda izwozwo here? 27 Wakati kwaari: Ongu, Ishe; Ndatotemda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, waitwi uchauya panyika. 28 Wakati ataura izwozwo, iye wakaenda, kodaidza, yaya wake, Maria ari enga akati: Mudzidzisi waswika, anokudaidza. 29 Wakati achidzwa izwo, akasimuka akaenda kwaari. 30 Zwino Jesu wanga asati aswika pamusha; asi wanga ari paimwe nzwimbo yakachungamidzwa Marta. 31 Zwino waJuda wakanga wari mumba, naye wachimubata ruwoko, wakati achiona Maria achikasika kusimuka achibuda, wakamutewera achiti: Unoenda kuguwa kochema ko. 32 Zwino Maria wakati achiswika kuna Jesu, akadona pamakumbo ake, achiti: Ishe, dai maiwa pano, hama yangu ingadai isina kufa. 33 Zwino Jesu wakati achimuwona achichema, newaJuda wanga wauya naye wachichema, akafa neshungu mumweya, akashungurudzika. 34 Akati: Mamuisa kupi? Akamuti: Ishe uyai, muwone. 35 Jesu akachema misodzi. 36 WaJuda wakati: Tarisai waimuda sei! 37 Wamwe wawo waiti: Uyu akashinudza madziso emapofu, hanga asingagoni kudziwisa kuti uyu munhu arambe kufa? 38 Ipapo jesu akafazwe neshungu, mukati make, akaswika paguwa; raiwa pa bako nebuwe ranga riri pamusoro. 39 Jesu akati: Budisai buwe. Marta hama yake yewakafa, akamuti: Ishe. wakushaisha kunhuwa, nekuti wane mazuwa mana okufa. 40 Jesu akamuti: Handina kukutaurira kuti, ukatenda uchaona kungwinya kwaMwari? 41 Akabudisa, buwe,. kubuda paswimbo payanga inemufi. Zwino Jesu akatarisa kudenga, akati: Baba ndinokurumbidzai nekuti munondinzwa. 42 Asi ndaiziwa kuti munosondidzwa nguwa dzose; asi nekuda kwewanhu, wakandipoteredza, kuti; watende kuti makandituma. 43 Wakati ataura izwozwo akadaidzira neidzwi guru akati: Razaro, buda kudze. 44 Wakanda afa akabuda , nemaoko nemakumbo nemicheka yeguwa, nechiso chake chakapombwa nemucheka. jesu akati: Musungurei, ayende. 45 Naizwozwo wakawanda wewaJuda, wanga wauya kuna Maria wawona zwaitwa naJesu, wakatenda kwari. 46 Asi wamwe wawo wakaedna kuwafarisi, akawataurira zwanga zwaitwa naJesu. 47 Zwino waPirisita wakueru newaFarisi wakaunganidza makorokota, wakati: Tingaitei? nekuti murume uyu unoita zwiratidzo zwakawanda. 48 Kana tikamusia achidaro, wanhu wese wachatenda kwaari, newaroma, wachauya wakatitorera nzwimbo yakawanda yedu nerudzi rwedu. 49 Zwino muwme wawo, weKayafasi, wanga ari muPirisita mukuru, gore iro, akati: Imi apana chamunoziwa; 50 Hamurangariri kuti zwirinani, kwamuri kuti munhu mumwe afire wanhu rudzi rirenge kufa. 51 Iye hana kutaura izwozwo pachake; asi zwakanga arimupirisita mukuru gore iro, akaPorofita kuti Jesu waizofira rudzi. 52 Risiri rudzi irichete, asi kuti aunganidze pamwechete wana waMwari, wakapararira. 53 Zwino kubvira zuwa iroro wakarangana kuti wamuhuraye. 54 Naizwozwo Jesu haana kuzofambazwe pachena pakati pewaJuda, asi wakabudapo akaenda kunyika iripaduze nerenje, kuguta rainzi Efraimi; ipapo waifamba newadzidzi wake. 55 Zwino pasika yewaJuda yanga yapaduze,wanhu wakawanda wenyika iyoyo wakakwira Jerusarema pasika isati yaswika, kuti wazwinatse. 56 Zwino wakaswaka jesu, wakataurirana wakamira muchechi wachiti: Murikuti kudini murikuti haangauyi kumutambo? 57 Zwino wapirisita wakuru newaFarisi wanga waraira kuti, aninani achiziwa Kwaari, awaziwise, kuti wamusunge.