Chitsauko 12

1 Zwino, mazuwa matanhatu pasika ichiswika, Jesu akaswika Betania, paiwa naRazaro, wakanga wakafa wakamutsa kuwakafa. 2 Wakamuitirapo, chirairo; Marta akawashandira naRazaro ari mumwe wakanga akagara naye pakudya. 3 Zwino ;Maria akatora paundi yemafuta enardo, anemutengo mukuru, akadzodza tsoka dzaJesu akadzipukuta tsoka dzaJesu nevhudzi rake; ikadzadza imba nekunhuwira kwemafuta. 4 Zwino mumwe wewadzidzi, wake Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni wanga achazomupadukira akati: 5 Mafuita aya adini kutengeswa nemadhenari mazana matatu, wakapiwa warombo? 6 Asi hana kutaura izwozwo nekuti arangarira warombo; asi nekuti waiwa mbavha, waigara nechikwama, achiba zwaiswamo. 7 Jesu akati; musieyi; wazwitira kuwigwa kwangu. 8 Nekuti warombo munawo; asi ini hamusineni nguwa dzose. 9 Wanhu wakawanda wewaJuda wakanzwa kuti uripo; wakauya asi hawana kuya nekuda kwaJesu, asi kuti wawonewa Razaro, akamuka kuwakafa. 10 Asi waPirisita wakuru wakaramgana kuti wawurae narazaro, 11 Nekuti nekuda kwewaJuda wakawanda wanga wachibva kwaari wachitenda kuna Jesu. 12 Zwino awa mangwanani , wanhu wakawanda wanga wauya kumutambo, wakati wanzwa kuti Jesu wakuya Jerusarema, 13 wakatora mashija emichindwe, akabuda komuchungamidza, akadaidzira achiti: Hosana! ngarumbinzwe unouya muzita raIshe Mabo, weIsraeri! 14 Jesu akati awona mwana wembongoroakagara pamusoro payo sezwakanyorwa kuchiti: 15 Usatya , mukunda wezioni tarira Mambo wako unouya akagara pamusoro pembongoro. 16 Wadzidzi wake hawana kunzwisisa pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa wakazorangarira kuti izwo zwanga zwakanyorwapamusoro pake, uye kuti wanga wamuitira izwozwo. 17 Zwino wanu wakawanda waiwa naye pakudana kwake Razaro, kuti abve mugwiro, nekumumutsa kuwakafa. 18 Saka wakawanda wakaenda wakamuchungamidza , nekuti wakanga wakadzwa kuti wakaita chiratidzo ichocho. 19 Ipapo waFarisi wakataurirana wachiti: Munowona yenyu kuti amugoni kuita chinhu? Tarisai nyika yose inoenda yakumutewera iye. 20 Zwino kwaiwa newamwe wagiriki pakati pewakanga wakwira kumutambo konamata. 21 Iwo wakauya kuna Firipo weBetsaida reGarireya, wakakumbira kwaari achiti: Ishe, tinoda kuwona Jesu. 22 Wakauya Firipo, akataurira Andreassi akaenda naFiripo, akataurira Jesu. 23 Zwino Jesu akadaira akati: Nguwa yaswika yekuti Mwanakomana wemunhu akudzwe. 24 Zwirokwazwo, zwirokwazwo. ndinoti kwamuri, kana tsanga yezwio ikasawira padaka, ikasafa ichagara iri yoga, asi kana ikafa, inobereka zwibereko zwakawanda. 25 Uya unoda wupenyu wake ucharasikirwa nawo; neunowenga wupenyu wake panyika ino, uchauchengeta kuwupenyu usingaperi. 26 kana munhu achindishumira, nganditewera pandinenge ndiri nemuranda wangu, uchawapo. Uye kana munhu achindi Baba wachamukudza. 27 Zwino mweya wangu unomanikidza ndichatiyiko? Baba ndiponesei panguwa ino; ndosaka ndauya panguwa ino. 28 Baba kudzai zita renyu ipapo. Idzswi, rakauya, richibva Kudenga, richiti: Ndatorikudza ndicharikudzazwe. 29 Zwino wanhu wakawanda wanga wakamirapo, wachizwidzwa, wakati: Kwatinhira wamwe wakati: Mutumwa wataura naiye. 30 Jesu akadaira achiti: Idzwi iri harina kuya nerkuda kwangu, asi nekuda kwenyu. 31 Zwino kutonga kwenyoka ino kwawapo; zwino muchinda wenyika wawapo, uchadzingwa. 32 Neni, kana ndasimudzwa npanyika ino ndichakwera wese kwandiri. 33 Wakataura izwozwo , achiratidza kufa kwaizofa nako. 34 Zwino wanhu wakawanda wakamudaira achiti: Isu takadzwa pamurairo uchiti Kristu, achagara nekusingaperi Zwino munotaura seiko imi kuti Mwanakomana wemunhu unofanira kusimudzwa? uyu Mwanakomana wemunhu ndianiko? 35 IpapoJesu akati kwari Chiedza chichipo pakati penyu chinguwa chishomanani; fanbai muchine chiedza kuti musakudwe nerima; unofamba murima haziwi kwaarikuenda. 36 Muchinechiedza, tendai kuchiedza muitwe wana wechiedza, Jesu akataura Izwozwo, akabva azwiwandisa kwawari. 37 Zwino kunyangwe wanag waita zwiratidzo zwakawanda, pamberi pawo, hawana kutenda kwaari. 38 Kuti shoko remuPorofita Isaya ridzadziswe, zwakataura achiti: Ishe ndianiko akatenda zwakandzwa kwatiri? Neruwoko rwaishe, rakaratidzwa kunaniko? 39 Saka wanga wasinga kwanisi kutenda, nekuti Isaya akatizwe: 40 Wakapofamadza meso awo, akawomesa moyo yawo, kuti wasaone nemeso awo nekudzwisisa nemoyo yawo, wadzokr ndiwaporese. 41 Isaya wakataura izwozwo paakawona kungwinya kwake; akamutaura iye. 42 Asi kunyangwe zwakadaro wabati wakawanda wakatenda kwaari; asi wanga wasingamupupuriri, nekuda kwewaFarisi kuti wasabudiswe muSinagogi; 43 Nekuti wanga wachida kukudzwa newanhu, kudarika kukudzwa naMwari. 44 Zwino Jesu akadaidza akati: Unotenda kwandiri, ngasatende kwandiri chete asi, asi kune wakandituma. Zwino Jesu wakadaidzira achiti: 45 Unondiwona unowona wakandituma. 46 Ini ndiri chiedza ndakauya panyika, kuti aninani unotenda kwandiri asagare murima. 47 Kana, munhu achidzwa mashoko angu, akasachengeta, andimutongi ini, nekuti handina kuya kozotonga, asi kuti ndiponese nyika. 48 Unondiranba asinga gamuchiri mashoko angu, nemumwe unotonga mashoko andakataura, ndiro richamutonga, muzuwa rekupedzisira. 49 Nekuti handina kutaura pachangu, asi Baba wakandituma, ndiwo wakandipa murairo, zwandichataura, nezwandichataurira. 50 Ndinoziwa murairo wawo ndiwo wupenyu wusingaperi; naizwozwo zwandinotaura ndinotaura, sezwandakataurirwa naBaba.