Chitsauko 13

1 Zvino mutambo wepasika usati wasvika, Jesu aiziwa kuti mguwa yake yakwana, kuti abve panyika ino aende kuna Baba, Zvanga zvichinda wanhu wake waiwa munyika wakawanda kusvikira pakugumaakawada. 2 Zvino wakati apedza kuraira Dhiabhurosi atoisa mumoyo waJuda Iskarioti Mwanakomana waSimoni, kuti wamupadukire. 3 Jesu achizviziwa kuti Baba wanga watomupa zvingu zvese mumaoko ake uye kuti anobva kuna Mwari, uye unoenda kuna Mwari, 4 Wakasimuka pakuraira, akabvisa yembe dzake akabvisa mucheka wake, akazvisunga muchiuno, 5 akaisa mvura mumudzio akatanga kungesa tsoka dzewadzidzi wake akadzimbisika nemucheka waanga wakazvisunga nawo. 6 Akauya, kuna, Simoni Petro; iye akati: Ishe, Imi Murikukeza tsoka dzangu? 7 Jesu akadaira achiti: Zvandinoita amukwanisi kuzviita; Asi akazoswisisa. 8 Petro akati: amungakezi tsoka dzangu. Jesu Akadaira achiti: Kana ndikasakesa dzoka dzako haungawi neni. 9 Simoni Petro akati: Ishe, musakeze nzoka dzangu chete asi nemaoko nemusoro. 10 Jesu akati: Uya akakedzwa hashaiwi chinhu asi kukedza makumbo chete ipapo watonaswa kwete mwese Imi makanaka asi amusi mwese. 11 Nekuti iye waiziwa uyo waidzomupandukira; ndosaka akataura: Amusi mwese makachena. 12 Zvino akati akedzwa tsoka dzawo akatora yembe dzawo, akadzokera kogara patafura, akati: Munoziya zvandakakuitirai here? 13 Imi munondidaidza mudzidzisi, uye Ishe, munotaura zvakanaka nekuti ndini iye. 14 Zvino kana ini Ishe nemudzidzisi ndakakeza dzoka dzenyu, nemiwo munofanira kukezana tsoka dzenyu. 15 Nekuti ndakakupangidzirai magwara kuti muite zvandakukuitirai ini. 16 Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwamuri, muranda hasi mukuru kuna Ishe; uye wakatumwa hasi mukuru kune wakamutuma. 17 Kana muchizviziya makaropafadzwa kana muchizviziya. 18 Anditauri imimi mose; Ini ndinoziwa waya wandakasarudza; asi kuti rungwaro ruitike: unoyha chingwa neni akandisimudzira chitsitsinho chake. 19 Kubva zvino ndinokutaurirai zvisati zvaitika kuti kana zvichiitwa mutende kuti ndini. 20 Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Unogamuchira wandinotuma unogamuchira inini; neunondigamuchira inini, unogamuchira wakandituma. 21 Jesu akati ataura izvozvo, akamanikidzwa mumweya, akapupura akati: Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu uchandipadukira. 22 Wadzidzi wakatanga kutarisana wasingaziwi kuti ataura ani. 23 24 25 Mumwe wewadzidzi, waidiwa naJesu wanga wakatsamirira paditi raJesu. Akaratidza chiratidzo kuna Simoni Petro, abvudze kuti ndiye here uya waitaura. Iye akatsamirira diti raJesu, akati: Ishe ndiani? 26 jesu akadaira achiti: Uya wandinopa dimbu rakatota rechingwa. Yakatoteswa dimbu rechingwa akapa Juda Mwanakomana waSimoni Iskarioti. 27 Iye akati atambira dibu rechingwa Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari, zvaunoita ita, nekukasika. 28 Asi kwanga kusina mumwe wanga wakagara naye pakuyha wakaziwa kuti wakataurirei izvozvo kwaari. 29 Wamwe waiti, Juda zvaaigara nechikwama, kuti Jesu kwaari: Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti wapr wape warombo chinhu. 30 Iye akati atambira chidimbu chechingwa akabudapo ipapo. Uye waiwa wusiku. 31 Zvino akati abuda Jesu akati: Zvino Mwanakomana wemunhu wakudzwa naMwari, wakudzwa maari. 32 Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achamukudzawo ari maari. 33 Wana wadoko, ndichirinemwi nguwa idoko. muchanditswaka; sekutaura kwandakaita kuwaJuda ndichiti: Kwandinoenda imi amukwanisi kuwuyako; zvino ndinotaurawo kwamuri. 34 Ndinokupai mutemo munyowani unoti: idai wamwe sekuda kwandakakuitai nemiwo mudewo saizvozvo. 35 Naizvozvo wese wachaziwa kuti muri wadzidzi wangu: Kana mune rudo pakati penyu. 36 Simoni akati: Ishe, munoenda kupi? Jesu akadaira achiti: Kwandinoenda aunganditeeri zvino; Asi uchazonditewera pashure. 37 Petro akati: Ishe,nei ikozvino andikutewerei? Ndichafirai. 38 Jesu akadaira achiti: Uchandifira here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri jongwe ari riri, usati wandiramba katatu.