1 Moyo yenyu isamanikidzwa tendai kuna Mwari tendaiwo kwandiri. 2 Mumba maBaba wangu mune dzwimbo yakawanda; dai kusaiwa kudaro ndingadai ndisina kukutaurirai kuti ndinoenda kokugadzirirai pekugara. 3 Kana ndaenda kokugadzirirai pekugara, ndichazouyazve, ndikugamuchirei, kuti pandinege ndiri imi muwe muripo. 4 PAndinoenda munopa ziya, nenzira munoinziya. 5 Tomas akati: Ishe, atiziwe kwamurikuenda; uye tinoziya sei nzira? 6 Jesu akati: Ini ndini nzira, nechokwandi, newupenyu. Akuna unoend kuna Baba, asina kupinda nekwandiri. 7 Ndai maindiziwa Ini maiziwawo maiziwa, Baba wangu; kubva zvino munowaziwa, uye makawawona. 8 Firipi akati,: Ishe, tiratidzei Baba, zvakaringana. 9 Jesu akati: Ndakawa nemwi nguwa yakawanda, asi amusati ausati wandiziwa, Firipe? Wawaona Ini wawona Baba,Munoti sei tipangidzirei Baba? 10 Hautende kuti ini ndiri muna Baba, Uye Baba wari mandiri? Mashoko andinokutarirai anditauri nekuda kwangu asi, nekuda kweBaba wari mandiri, iwo ndiwo unoita mabasa awo. 11 Tenda kwandiri kuti ndiri muna Baba, uye kuti baba wari mandiri; nditendei nekuda kwemabasa iwawo. 12 Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uya unotenda kwandiri, mabasa andinoita iye unowaita; achaita mabasa makuru kudarika iwawo wandaita. Nekuti ini ndirikwenda kuna baba wangu. 13 Zvese zvamunokumbira muzita rangu ndinochiita; kuti Baba wangu wakudzwe muMwanakomana. 14 Kana muchikumbira chinhu muzita rangu ndichachiita. 15 Kana, muchindida chengetai mirairo yangu. 16 Neni ndichakumbira kuna Baba, wachakupai mumwe munyaradzi, kuti agara nemwi, nekusingaperi; 17 ndiye mweya wechokwadi, wekuti nyika aikwanisi kutambira, nekuti aimuwoni, uye aimuziwe; asi imi munomuziya, unogara nemwi, uye uchagara mukati menyu. 18 Handikusieyei muri nherera; Ini ndinouya kwamuri. 19 Kuchinenguwa ishoma nyika aizondiwoni; asi imi muchandiwona, nekuti ini ndiri mupeny, nemiwo muchawa wapenyu. 20 Muzuwa iroro muchazvizia, kuti ndiri munaBaba, nemi mandiri neni mamuri. 21 Une mirairo yangu, akaichengeta ndiye unondida; uye unondida, uchadiwawo naBaba wangu, uye ini ndichamudawo, ndichazviratidza kwaari. 22 Juda akati usati ari iye Iscarioti akati kwaari: Ishe, ndokundiniko kuti muchazviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika? 23 Jesu akadaira achiti: Kana munhu achindida , anochegeta shoko angu, naBaba wangu wachamuda, tichauya kwaari, tikaita wugaro wedu maari. 24 Uya wasingandidi haacheti shiko rangu, Neshoko ramunodzwa arisi rangu asi, raBaba wakandituma. 25 Zvinhu izvi ndakakutaurirai ndichiri kugara nemwi. 26 Asi munyaradzi uya, Mweya mutswene, uchatumwa na Baba muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvese, uye uchakufungisai zvese zvandakakutaurirai. 27 Ndinokusirai rugare, rwangu, ndinokupai; andikupii sekunyika. Musashushikane moyo yenyu, musatya. 28 Makati kuti ndakati kwamuri: Ndinoenda ndinodzokera kwamuri. Dai maindida maifara zvikuru, nekuti ndinoenda kuna Baba; Uye Baba wangu mukuru kwandiri. 29 Zvino ndakutaurirai zvisati zvaitika kuti zvikazoitika, mutende. 30 Andichazotauri zvakawanda nemi, nekuti muchinda wenyika unouya; asi haana chinhu kwandiri. 31 Asi kuti nyika iziwe kuti ndinoda Baba, uye sezvandakataurirwa naBaba; Simukai tibude pano.