Chitsauko 15

1 Ndini muzambiringa wechokwadi, Baba wangu ndiye murimi. 2 Davi rimwe nemwe riri mandiri, Risinga bereki zvibereko, wanoribvisa; rimwe nerimwe rinopa zvibereko. Wanorinatsa. 3 Imi matochenetswa neshoko randakataura. 4 Garai mandiri neniwo mamuri; sedawi risingakwanisi kubereka zvibereko zvayo yoga, kana risingagari mumuzambiringa saizvozvo nemiwo kana musingagari mandiri. 5 Ini ndiri muzambiringa, imi muri matawi, unogara mandiri, neniwo maari, ndiye unobereka zvibereko zvakawanda; nekuti kunze kwangu amuitichinhu. 6 Kana munhu akasawa mandiri, unoraswa kunze, sedawi, ukawoma; anounganinzwa akakandirwa mumoto atswe. 7 Kana imi mukawa mandiri, uye nemashoko angu akagara mamuri zvese zvamunoda kukumbira zvichaitika kwamuri. 8 Baba wangu wanokudzwa naizvozvo, kuti mubereke zvibereko zvakawanda; nekudaro munowa wadzidziwangu. 9 SaBaba wakandida , neniwo ndinokudaiwo; garai murudo rwandu. 10 Kana mukachegeta Mirairo yangu, muchagara murudo rwangu. Sekuchegeta kwandinoita mirairo yaBaba wangu, ndichigara murudo rwawo. 11 Zvinhu izvi ndakakutaurirai kuti mufaro wangu uwe mamuri, uye mufaro wenyu uwe wakakwana. 12 Uyu ndiwo murairo wangu: kuti mudewo wamwe saini ndakakudai. 13 Akuna munhu unerudo rikuru kudarika uyu: Kuti munhu arasire upenyu wake kushamwari. 14 Imi muri shamwari dzangu, mukaita zvandinokutumai. 15 Andichakudaidzi waranda; muranda haziwi zvinoitwa naIshe wake Asi ndinukutaurirai shamwari dzangu, nekuti zvese zvandakadzwa na Baba wangu ini ndakakuziwisai. 16 Imi hamuna kunditsara, asi ini ndini ndakutsarai, ndakakuisai kuti muende mubereke zvibereko, uye kuti zvibereko zvenyu zvigare; kuti chinhu chipi nechipi chamunokumbira muna Baba muzita rangu, wakupei ichocho. 17 Ndizvozvo zvandinokurairai, kuti mude wamwe wenyu. 18 Kana nyika ichikuwendai, ziwai kuti akandiwenga asti akuwengai imi. 19 Kana maiwa wenyika, nyika yaida wayo; Zvino zvamusiri wenyika, asi ini ndakakutsarai panyika, saka nyika inokuwengai. 20 Rangarirai shoko randakakutaurirai kwamuri ndichiti: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake. kana wakanditambudza wachakutambudzaiwo imi, kana wakachegeta shoko rangu wachachetawo shoko renyu. 21 Asi zvese izvi wachakuitirai nekuda kwezita rangu; nekuti awaziwi wakandituma. 22 Dai Ini ndisina kuya, ndikataura nawo, wangadai wasina zviwi; Asi ikozvinohawana pembedzo yezviwi zvawo. 23 Uya unondiwenga , unowengawo Baba wangu. 24 Dai ndisina kuita mabasa asina kumboitwa pakati pawo, mumwe munhu angadai asina zviwi; Iko zvino wakaona wakandiwenga wakawenga naBaba wangu. 25 Asi zvakaitwa kuti shoko rakanyorwa pamurairo wawo: Wakandiwenga ndisina Mhosva 26 Asi kana kana munyaradzi auya, wandichatuma kwamuri, uchabva kuna Baba, Iye mweya wechokwandi, unobuda kuna Baba uchandipupurira. 27 Nemiwo pupuraiwo nekuti maiwa nni kubva pakutanga.