1 Zvinhu izvi ndakakutaurirai kuti musagumburwe. 2 Wachakubudisai musinagogi; asi nguwa inosvika, mumwe nemumwe akakurayai, uchati unobatira Mwari Basa. 3 Zvinhu izvi wachazviita, kwamuri, nekuti hawana kuziwa Baba kana Ini. 4 Asi ndakakutaurirai izvi, kuti kana nguwa yazosvika mozorangarira, kuti ndakakutaurirai imi; andina kukutaurirai kubva pakutanga nekuti ndanga ndiri nemi. 5 Zvino ndakuyenda kune wakandituma; akuna mumwe pakati penyu uchandibvunza kuti: Murikwendepi? 6 Zvino, nekukutaurirai zvinhu izvi, moyo yenyu yakazara neshungu. 7 Asi Ini ndinokutaurirai chokwadi, kana ndichiti, zvirinani kwamuri, kuti ndiyende, nekuti kana ndisingaendi, Munyaradzi hangauyi kwamuri, asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. 8 Iye kana asvika iye uchaziwisa nyika pamusoro pezviwi,n nepamusoro pekururama, nepamusoro pekutongwa. 9 Pamusoro pezviwi, nekuti hawatendi kwaandiri; 10 Pamusoro pekururama, nekuti ndinoenda kuna Baba wangu amuchazondiwoni; 11 Pamusoro pekutongwa, muchinda wenyika ino watongwa 12 Ndine zvakawanda zvandirikuda kukutaurirai asi izvezvi amukwanisi kuzvigamuchira. 13 Asi kana wasvika mweya wechokwadi, uchakutungamirirai muchokwadi, nekuti haangatauri zvake asi, zvakadzwa, ndizvo zvachataura, uye achakuparidzirai. 14 Iye uchandikudza, nekuti uchatora pane zvangu, akakuparidzirai. 15 Zvese zvina Baba ndezvangu; sakei ndakati: Uchatora pane zvangu akaratidza kwamuri. 16 Nguwa shoma yasara, amuchazondiwoni. 17 Zvino wamwe wewadzidzi wakataurirana wachiti: Zvirikutaureiko izvi zvaarikutaura: Kuti, nguwa ishoma yasara, amuchazondiwona, uyezve nguwa shoma yasara amuchazondiwoni; uye nekuti: Ndirikwenda kuna Baba? 18 Zvino wakati: Chiko charkutaura? Nguwa Shoma? Atiziwi Zvaarikutaura. 19 Jesu akazviziwa kuti warikuda kumubvunza, akati kwari: Murikubvunzana here pamusoro pechinhu chandataura pakati penyu ndichiti: Pasara mguwa shomana, amuchazondiwona, uye nguwa ishomana yamuchandiwona? 20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muchanyunyuta, muchachema, asi nyika ichafara; Imi muchadzwa shungu, asi shungu nzenyu dzichashanduka mufaro. 21 Mukadzi kana arikobereka anodzwa shungu, nekuti nguwa yake inege yakwana; Asi kana abereka mwana haachafungi matambudziko, nekufara kwake, nekuti munhu berekwa panyika. 22 Zvino imi muneshungu, asi ndichakuwonaizve, nemoyo yenyu ichafara; akuna munhu uchakutorerai mufaro wenyu. 23 Muzuwa iroro apana chamunondibvunza. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Zvinhu zvese zvamunokumbira kunaBaba wangu muzita rangu achakupai. 24 Nanasi amusati makumbira chinhu muzita rangu; kumbirai muchapiwa, mufaro wenyu udzadziswe. 25 Zvinu izvi tangutaurirai nemufananidzo; nguwa inouya yandisingazotauri kwamuri nemifananidzo; Asi ndichakuparidzirai pachena zvaBaba. 26 Muzuwa iroro muchakumbira muzita rangu; Andikutauriri kuti ndichakunyegetererai ini kuna Baba kwamuri. 27 Nekuti Baba wangu wanokudai , nekuti imi makandida, makatenda kuti ndakabva kuna Mwari. 28 Ndakabva kuna Baba, ndikauya panyika; Zvekare ndichasiya nyika, ndikaenda kuna Baba. 29 Wadzidziwake wakati kuna Jesu: zvino mataura pachena pasina mifanananidzo. 30 Zvino takuziwa kuti munoziya zvese, amunsvaki kuti munhu arikubvunzei. Sakei tinotenda kuti makabva kuna Mewari. 31 Jesu akadaira achiti: Zvino makutenda here? 32 Zvino nguwa inouya, uye yatosvika, yamuchaparadzirwa mumwe nemumwe kunezvake, muchandisiya ndiri ndega. Asi andisi ndega nekuti Baba warimandiri. 33 Zvinu izvi ndakakutaurirai kuti muwe nerugare mandiri; panyika munotambudzika; asi sungai moyo, ini ndakakunda nyika.