1 Jesu akataura zvinhu izvi, akasimudza meso ake Kudenga akati: Baba, nguwa yakwana kudzai Mwanakomana, kuti Mwanakomana wenyu akukudzei Imi. 2 Sekumupa kwamaita simba pamusoro penyama yose, kuti wese wamakamupa, awape wupenyu usingaperi. 3 Uyu ndiwo wupenyu usingaperi: Ndieo kuti wakuziwei imi, Mwari mumwechete, naJesu Kristu wamakatuma. 4 Ini ndakakukudzai panyika; ndapedza basa ramakandituma panyika kuti ndiyite. 5 Zvino Baba ndikudzei pamberi penyu, nekukudzwa kwandaiwa nako kwamuri, nyika isati yapo. 6 Ndakapangidzira zita renyu wanhu wamakandipa panyika. wakanga wari wenyu, makandipa iwo wakachengeta shoko renyu. 7 Zvino iwo wakuziwa kuti zvese zvamakandipa zvinobva kwamuri. 8 Nekuti mashoko amakandipa Ndakawapa, wakagamuchira wakaziwa kuti ndakabva kwamuri, wakatenda kuti ndakatumwa nemwi. 9 Ndinowanyegeterera iwo; andinyegetereri nyika, asi iwo wamakandipa, nekuti ndiwo wenyu. 10 Uye zvinhu zvese zvangu, ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu, ndakakudzwa mwaari. 11 Ini andisisiri munyika, asi iwo wachiri munyika, Ini ndinouyan kwamuri baba. Mutsvene, muwachengete muzita ranyu, wamakandipa kuti wawe wamwe wedu sesu. 12 Ini ndichirinawo panyika ndaiwachegeta muzita renyu wamandipa, ndikawarinda, panyika, apana mumwe wawo wakarasika , asi Mwanakomana wekarasika asi Mwanakomana wekuraswa, kuti rugwaro ridzadziswe. 13 Asi zvino ndinouya kwamuri; ndinotaura izvi panyika kuti wawe nemufaro wangu, wakadzadzika mawari. 14 Shoko renyu ndakawapa, nyika ikawawenga, nekuti awasi wenyika seni, andisi wenyika. 15 Andinamati kuti muwabvise panyika , asi kuti muwachegete kune wakaipa. 16 Iwo awasi wenyika, saini andisi wenyika. 17 Muwaite watsvene muchokwadi; shoko renyu ichokwadi. 18 Sekundituma kwamaita imi, saizvozvowo ndakawatuma panyika. 19 Ndinozviita muswene nekuda kwawo, kuti naiwo waitwe watsvene muchokwadi. 20 Andinyegetereri awa chete, naiwo wachatenda kwandiri, neshoko rawo. 21 Kuti wese wawe wamwe semi; semi Baba murimandiri, neni mamuri; kuti naiwo wawematiri; kuti nyika itende kuti makandituma. 22 Neni ndakawapa kungwinya, kwamakandipa; kuti we wamwe nesu tiri wamwe. 23 Ini mawari Imi mandiri, kuti wakwanise kuwa wamwe, nyika kuti iziwe kuti tiriwamwe. 24 Baba ndinoda kuti awo wamakandipa wawewo pandiri pandinege ndiri, kuti wawone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nekuti makandida nyika isati yasikwa. 25 Baba wakarurama, nyika aina kukuziwai; Asi ini ndakakuziwai; neiwawo wakaziwa kuti makandituma. 26 Ini ndakaita kuti zita renyu riziwike nawo, uye ndichariziwisa kuti zita renyu riziwikane kuti rudo, ramakandipa nawo, riwe maari neniwo ndiwe mawari.