1 Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi, akabuda newadzidzi wake, akaenda kumhiri kwerukowa, rinodzi Kedroni, paiwa nemunda, akapinda mauri Iye newadzidzi wake. 2 Zvino juda wakamupandukira waiziwa tswimbo iyoyo, nekuti nguwa jinji waiwungana ipapo, newadzidzi wake. 3 Zvino Juda wakatora mboka rewarwi, waibva kuwapirisita, newakuru, newaFarisi, akaendapo nerambi namazhenje, nezvekurwa nazvo. 4 Zvino Jesu waizviziwa zvese zvaimuira kwaari akabuda akati: Murikutswaka ani? 5 Wakadaira achiti: tirkutswaka Jesu wenazareta, Jesu akati kwaari Ndini Jesu, na Juda wakamupandukira wanga wakamira nawo. 6 Wakati amutaurira Izvozvo akati: Ndini, wakadzokera kumashure akadona pasi. 7 Akadzokera kumubvunza: Munotswakaniko? Iwo wakati: Jesu weNazareta. 8 Jesu akadaira achiti: Ndakutaurirai kuti ndini. Zvino kana muchitswaka ini, siyai aya waende. 9 Kuti shoko ridzadziswe, rekuti: Andina kurasikirwa nemumwe kune iwawo wamakandipa. 10 Simoni Petro, waiwa neBakatwa, akaibvisa akakwadza muranda wemuPirisita, akamugura nzewe yorudyi. Zita remuranda iyeye waidzi Markosi. 11 Zvino Jesu akati kuna Petro: isa bakatwa yako mumuhara; andingamwi mukombe wandakapiwa naBaba here? 12 Zvino mboka rewarwi, nemukuru wezana chezana, newatariri wewaJuda wakabata Jesu wakamusunga. 13 Wakatanga kumuendesa kuna Anasi; nekuti wanga arimukarabwa, wakayafasi, waiwa muPirisita wegoreiro. 14 Kayafasi ndie wanga apa waJuda zano, kuti zvirinani kuti munhu mumwe afire wanhu. 15 Simoni Petro waitewera Jesu, nemumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu waizikanwa nemuPirisita, Akapinda naJesu muruwanze rwemuPirisita mukuru. 16 Asi Petro wanga wakamira panze pado. Zvino mudzidzisi, waizikanwa nemuPirisita mukuru,, akataura, nemurindi wedo akapinza Petro. 17 Zvino musikana wairinda do akati kunaPetro: Hausi mumwe wewadzidzi wake murume uyu here? Iye kati: Handisini. 18 Zvino waranda, newatariri wanga wakamirapo, wanga wabatsa moto wemazamba, nekuti kwaitonhora, wakadziya moto. NaPetro wanga wakamirapo nawo, achidziya moto. 19 Zvino muPirisita mukuru akabvunza Jesu zvewadzidziwake nedzidziso yake. 20 Jesu akadaira achiti: Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguwa dzese mumasinangogi nemukereke, panoungana waJuda wese; handina kutaura chinhu pakawanda. 21 Munondibvunzireiko? bvunzai awa waidzwa, zvandaitaura kwaari. Tarisai awa wanoziya zvandaitaura. 22 Wakati achitaura zvinhu izvi, mumwe wewatariri wanga wakamirapo wakachaya Jesu mbama, achiti: Unodaira mupirisita mukuru uchidaro? 23 Jesu akadaira achiti: Kana ndataura zvakaipa pupura kuti zvakaipa ndezvipi; kana ndataura zvakanaka wandichaireiko? 24 Zvino Anasi akamutumira akasungwa kunaKayafasi, muPirisita mukuru. 25 Simoni Petro wanga wakamirapo, achidziya moto. SWakati kwaari: Newewo uri umwe wewadzidzi wake here? Iye akaramba, akati: Andisiri iye. 26 Wakati kune mumwe wemuranda wemuPirisita mukuru, hama yewanga wagurwa nzewe: Andina kukuwona naye mumunda here? 27 Petro akaramba zvekare, ipapo jongwe rikarira. 28 Zvino wakatora Jesu akaenda naye Kayafasi kuimba yemubati ari mangwanani; asi iwo awana kupinda mumba mwemubati, kuti warenge kusvibiswa, kuti wagodya pasika. 29 Ipapo Pirato akabudira kwaari, akati: Munoti munhu uyu unemhosva yeiko? 30 Akadaira akati kwaari: Dai munhu uyu asaiwa mutadzi, tingadai tisina kumuisa kwamuri. 31 Zvino Pirato akati kwaari: Mutorei imimi mumutonge nemutemo wenyu. WaJuda wakati kwaari: Hatina kutenderwa isu kuti tiuraye munhu. 32 Kuti shoko raJesu raakataura kuti riitike, achidudzira kufa kwaifanira kufa nako. 33 Zvino Pirato akapindazve mumba wemubati, akadaidza Jesu akati kwaari: Ndiwe here Mambo wewaJuda? 34 Jesu akadaira achiti: Iwe unotaura izvi pachako here, kana kuti wazvitaurirwa newamwe pamusoro pangu? 35 Pirato akadaira achiti: Ini ndiri muJuda? Rudzi rwako newaPirisita wakuru wakakuisai kwandiri, waiteiko? 36 Akadaira Jesu achiti: Wumambo wangu ausi wenyika ino; dai wumambo wangu waiwa wenyika ino, washandi wangu wairwa, kuti ndisaiswe kuwaJuda; asi wumambo wangu ausi wenyika ino. 37 Zvino Pirato akati kwaari: Iwewe urimambo? Jesu akadaira achiti: Ndozvawataura kuti ndirimambo. Ndakaberekerwa Izvozvo ndakauyira Izvozvo panyika ino: kuti ndipe kupupura kwechokwadi. Wese uya wechokwandi unodzwa idzwirangu. 38 Pirato akati kwaari: Chokwadi chinyiko? akati ataura izvozvo, akabudirazve kuwaJuda, akati kwaari: Inini handisikuwona Mhoswa kwaari. 39 Asi imi munetsika kuti ndikusungurirei mumwe nepasika; Zvino munoda kuti ndikusunungurirei mambo wewaJuda here? 40 Ipapo wese wakadaidzira wachiti: kwete uyu asi, Bharabhasi! Zvino Bharabhasi waiwa mbava.