Chitsauko 19

1 Zvino Pirato akatora Jesu akamurowesa. 2 Warwi wakaruka korona yeminzwa, wakaisa pamusoro pake, wakamupfekedza hebem tsuku. 3 Uye waiti: Iwai nemufaro, Mambo wewaJuda! aimurowa mambama. 4 Ipapo Pirato akambudazve akati kwaari: Tarisai ndamuwunza kunze kwamuri kuti muziwe kuti andiwoni nyaya kwaari. 5 Jesu akaunzwa kunze, akatora korona yeminzwa, ainehembe tsuku. Pirato akawati: Aripano munhu. 6 Zvino waPirisita wakuru newatariri wakati wachimuwona, wakadaidzira wachiti: Rowerai pamuchinjikwa, rowerai pamuchinjikwa, Pirato akati kwaari: Chimutorai imimi, mumurowere; nekuti ini andiwoni nyaya kwaari. 7 WaJuda wakamudaira achiti: Isu tinemutemo, zvino nemutemo wedu anofanira kufa, nekuti wakazviita Mwanakomana waMwari. 8 Zvino pirato akati anzwa iroro, akanyanya kutya. 9 Akapindazve mumba wemubati, akati kuna Jesu: Uriwepiko? Asi Jesu haana kudairachinhu. 10 Ipapo Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauziwi here kuti ini dine simba rekukusunugura, nesimba rekukurowera pamuchinjikwa? 11 Jesu akadaira achiti: Haungambowi nesimba pamusoro pangu, kana usina kuripiwa richibva kumusoro, naizvozvo wakandiisa kwauri, unezviwi zvinokunda zvako. 12 Zvino Pirato akatswaka kuda kumusungura; asi waJuda wakadaidzira wachiti: Kana mukamusungura munhu uyu hamusi shamwari yaKesari; mumwe nemumwe unozviita mambo, unoramba Kesari. 13 Zvino pirato akati anzwa mashoko iwawo, akabudisa Jesu kunze, akagara pachigaro chekutonga panzvimbo yainzi Pakarongwa naMapuwe, asi nechihebheru Gabata. 14 Zvino waiwa musi wekungadzirira pasika; yaiwa nguwa inenge yechitanhatu. Akati kuwaJuda: Tarisai Mambo wenyu! 15 Asi iwo wakadaidzira wachiti: Bvisai, bvisai mumurowere pamuchinjikwa! Pirato akati kwaari: Ndorowera Mambo wenyu pamuchinjikwa here? WaPirisita wakuru wakadaira wachiti: Atina umwe mambo, kunze kwaKesari chete. 16 Zvino wakamuisa kwaari, kuti arowerwe pamuchinjikwa. Zvino wakaenda naJesu. 17 Akabuda akatakuru muchinjikwa wake, akaenda kunzvimbo yainzi, Gorokota. 18 Pawakamurowerera pamuchunjikwa, newamwe wawiri naye mumwe kurumwe rutiwi, mumwe kurumwe rutiwi Jesu pakati. 19 Zvino Pirato akanyora rugwaro, akaruisa pamuchinjikwa, rwakanyorwa richinzi: JESU WENAZARETA MAMBO WEWAJUDA. 20 Zvino waJuda wakawanda wakatora rugwaro uyu; nekuti nzwimbo yaanga arowerwa Jesu pamuchinjikwa, yaiwa paduze neguta; rakanyorwa nechiHebheru, nechiLatini, nechigiriki. 21 Zvino waPirisita wakuru wewaJuda wakati kuna Pirato: Musanyore muchiti: Mambo wewaJuda, asi kuti iye akati ndiri mambo wewaJuda. 22 Pirato akadaira achiti: Zvandayora, ndanyora. 23 Wakati wapedza kimurowera Jesu, akatora hembe dzake, wakaita migowe mina, kumurwi mumwe nemumwe, nehrmbe yepasiwo.Zvino hembe iyi yanga isina payakasonwa, asi yanga yakarukwa kutangira kumusoro kuswikira pasi. 24 Zvino wakataurirana wachiti: Ngatisamwese asi tikande mijenya pamusoro payo, kuti tiwone kuti ingawa yani, kuti rugwaro ruitike runoti: Wakawa nehembe dzangu nekuda kwangu, akakanda mijenya pamusoro kwekufuka kwangu. Ndizvo zvakaitirwa warwi, wakaita izvozvo. 25 Zvino pamuchijikwa waJesu, panga pakamira mai nehama yamai wake, Maria mukadzi waKropasi, naMaria Magdarena. 26 Zvino Jesu wakati wachiwona wamai wake, nemudzidzi wake wawaida, wakati kumai wake: Mai, tarisai Mwanakomana wenyu. 27 Wakatizve kumudzidzi: Tarisa maiwako. Kubva kuwa iyoyo mudzidzi akawatora akawaisa kumba kwake. 28 Naizvozvo, Jesu wakati achizviziwa kuti zvese zvapera kuti rugwaro rudzadziswe, iye akati: Ndinenyota. 29 Zvino paiwa nehari yakazara nevinega, wakadzadza parutanda rehisope wakaruisa kumuromo wake. 30 Zvino Jesu wakati wagamuchira vinega, wakati: Zvapera akakotamisa musoro wake akapa mweya wake. 31 Zvino waiwa musi wekungadzirira pasika waJuda wakakumbira kuna Pirato kuti agure makumbo awo abviswe. Kuti mitumbu yawo isagarepo pamuchijikwa musi wesabata, nekuti zuwa iroro raiwa zuwa guru. 32 Zvino warwi wakauya wakagura makumbo wewekutanga neumwe wakanga wakarowerwa pamuchijikwa pamwechete naye. 33 Asi wakati wachiswika kuna Jesu, wachiwona kuti watofa hake, hawana kugura makumbo ake. 34 Asi mumwe wewarwei wakamubaya rumwe rutiwi rwake nefumo naizvozvo ropa nemvura dzikabuda. 35 Wakaona izvi ndiye wakapupura ndiye wakapupura, uye kupupura kwake ndekwechokwadi, uye wanoziwa kuti ichokwadi zvaanotaura, kuti imi mutendewo. 36 Nekuti zvinhu izvi zvagoitika kuti magwaro agodzadziswa rinoti: Fupa yake aingapuswi. 37 Nerimwe rugwaro, rinoti: Wakatarisa uya wawakabvowora. 38 Naizvozvo Josefa weArimatia, waiwa mudzidzi waJesu, asi chinyararire nekutyia waJuda, wakakumbira kuna Pirato kuti wabvise mwiri waJesu; Pirato wakatendera. Wakauya wakabvisa mwiri waJesu. 39 Wakauyawo zvekare Nikondimowo, uya wanga wakambowuya pekutanga uri wusiku kuna Jesu wachiunza mura nearosi dzakavenganiswa nemapaundi anenge zana. 40 Ipapo wakatora mwiri waJesu, akauputira nemicheka pamwe chete nezvinonhuwirira, sezvinoita waJuda wakuwikwa kwawo. 41 Paswimbo iyoyo yaakarowerwa pakanga paiwe nemunda, mumunda imomo manga muine bwiro bgutsa, makanga musina kumboiswa munhu. 42 Zvino wakaisa Jesu ipapo, zvawakanga uri musi wekungadzirira pasika yewaJuda, nekuti giro kakanga kuri pedyo naJesu.