Chitsauko 20

1 Zvino musi wekutanga wesodo Maria Makandarena wakauya pakatipewusiku, kuchakaswimba, kubwiro; akaona Buwe rabviswa pabwiro. 2 Akamhanya kwenda kuna Simoni Petro, newamwe wadzidzi waidiwa naJesu wakati: Watora Ishe mubwiro atiziwa kwawamuisa. 3 Petro newamwe wadzidziwo, wakabuda wakaenda kubwiro. 4 Wakamhanya wese wari wawiri: Wamwe wadizidzi wakamhanya nekukasika akadarika Petro, akawawekutanga kuswika kubwiro. 5 Akakotama akadongorera akaona micheka iri pasi; hana kuzopindamo. 6 Wakauya Simoni Petro akapindamo mubwiro, akaona Micheka iri pasi. 7 Uye mucheka wawakaiswa nawo pamusoro wake wanga wakapetwa uri wonga. 8 Zvino wamwewo wadzidzi wakapindawo imomo, wanga waswika pakutanga pabwiro, wakaona wakatenda. 9 Nekuti waisaziwa magwaro, kuti unofanira kumuka kuwakafa. 10 Wakadzoka wadzidzi kumba kwawo. 11 Asi Maria akaramba akamira arikunze kwebwiro achichema. Zvino akati achichema kudaro akakotama akadongorera kuti awone bwiro. 12 Akaona Njirozi nziwi wawiri wakapfeka hembe chena, wakagara mumwe kumusoro mumwe kumakumbo ipapo panga pakaiswa mwiri waJesu. 13 Iwo wakati kwaari: Mai munochemeiko? Iwo wakati: Nekuti wakabvisa Ishe wangu handiziwi kwaakamuisa. 14 Wakati wataura izvozvo akatendeukira kumashure akaona Jesu akamira asi hana kuziwa kuti ndiJesu. 15 Jesu akati kwaari: Mai, munochemeiko? Murikutswaka aniko? Iye achifunga kuti ndiye murimi wemunda, akati kwaari: Ishe kana muri imi mamutora, nditaurirei kwamamuisa, ndiende kumutora. 16 Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeuka, akati: Raboni nechiHeberu dokuti Mudzidzisi. 17 Jesu akati kwaari usandibate; Nekuti andisati ndaenda kuna Baba wangu; uye kuna Baba wenyu, zvino enda kune hama dzangu ataurire kuti: ndirikwenda kuna Baba wangu, kuna Baba wenyu; kuna Mwari wangu, kuna Mwari wenyu. 18 Wakaenda Maria Magdarena, akataurira wadzidzi wake, kuti: Ndawona Ishe, uye kuti wakanga wataurirwa zvinhu izvi naye. 19 Zvino aiwa maneru wekutanga wezuwa iroro, resondo, mado akavarwa pawanga wari wadzidzi, nekutyia waJuda, wakati wakaungana, Jesu akaswika pakati pawo akamira pakati pawo akati: Iwai nerugare! 20 Akati ataura izvozvo, akawapangidzira maoko ake, nerutiwi rwake. Zvino wadzidzi wake wakafara, nekuwona Ishe. 21 Jesu akatizve zvekare: Iwai nerugare! Sekundituma kwakaita Baba, Neniwo ndinokutumai. 22 Akati ataura izvozvo, akafemera kwari, akati kwaari: Gamuchirai Mweya Mutswene. 23 Awo wamunokanganwira zvitadzo zvawo, wakanganwirwe; Awo wamunobata zvitadzo zvawo zvabatwa. 24 Zvino Toamasi, wainzi Didimo, mumwe wewanegumi newawiri, wakanga wasipo, nawo pakauya Jesu. 25 Zvino wamwe wadzidzi wakati kwaari: Taona Ishe. Zvino iye akati: Kana ndikasaoana mawanga embambo mumaoko ake, nekuisa mumwe wangu paiwa nembambo, nekuisa ruwoko rwangu murutiwi rwake, handingatombotendi. 26 Zvono mazuwa masere akati adarikazve, wadzidzi wanga warimo imomo mukati, naTomasi; wanga arimo Jesu akauya mado akavarwa, akamira pakati pawo, akati: Iwai nerugare! 27 Ipapo akati kuna Tomasi: Isa chikunu chako apa, uye wona maoko angu, uya nemoko wako, isa kurutiwi rwangu; asi usawa usingatendi, asi unotenda. 28 Akadaira Tomasi akati: Ishe wangu, naMwari wangu! 29 Jesu akati kwaari: Watenda, kuti wandiwona Toamsi; wakaropafadzwa wanotenda kunyakwe wasina kundiwona. 30 Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvakawanda pamberi pewadzidzi wake, zvisina kunyorwa mubhuku iri; 31 Zvino izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari; kuti kune uya wanotenda wawe newupenyu muzita rake.