Chisauko 21

1 Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidzazve kuwadzidzi wake, pangugwa reTiberiasi; akazviratidza kudai: 2 Wari wese naSimoni Petro, naToamasi, wainzi Didimo, na Natanieri, weKana yeGarirea, newanakomana, wezebedi, newamwe wawiri wewadzidzi wake. 3 Simoni Petro akati kwaari: Ndikwenda kobata howe. Iwo. wakati: Nesuwo tinoenda newe. Wakaenda, wakakwira muchikepe; usiku iwowo hawana kubata chinhu. 4 Zvino kwakati kwakuenza, Jesu akamira pabenderokedzo; asi wadzidzi wanga wasingaziwi kuti ndiJesu. 5 Zvino Jesu akati kwaari: Wana, munezvekudya here? wakamudaira achiti: atina. 6 Iye akati kandai mabure kurutiwi rwerudyi rechikepe, kuti muwane. Wakakanda, wakasakwanisa chinhu kurukwewa nekuwanda kwehowe. 7 Zvino mudzidzi uya waidiwa naJesu akati kuna Petro: Ndiye Ishe! Simoni Petro akati achizvidzwa kuti waiwa Jesu, akapfeka hembe dzake nekuti wanga wasina kupfeka, akazvikandira mugungwa. 8 Wamwe wadzidzi wakauya nechikepe wachikweya mabhure ehowe, nekuti wakanga wasiri kure nenyika, Asi mukubiti mazana mawiri ehowe. 9 Pawakadzika panyika, wakawona mnoto wamazimbe waweswa, nehowe, yakaiswa pamusoro, pawo, nechingwa. 10 Jesu akati kwari: Unzai kuno howe nzamabata zvino. 11 Simoni Petro akakwira akakweya mabhure kunyika, yakazara nehowe huru ine zana nemakumi mashanu nenhatu; asi kunyakwe nzaiwa nzakawanda kudai, mabhure hana kubvaruka. 12 Jesu akati kwaari: Uyai mudye kwakanga kusina mumwe wewadzidzi waiswaka kumubvunza kuti: Ndimi ani? Asi waiziwa kuti ndiye Ishe. 13 Zvino Jesu akauya akatora chingwa, akapa akawapa; zvimwe chete nehowe. 14 Kwaiwa kwechitatu kuzviratinza kuwadzidzi wake, amuka kuwakafa. 15 Zvino wakati wapenza kuhya, Jesu akati kuna Simoni Petro: Simoni mwanakomana waJohani, Iwe unondida kupfura wamwe awa here? Iye akati: Hongo, Ishe, Imi munoziya kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Fudza makwaiyana angu. 16 Akadzokererazve kumubvunza kechiwiri: Simoni, mwanakomana waJohani, Iwe unondida here? Iye akati kwaari: Hongo,Ishe, Imi munoziya kuti ndinokudai. Jesu akati: Fudza makwaiyana angu. 17 Akamutaurirazve kechitatu, Simoni mwanakomana waJohani, iwe unondida here? Petro akasuwa nekuti kwaiwa kwechitatu kumubvunza: Iwe unondida here? Pero akati: Ishe, Imimi munozviziya kuti, ndinokudai. Jesu akati kwaari: Fudza makwaiyana angu. 18 Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwauri, pawanga uri jaya waizvisunga chiuno, uchifamba kwawaida; Asi kana wachembera, uchatambanudza maoko ako, mumwe ukasunga chiuno, achikuisa kwausingadi. 19 Wakataura izvi, wachifananidza kuti Petro wairumbidza Mwari nerufu rwake. akati ataura izvozvo, Jesu akati kwaari: Nditewere. 20 Petro akatendeuka, akaona mudzidzi waindikwanwa, naJesu, achitewera, Ndiyewo wakatsamira pachifuwa chake, pachirairo achitti: Ishe, Ndiani aizokupandukirai? 21 Petro akati achiwona uyo, akati kuna Jesu Ishe, ko uyu ukaitweiko? 22 Jesu akati: Kanma ini ndichiida kuti agare kuswikira ndadzokera, zvineikpo newe? Nditewere iwe. 23 Zvino shoko iroro rakapararira kuhama dzose, kuti, mudzidzi uyu hangazofi. Asi Jesu haana kutaura kuti hangazofi, asi kuti: Kana ini ndichida kuti iye agare kuswikira ndadzoka, zvineiko newe? 24 Uyu ndiye mudzidzi anopupura zvinhu izvi, uye zvinhu izvi wakazvinyora; uye tinoziwa kuti kupupura kwake ndekwechokwadi. 25 Zvimwe, zvakawanda zviriko, zvakaitwa naJesu, kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinoti kunyakwe nenyika yose aingaringoni buku iri rakanyorwa. Amen.