Chitsauko 8

1 Zwino Jesu akaenda kugomo remiorivhi. 2 Fume mangwanani akadzokerazwe kuchechi, wanhu wese wakauya kwaari; akagara pasi akawadzidzisa. 3 Wakauya kwaari wanyori neFarisi nemukadzi wanga wabatwa achifewa wakamuisa pakatipawo; 4 Pawakamuisa pakatipawo, akati: Mudzidzisi, mukadzi uyu akabatwa achifewa panguwa ini pano. 5 Zwino Musesi akatiraira pamurairo kuti akadaro ngatemwe nemapuwe; saka imimi munoti kudini? 6 waitaura izwozwo wachimuedza kuti wawone chekumupomhera mhoswa. Asi Jesu wakakotama akanyora pasi seasingawadzwi. 7 Wakati wachiramba wachimubvunza, Iye akazwigadzirisa akati: Uya unoti haana kutadza pakati penyu, ngatange kukanda bhuwe rekutanga kwaari. 8 Akakakotama zwe, akanyora pasi. 9 Wakati wachidzwa izwozwo, hana dzawo dzikawarowa, wakabuda, mumwe, nemumwe, kutanga kuwakuru kuzwikira kune wekupedzisira; Jesu akasara arienga, nemukadzi, wakanga akamira pakati pawo. 10 Jesu akati achicheuka haana kuwona munhu kunze kwemukadzi, akamuti: Mai waripi waikupomhera mhoswa? Hakuna wakutonga here? 11 Iye akati: Akuna, Ishe. Jesu akati kwaari: Neniwo handikupi mhoswa; enda hako, usatadza zwe. 12 Jesu akataurazwe nawo, achiti: Ini ndini chiedza chenyika; unonditewera hangafambi murima, asi achawa nechiedza chewupenyu. 13 Zwino wafarisi wakati kwaari: iwe unozwipupurira; kupupura kwaako akusi kwechokwandi. 14 Jesu akadaira, achiti: kunyangwe ndichizwipupurira, kupupura kwangu ndekwechokwadi; nekuti ndinoziwa kwandinobva, nekwandinoenda; asi imi amuziwi kwandakabva nekwandinoenda. 15 Imi munotonga nenyama, Ini anditongi munhu. 16 Asi kana Ndichitonga, kutonga kwangu, ndekwechokwadi; nekuti andisi ndenga, asi ini naBaba wakandituma. 17 Uye murairo wenyu wakanyorwa kuti kupupura kwewanhu wairi ndekwechokwandi. Ini ndini unozwipupurira pachezwangu; 18 Uye naBaba wakandituma wanondipupurira. 19 Wakamuti: Waripiko Baba wako? Jesu akadaira achiti: Baba wako waripiko? Jesu akadaira achiti: Amundiziwi ini, kana Baba wangu; kudai maindiziwa Ini maiziwawao Baba wangu. 20 Jesu akataura mashoko ayia pachiwingiro chemari, achidzidzisa muchechi; kwanga kusina munhu waimubata, nekuti nguwa yake yanga isati yaswika. 21 Jesu akawataurirazwe machoko awa: Ini ndinoenda, muchandiswaka, mukafira muzwiwi zwenyu; kwandinoenda imi amukwanisi kuwuyako. 22 Zwino, waJuda, waiti: Iye, uchazwiuraya kani? zwanoti: Kwandinoenda imi hamungauyipo. 23 Iye akati kwaari: Imi muri wepasi, ini ndiri wekumusoro; Imu muri wenyika ino, ini andisi wenyika ino. 24 Naizwozwo ndakati kwamuri, kuti muchafira muzwitadzo zwenyu; nekuti kana musingatendi kuti ndini iye, muchafira muzwitadzo zwenyu. 25 Zwino wakati kwaari: Uriani iwe? Jesu akawati: Ndini mumumwechete anoramba anoramba achitaurirai kubva pakutanga. 26 Ndine zwakawanda zwandinoda kukutaurirai nekutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndewechokwadi; Ini zwandakanzwa kwaari, ndizwo zwandinotaurira nyika. 27 Asi hawana kunzwisisa kuti waiwa taurira zwaBaba. 28 Zwino, Jesu, akawati: kana masimudza Mwanakomana wemunhu, Ipapo muchasiwa kuti ndini, wuye kuti ini anditi chinhu ndiri ini, asi ndinotaura zwiya zwandakafundiswa naBaba. 29 Uye wakandituma waneni. Uye Baba haana kundisia ndiri ndega, nekuti ndinoita zwinomufadza nguwa dzose. 30 Wakati ataura zwinu izwi, wanhu wakawanda wakatenda kwaari. 31 Zwino, Jesu waiti, kuwaJuda wanga wamutenda: Kana imi muchigara mushoko rangu, Zwirokwazwo munowa wadzidzi wangu. 32 Muchaziwa chokwadi, nechokwadi chichakusunungurai. 33 Wakamudaira achiti: Tiri werudzi rwaAbhurahama, Isu atina kumbowa muranda wemunhu; seiko, unotaura, kuti: muchasunungurwa? 34 Jesu akadaira achiti: Zwirokwazwo, zwirokwazwo, ndinoti, kwaamuri: Mumwe nemumwe unoita chitadzo muranda wechitadzo. 35 Muranda hagari mumba nekusingaperi; Mwanakomana ndiye unongara nekusingaperi. 36 Naizwozwo, kana Mwanakomana achikusungurai, zwirokwazwo muchawa wakasununguka. 37 Ndinoziwa kuti muri rudzi rwaAbhurahama; asi munoswaka kundiuraya, nekuti shoko rangu ariwoneki mukati menyu. 38 Ini, ndinotaura zwandakanswa, kuna Baba wangu; imi munoita, izwo zwamakanzwa kuna baba wenyu. 39 Wakadaira, akawati: Baba wedu ndiAbhurahama. Jesu akati kwaari: Kudai muri wana weAbhuraham, maiita mabasa heAbhurahama. 40 Asi zwino munoswaka kundiuraya ini, munhu wakakutaurirai chokwadi chandakaswa kunaMwari; Abhurahama haana kuita izwozwo. 41 Imi munoita mabasa ababa wenyu. Wakati kwaari: Isu hatina kuberekwa newupombwe; tineBaba mumwe: Iye Mwari. 42 Jesu akati kwawari: Dai Mwari ariBaba wenyu maindida ini; nekuti ndakabuda ndikabva kuna Mwari; nekuti handina kuzwiurira, Asi ndiye wakandituma. 43 Nei musinganzwisisi kutaura kwangu? Nekuti amukwanisi kunzwa shoko kwangu. 44 Imi muri wana webaba, wenyu Dhiabhorosi, munoda kuita kuda kwakaipa kwebaba wenyu; iye wakanga wari muwuyai kubva pakutanga, haamiri muzwokwadi, nekuti maari amuna zwokwadi; kana achitaura manyepo, unotaura zwake; nekuti ndiye wemanyepo, wuye baba wemanyepo. 45 Asi, Ini, ndinotaura chokwadi, asi hamutendi kwandiri. 46 Ndiyani kwamuri unganditendesa kuti ndine zwitadzo? kana ndichitaura chokwadi, nei musingatendi kwandiri? 47 Uyo uri waMwari, unonzwa mashoko aMwari; Imimi hamunzwi nekuti hamusi waMwari. 48 WaJuda, wakadaira, wakati, kwaari: Isu atina kutaura izwozwo kwazwo ere kuti: Uri musamaria, uneDhimoni? 49 Jesu akadaira achiti: Ini handina Dhimoni, asi ndinokutaurirai baba wangu; imi munondizwidza. 50 Asi Ini handitswaki kuti ndikudzwe; uriko mumwe unozwitswaka, achitonga. 51 Zwirokwazwo, zwirokwazwo ndinoti kwamuri, kana munhu akachengeta shoko rangu hangawoni rufu. 52 WaJuda wakati kwaari: zwino takuziya kuti uneDimoni. Abhurahama newaPorofita wakafa; iwe unoti kana munhu akachengeta shoko rangu, hachatombowoni rufu. 53 Saka iwe urimukuru kuna baba wedu Abhurahama, wakafa? NewaPorofita wakafawo. Unozwiti ani? 54 Jesu akadaira achiti: Kana ini ndichizwikudza, kuzwikudza kwaangu akubatsiri chinhu; unondikudza ndiwo Baba, iwo wamunoti Mwari, iye ndiye unondikudza. 55 Imi hamuna kuwaziwa semi, asi ini ndinowaziwa; kana ini ndikati adiwaziwi ndawa kutaura manyepo semwi; asi ini ndinowaziwa, uye ndinochengeta shoko rawo. 56 Abhurahama, baba wenyu, wakafara wachiti wachawona zuwa rangu; wakariwona, akafara. 57 Ipapo. waJuda, wakati: Iwe usati waswika, makore anemakumi mashanu, wakawona Abhuurahama? 58 Jesu akawati: Zwirokwazwo, zwirokwazwo ndinoti kwamuri, Abhurahama asati awapo ini ndanga ndawapo. 59 Wakanonga mapuwe kuti wamuteme nawo. Asi Jesu akawanda akabuda muchechi.