1 Chure kwaizwozwo Jesu wakafamba muGarirea; nekuti wakanga asingadi kufamba muJudea, nekuti waJuda wakanga wachida kumuwuraya. 2 Zwino mutambo wawaJuda wamatumba wakanga uri paduze. 3 Naizwozwo hama zake zakati kwaari: Buda pano, uyende Judea, kuti wadzidzi wako wawone mabasa ako aunoita. 4 Nekuti hakuna munhu unoita chinhu chinyararire kana iye ega achida kuzikanwa. kana iwe uchiita izwi , uzwiratidze kunyika. 5 Nekuti nehama dzake dzakanga dzisinga tendi kwaari. 6 Zwino Jesu akati: Nguwa yangu aisati yakwaana; asi nguwa yenyu inogara yakagadzirirwa. 7 Nyika aikwanisi kukuwengai, asi ini inondiwenga, nekuti ndinoipupurira kuti mabasa ayo akaipa. 8 Kwirai imimi kumutambo; ini andikwiri kumutambo, nekuti nguwa iyangu aisati yaswika kwazwo. 9 Pakawataurira izwozwo, wakagara paGarireya. 10 Zwino wakati wachiwona Haama dzake dzichikwira kumutambo, iye akabva akwirao asingaendi pachena, asi sepakahwanda. 11 Zwino waJuda wakamuswaka pamutambo wakati 12 Paiwa nekungununguna kukuru pakati pewakawanda. Wamwe waiti: Iye akanaka; wamwe waiti: aiwa; iye, arikutsausa wanhu wakawanda. 13 Kunyangwe zwakadaro kwakanga kusina munhu aitaura pachena, pamusoro pake nrkutyia waJuda. 14 Zwino pakati pemutambo Jesu akakwira kuchechi, kodzidzisa. 15 Zwino waJuda wakashamisika, wachiti: seiko uyu anoziwa magwaro, zwasina kudzidza? 16 Jesu akawadaira; akati: Dzidziso yangu haisi yangu, asi yeuya wakandituma. 17 Kana munhu achuda kuita kuda kwake, uchaziwa dzidziso ichibva kuna Mwari, kana ini ndichitaura ini 18 chaiko.Unozwitaurira unotswaka kukudzwa kwake; asi unotswaka kukudzwa kwewakamutuma, ndiye wezwokwandi, hapana kusarurama maari. 19 Musesi haana kukupai murairo here? Asi akuna munhu arikuterera murairo iwowo. Munotswakireiko kundiuraya? 20 Wanhu wakamudaira achiti: Unedimoni; ndianiko unotswaka kukuwuraya? 21 Jesu akawadaira achiti:Ndakaita basa rimwe chete mukashamiswa mese,. 22 Sakei Mosesi akakupai dzingiso, anditi ndeya Mozesi, asi yewana baba satade dzingisai warume. 23 Zwino munhu kana achidzingiswa nesabata, kuti Murairo waMosesi usaputswe ko imimi munutsamwira Inini, nekuti ndakaporesa munhu zwakakwana? 24 Musatonge nezwinowonekwa, asi tongai nekutonga kwakarurama. 25 Zwino, wamwe weJerusarema wakati: Haasi uyu wawaitswaka muwuraye here? 26 Tarisai unotaura pachena, wasingatauri chinhu kwaari; saka wakuru wanozwiziwa kuti uyu ndiye Kristu? 27 Asi uyu tinomuziwa kwanobva: Asi kana Kristu, achiswika, akuna munhu ungaziwa kwaanobva. 28 Zwino Jesu akadaidzira muchechi, achidzidzisa, achiti: Munondiziwa munoziwa nepandakabva; Ini andina kuya ini chaizwo asi wakandituma ndiye wezwokwadi, iye wamusingaziwi. 29 Asi ini ndinomuziwa nekuti ndinobva kwaari, ndiye wakandituma. 30 Zwino waimutswaka kuti wamubate asi apana munhu wakaisa maoko kwaari, nekuti nguwa yake yanga isati yaswika. 31 Asi wamwe wakawanda wakatenda kwaari, waiti: Kana Kristu akauya, uchaita zwishamiso zwakawanda saizwi zwakaitwa nauyu here? 32 Zwino waFarisi wakazwidzwa kuti wanhu wakawanda warikugununguna pamusoro pake; waPirisita newakuru wakuru newaFarisi wakatuma wawonereri kuti wamusunge. 33 Ipapo Jesu akawati: Ndinenguwa ishoma ndiri nemwi ndizoende kune wakandituma. 34 Imimi muchandiswaka asi, amuzondiwoni; uye kwandinenge ndiri hamungaswikiko. 35 Wakataurirana, waJuda newamwe wawo wachiti: Uyu urkuda kwenda kupiko, kwatisingazomuwoni? Ko unoda kwenda kune wakapararira pakati pewaHedheni, kuti adzidzise waGiriki here? 36 Shoko ririkuti kudini raarikutaura: Muchandiswaka, asi amuchazondiwoni; uye kwandinege ndiri hamukwanisi kuwuyako? 37 Zwino nezuwa rekupedzisira remutambo Jesu akamira, akadaidzira, achiti: kana paine munhu anenyota ngauye kwandiri, anwe. 38 Uya unotenda kwandiri, sezwinotaura mangwaro, rwizi dzemvura penyu dzichaerera mukati make. 39 Iye akataura zwemweya waizopiwawo waya waitenda kwaari; Zwino Mweya mutswene wanga usati wapo, nekuti Jesu wanga asati akudzwa. 40 Zwino wamwe pakati pewanhu, wakawanda, wachinzwa choko iri, waiti: Zwirokwazwo uyu ndiye Muporofita. 41 Wamwe waiti: Uyu ndiye Kristu ; wamwe waiti: Ko Kristu ungabva Garirea here? 42 magwaro hana kutaura here kuti Kristu uchauya kubva kurudzi rwaDhavidhi, nepamusha waBheterehemu, paiwa naDhavidhi? 43 Naizwozwo kupesana kwakamuka Pamusoro pake pakati pewanhu wakawanda. 44 wamwe wacho waida kumusunga, asi apana wakaisa maoko kwaari. 45 46 Wakauya zwino watarisiri kuwaPirisita wakuru nekuwaFarisi; iwo wakati: Nei musina kuwuya naye? watarisiri wakadaira achiti: Akuna wakambotaura semunhu uyu. 47 Akawandaira, iwo waFarisi: Nemiwo matsauswawo? 48 Kuwakuru nekuwaFarisi kune wakatenda kwaari here? 49 Asi wanhu aya, wasingazi murairo, wakatukwa. 50 Wakati Nikodimo, uya wakauya kwaari uri wusiku, waiwa mumwe wawo: 51 Murairo wedu unotonga munhu asati asati ambodzwa, nekuziwa zwanoita? 52 Wakadaira kwawari, akati: Konewewo uri weGarirea here? tswaka uwone, kuti hakuna Muporofita unobva Garireya ere? 53 Mumwe nemumwe wakaenda kumba kwake.