Chitsauko 6

1 Shure Kwaizwozwo Jesu wakaenda kumhiri kwegungwa reGarireya, ndiro reTiberiasi. 2 Wanhu wakawandisisa wakamutewera, nekuti waiwona zwiratidzo zwaaita kunewairwara. 3 Zwino jesu akakwira mugomo, wakagaramo newadzidzi wake. 4 Zwino mutambo wepaseka, wewaJuda wakanga uripaduze. 5 Jesu akasimudza chisochake, akawona wanhu wakawanda wachiuya kwaari, akati kuna Firipo: Tingatengepiko zwingwa, kuti tipe wanhu awa? 6 Asi iye akataura izwozwo achimuenza; nekuti iye waiziwa zwanga achidakuita. 7 Firipo akadaira achiti: zwingwa zwemadenari zwemazana mawiri hazwiwakwaniri, kuti mumwe nemumwe atore zwishoma. 8 Zwino mumwe wewadzidzi wake Andreasi, hama yaSimoni Petro akati kwaari: 9 Pano pane mukomana anezwingwa zwishanu Zwebhar nehowe mbiri; asi zwinga kwanira sei wanhu wakawanda kudai? 10 Jesu akati: Garisai wanhu pasi; paiwa newuswa wakawanda ipapo. wakagara pasi nekudaro warume warume wakagara, pasi, kuwanda kwawo kwaiwa kwezwiuru zwishanu. 11 Zwino Jesu akatora zwingwa, akanamata wakapa wadzidzi wanga wakagarapasi, nehowewo saizwozwo pawaida napo. 12 Zwino wakati waguta, wakati kuwadzidzi wake: Wunganidzai Maphisi ese asara, kuti pasarasike chinhu. 13 Zwino iwo wakaunganidza , wakadzadza matengu anokwana gumi nemawiri nemaphisi ezwingwa zwishanu zwebari. 14 Zwino wanhu wakati wachiona, chiratidzo, chakaita Jesu, wati: Zwirokwazwo uyu ndiye muPorofita waiuya panyika! 15 Zwino Jesu achizwizia kuti woda kuya, komubata nesimba, kozomuita mambo, akabudazwe akaenda mugomo ariega. 16 Zwino kwakuda kudoka wadzidzi wake akabudira kungungwa. 17 Achipinda muchikepe, wakayambuka gungwa kuwuya kuKapernaumi. Zwino kwangakwatodoka, asi Jesu wanga asati aswika kwawari. 18 Zwino gungwa rakatanga kusimuka, nemhepo huru yaivhuvhuta. 19 Saka wakati waswa zwikuru mastadia anenge, makumi mawiri, nemashanu, kana makumi matatu,akaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achikwenzera paduze nechikepe; wakatyia. 20 Asi iye akawati: Ndini, musatya. 21 Iwo, zwino, wakamugamuchira akafara muchikepe; Chikepe chikaswika pakarepo kunyika kwawakanga achienda. 22 awamangwanani, wanhu wakawanda wanga wakamira mhiri kwegungwa, wakawona kuti panga pasina chimwe chikepe, chidiki opapo, asi iro rimwe manga mapinda wadzidzi wake; mariri wuye Jesu haana kupinda muchikepe newadzidzi wake asi kuti wadzidzi wake wanga waenda wonga; 23 Asi zwimwe zwikepe zwiduku zwanga zwabvaTiberiasi, wakaswika paduze yeswimbo yawakadyira zwingwa, ishe ambonamata. 24 Zwino wanhu wakawanda wakati wachiwona kuti Jesu hapana, newadzidzi wake, wakapindawo muzwikepe zwiduku, wakaswika Kapernaume wachiswaka Jesu. 25 Zwino wakati wamuwona kumhiri kwegungwa, wakati kwaari: Rabhi mauya rini pano? 26 Jesu akadaira akati kwawari: Zwirokwazo, zwirokwazo ndinoti kwamuri, Hamunditswaki, nekuti makawona zwiratidzo, asi nekuti makadya zwingwa, mukaguta. 27 Musachandira zwekudya zwinopera, asi zwekudya zwinogara kuwupenyu usingaperi, zwamuchapuwa neMwanakomana wemunhu; nekuti Mwari Baba wakaisa chisimbiso kwaari. 28 Zwino wakati kwaari: Tichaiteiko, kuti tichande mabasa aMwari? 29 Jesu akadaira, akati kwawari: Iri ndiro basa raMwari: kuti mutende kuna iye waakatuma. 30 Zwino wakati kwaari: Munoita chiratidzo chipiko, kuti tiwone, tikutendei? Imi munobateiko? 31 Madzibaba edu akadya mana mureje, sezwazwakanyorwa zwichizi: Wakawapa chingwa chakabva kudenga kuti wadye. 32 Zwino Jesu akati kwawari: Zwirokwazo, zwirokwazo ndinoti kwamuri, Mosesi haana kukupai chingwa chakabva kudenga; asi ndiBaba wangu wanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga. 33 Nekuti chingwa chaMwari ndiye unoburuka achibva kudenga unopa nyika upenyu. 34 Zwino wakati kwaari: Ishe , tipei chingwa ichi misi yose. 35 Jesu akati kwawari: Ndini chingwa cheupenyu; unowuya kwandiri haangawi nenzara, neunotenda kwandiri haangawi nenyota. 36 Asi ndakakuvudzai kuti makandiwona, asi hamutendi. 37 Zwese Baba zwawanondipa zwichawuya kwandiri; neunowuya kwandiri, handingatongomurasiri kunze. 38 Nekuti ini andina kubva Kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuti ndiite kuda kwewakandituma; 39 Uku ndiko kuda kwaBaba, wakandituma: kuti pazwese zwaakandipa, ndisarasikirwe nechinhu, asi kuti ndichamumutsa muzuwa rekupedzisira. 40 Uku ndiko kuda kwewakandituma, kuti wese uya unowona Mwanakomana achitenda kwaari awe newupenyu wusingaperi; uye ini ndichamutsa muzuwa rekupedzisira 41 Zwino waJuda waigununguna pamusoro pake, nekuti wakati: Ini ndini chingwa chakabva Kudenga. achiti: 42 Haasi uyu Jesu Mwanakomana waJosefa, Baba namai wake watinoziwa ere? Saka, seiko, unoti: ndakabva Kudenga 43 Akadaira, zwino Jesu, akawati: musagunungune pachenyu. 44 Akuna unouya Kwandiri kana Baba wakandituma wasingamukwei; neni ndichamumutsa muzuwa rekupedzisira. 45 Muwaporofita wakanyorwa muchiti: Wese wachadzidziswa naMwari. Wese uya wakazwinswa kuna Baba akadzidza unouya kwandiri 46 Andisikutaura kuti kune munhu wakaona Baba, kunze kweuya uri waMwari; uyu ndiye wakaona Mwari. 47 Zwirokwazwo, zwirokwazwo, ndinoti kwamuri, uya unotenda uchawa neupenyu usingaperi. 48 Ndini chingwa cheupenyu. 49 Wanababa wenyu wakadya mana murenje, wakafa. 50 Ichi ndicho chingwa chinobva Kudenga, kuti munhu adye asafe. 51 Ndini chingwa chewupenyu, chakabva Kudenga; kana munhu akadya chingwa ichi achararama nekusingaperi. Chingwa chandinomupa inyama yangu, wuwe wupenyu wenyika. 52 Zwino waJuda waipopotedzana, pachezwawo, chiti: Munhu uyu unotipa sei mwiri wake kuti tidye? 53 Jesu, akawati: Zwirokwazwo, zwirokwazwo ndinoti, kwamuri, kana musingadyi mwiri wemwana komana nekumwa ropa rake, amungawi newupenyu kwamuri. 54 Uya unodya mwiri wangu neunomwa ropa rangu anewupenyu usingaperi, ini ndichamumutsa muzuwa rekupedzisira. 55 Nekuti nyama yangu ichekudya zwikuru; uye ropa rangu izwekumwa zwikuru. 56 wuya unodya nyama yangu nekumwa ropa rangu, unogara mandiri, neni maari. 57 SaBaba wapenyu wakandituma, uye ini ndinorarama naBaba. 58 Naizwozwo unondidya achararama. Ichi ndicho chingwa chakabva Kudenga. hazwina kuita samadzibaba wenyu wakadya mana akafa; unodya chingwa ichi uchararama nekusingaperi. 59 Zwinhu izwi akazwitaura kuSinagogi, achidzidzisa paKapernaumi. 60 Wakawanda wewadzidzi wake, wachizwiswa izwi, wakati: Shoko iri igukuto ndianiko ungarinzwa? 61 Asi Jesu waizwiziwa zwake mumoyo make, wadzidzi wake waigununguna, wakamuti: shoko iri rinokugumbusai? 62 Muchaiteiko kana muchiona Mwanakomana wemunhu achikwira kwaanga ari pakutanga? 63 Mweya ndiwo unoraramisa, nyama aibatsiri chinhu; mashoko andakakutaurirai ndiwo Mweya newupenyu. 64 Asi wamwe wenyu wariko wasingatendi. Nekuti Jesu waizwiziwa kubva pakutanga kuti waisatenda ndiwanani, uye kuti ndiani waizomupadukira. 65 Akati: Nemhaka yi ndakati kwamuri akuna munhu ungauya kwandiri, kana asina kuzwipiwa naBaba. 66 Kubva panguwa iyo wadzidzi wake wakawanda wakadzokera kumasure, wakasazofamba naye. 67 Jesu, akati kuna, wanegumi nawawiri: Nemi muchaendawo here? 68 Simoni petro akamudaira: Ishe, tichagoenda kunaniko? Ndimi mune machoko ewupenyu usingaperi; 69 Isu takatenda uye tine chokwadi kuti ndimi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu. 70 Jesu akadaira akati: handina kukutsarai imi, wanegumi nawawiri here? Asi mumwe wenyu ndewa Dhiabhurosi. 71 Iye aitaura Juda, mwanakomana waSimoni Isikarioti; nekuti iye ndiye waizomupandukira, ari mumwe wawanegumi nawawiri.