Chitsauko 5

1 Shure kwaizwozwo pakawa nemutambo wewaJuda, Jesu akakwira jerusarema. 2 Zwino paJerusarema paduse nedo remakwai kwaiwa nedziwa rainzi betsaide, nechiHebheru, raiwa nemabirawira mashanu. 3 Mukati mawo maiwa newakawanda wairwara, nemapofo, newakaremara, newakaunyana«, wakamirira kubvongodzwa kwemvura . 4 Nekuti Ngirozi yaidzika mudziwa iro neimwe nguwa achibvongodza mvura; waitanga kupinda mumvura yakabvongodzwa, waiporeswa kunyangwe nechirwere chipi acho. 5 Paiwa neumwe murume, aiwa nemakore makumi matatu nemasere achirwara. 6 jesu akati achiona munhu uyu akarara pasi, achiziwa kuti, wanga wakadaro nguwa nguru akati kwaari: Unoda kuporeswa here? 7 Murwere akamudaira achiti: Ishe, Ndinoshaiwa munhu unondikandira mudziwa kana mvura yabvongodzwa, asi ndinoti kana ndoenda, Mumwe wonditangira. 8 Jesu akati Kwaari: Simuka, tora nhowo dzako, ufambe. 9 Pakarepo Munhu oyo akaporeswa; akatora nho dzake, akaenda. waiwa musi wasatade. 10 Zwino waJuda wakati kune wakaporeswa: Isatade, autenderwi kutakura nhowo dzako. 11 Iye akadaira achiti: Uyo wandirapa ndiye wanditi: Tora nhowo dzako uyende. 12 Wakabvunza wachiti: Ndeupi Munhu akutaurira kuti: Tora nhowo yako uyende? 13 Zwino wanga waporeswa haana kuzwizia kuti wanga ari ani, Nekuti Jesu wanga wabuda,nekuti paswimbo iyoyo paiwa newanhu wakawanda. 14 Zwino Jesu akamuwona muchechi, akamuti: Tarira waporeswa usatadzazwe, kuti usabatwe nechinhu chakaipa chinodarika ichi. 15 Murume uyo akaenda kotaurira waJudha kuti mdiJesu akamuporesa. 16 Saka waJudha wakatambudza Jesu, wakaswaka kumuwuraya nekuti Iye waita zwinhu izwi musi wesatade. 17 Jesu akawadaira achiti: Baba wangu nazwino wanoshanda,, Neniwo ndino shanda. 18 Naizwozawo waJuda wakatswaka zwikuru kumuwuraiyam, nekuti nekuti wanga asingaputsi murairo wesatade, chete asi waitiwo Mwari ndiBaba, wake achizwiendzanisa naMwari. 19 Akadaira Jesu, achiti: Zwirokwazwo, zwirokwazwo ndinoti kwamuri, Mwanakomana hakwanisi kuita chinhu enga kana asingawoni Baba wachichiita, Nekuti zwinhu zwse zwanoita iwo Mwanakomana unozwiita saizwozwo. 20 Nekuti Baba anoda Mwanakomana, wanomupangidzira zwinhu zwese zwanoita; Wachamuratidza, mabasa makuru, kune awa kuti mushamiswe. 21 Nekuti Baba sezwawanomutsa wakafa wachiwararamisa, saizwozwo Mwanakomana anoraramisa wo waanoda kuraramisa. 22 Nekuti naBaba hawatongi muhnu, asi wakapa Mwanakomana kutonga kwese, 23 Kuti wese wakudze Mwanakomana, sezwawanokudza Baba. Hasingakudzi Mwanakomana, haakudzi naBaba wakamutuma. 24 Zwirokwazwo zwirokwazwo ndinoti kwamuri, uya unonzwa shoko rangu, achitenda kune wandituma, ane wupenyu usingaperi, haausi wekutonga asi wabude murufu waende kuwupenyu. 25 Zwirokwazwo zwirokwazwo, ndinoti kwamuri nguwa inouya, nazwino yatowapo, naiwo wakafa wachaswa inzwi reMwanakomana waMwari, waya wachainzwa wachararama. 26 Nekuti Baba sezwane upenyu maari naizwozwowo wakapa Mwanakomana kuti awe neupenyu maari. 27 Akamupa simba, kuti atonge, nekuti iMwanakomana weMunhu. 28 Musashamiswa nazwo; nekuti nguwa inouya nayo, wese wari mumakuwa washanzwa inzwi rake. 29 Wachabuda waya wakaita zwakanaka, kukumuka kweupenyu; kune wakaitA zwakashata, kumuka kwekuraswa. 30 Andikwanisi kuita chinhun ini ndega. sezwandinonswa; kutonga kwangu kwakarurama; handitswaki kuda kwangu, asi kuda kwaBaba wangu wakandituma. 31 Kana ini ndichipupura kupupura kwangu, akusi kwenshokwadi. 32 Mumwe uripo unondipupurira, ndinoziwa kuti kupupura kwake kwanondipupurira nako ndekwe nshokwadi. 33 Makatuma waziwisi kuna Johani iye akapupura zwokwandi. 34 Nekudaro Ini anditambiri kupupura kunobva kumunhu; asi ndinotaura izwozwo kuti muponeswe. 35 Iye wakanga ari mwenje unopfuta neunoveneka; imi makanga muchida kufara nguwa duku muchiedza chake 36 Asi Ini ndine chapupu chikuru kuna Johani; nekuti mabasa andakapiwa naBaba kuti ndiapedze, iwo mabasa andinoti ndiwo anondipupurira kuti Baba wakandituma. 37 Uye Baba wakandituma, ndiwo wakandipupurirawo. Amusati matswa itswi rawo, kana kowona mufananidzo wawo. 38 Uye shoko rawo harigari mukati menyu; nekuti hamutendi, wawakatuma. 39 M;unonzwera kagwaro; nekuti munofunga kuti wupenyu usingaperi munawo maari, ndiwo anondipupurira ini. 40 Asi amudi kuya kwandiri, kuti muwe neupenyu. 41 Handigamuchiri kukudzwa kunobva kuwanhu. 42 Asi Ini ndinokuziwai kuti hamunarudo raMwari mukati menyu. 43 Ini ndakauya muzita raBaba wangu, asi hamuna kunditambira; kana mumwe akaswika nezita rake, iyeye muchamutambira. 44 Munotenda sei imi, muchigamuchira kukudzwa mumwe kune mumwe, asi amugamuchiri kukudzwa kunobva kuna Mwari ega amukuswaki? 45 Musafunge kuti ndichakupomerai mhoswa kunaBaba; mumwe uriko uchakupomerai mhoswa ndiye Mosesi, wamakawimba naye akakumirirai. 46 Nekuti dai maitenda Mosisi, mungadai maitendawo ini; nekuti Iye wakanyora zwangu. 47 Asi kana musingatendi manyoro ake, munotenda sei mumashoko angu?