Chitsauko 4

1 Zwino, Iche wakati aziya kuti waFarise wakanga wazwa kuti Jesu wakaita nekubabatidza wadzidzi wakawanda kudarika Johane 2 kunyangwe Jesu wakanga asingababatidzi ega, asi wadzidzi wake, 3 Iye akabuda Judea, akayenda zeGarirea. 4 Wakanga achifanira kudarika neSamaria. 5 Zwino akaswika paguta reSamaria, raizi Sikar,paduze nenyika yakanga yapa Jakobo mwanakomana wake Josefa. 6 Tsime raJakobo rakanga riripo, Zwino Jesu, aneta nekufamba, akagara zake patsime; yaiwa nguwa inenge yechitanhatu. 7 Pakawuya mumwe mukadzi weSamaria kudzochera mvura; Jesu akati kwaari: Ndipeiwo ndimwe. 8 Nekuti wadzidzi wake wakanga wayenda muguta kunotenga zekudya. 9 Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari : Ko, iwe muJuda, unokumbira seiko kwandiri kumwa, ini mukadzi muSamaria? Nekuti waJuda awafambidzani newaSamaria. 10 Jesu akadaira, akati kwaari: Dai waiziya chipo cha Mwari, uye kuti ndiani unoti kwauri: Ndipeiwo ndimwe, ungadai waikumbira kwaari, akupa mvura mhenyu. 11 Mukadzi akati kwaari: Iche, hamuna chamungachera nacho, tsime rakadzika; Zwino mvura mhenyu mungaiwonepiko? 12 Ko muri mukuru kuna baba wedu Jakobo, wakatipa tsime iri? wakamwa pariri amene, newanakomana wawo, nezifuyo zawo? 13 Jesu akadaira, akati kwaari: Mumwe nemumwe unomwa mvura iyi uchawa nenyota ze; 14 Asi aninani unomwa mvura yandichamupa, haachazowi nenyota nekusingaperi, asi mvura yandichamupa ichawa mukati make tsime remvura,inowaira kuwupenyu usingaperi. 15 Mukadzi akati kwaari: Iche, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzowa nenyota, kana kuwuya kochera pano. 16 Jesu akati kwaari: Enda ,unodaidza murume wako agowuya pano. 17 Mukadzi akadaira,akati:Handinamurume. Jesu akati kwaari: wataura zwakanaka: Handinamurume. 18 Nekuti watowa newarume wachanu, waunaye maimanje haasi murume wako; apa wataura chokwadi. 19 Mukadzi akati kwaari: Iche, ndinowona kuti muri muporofita. 20 Madzibaba edu ainamata pagomo iri, imi munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatwa. 21 Jesu akati: Mukadzi, tenda kwandiri, kuti nguwa inouya yamusingazonamati Baba pagomo, iri kana paJerusare. 22 Imi munonamata chamusingaziwi; asi isu tinonamata chatinoziwa, nekuti ruponeso rinobva kuwaJuda. 23 Asi nguwa inouya, nazwino yatowapo, yekuti washumiri wechokwadi wachanamata Baba muMweya nemuzwokwadi; nekuti Baba wanoswaka wakadaro kuzomunamata. 24 Mwari ndiMweya , wanomunamata ngawamunamate mumwe nemuzwokwadi. 25 Zwino mukadzi akati: Ini ndinozwizia kuti mesiasi unouya unonzi Kristu; kana akauya uchatitaurira zwinhu zwese. 26 Jesu akati: Ini ndinotaura newe ndiye. 27 Zwino wadzidzi wake wakauya wakashamisika wachiona wachitaura nemukadzi; Asi akuna akamutaurira: Munoswakei? kana kuti, munotaurei naye? 28 Ipapo mukadzi akasiya, chirongo chake chemvura, akaenda muguta, akati kuwanhu: 29 Uyai muwone Munhu akanditaurira zwinhu zwose zwandaita; ko uyu asiye Kristu? 30 wakabuda, munguta, wakaenda kwari. 31 Nenguwa iyoyo, wadzidzi waimukumbira achiti: Rabhi, chidyai. 32 Iye akati kwaari: Ini ndine zwekudya zwandinodya zwamusingaziwi. 33 Zwino, wadzidzi wakataurirana, wachiti: Asi pane wamuhunzira zwekudya kanhi? 34 Jesu akati kwaari: Zwekudya zwangu ndizwo kuti ndiite kuda kwewakandituma nekupedza basa rake. 35 ko imi hamuti, kwasara mwedzi mina kucheka kwaswika? Tarirai ini ndinokutaurirai kwamuri: Simudzai meso enyu wonai minda; yatobvira kucheka. 36 Unocheka, unopiwa mubairo, unounganidza zwibereko muwupenyu usingaperi; kuti unokusha neunocheka wafare, wese. 37 Nekuti shumo ndeye zwokwadi, inoti: Mumwe unokusha, umwe achicheka. 38 Ini ndakakutumai kundocheka zwamusina kushandira; wamwe washande, zwino imi mapinda mubasarawo. 39 Wakawanda waSamaria weguta iroro wakatenda kwaari neshoko remukadzi, wakapupura achiti: Wanditaurira zwese zwandaita. 40 Zwino waSamaria wakati wachiswika kwaari akamukumbira kuti akare nawo; akagarapo mazuwa mawiri. 41 Newamwe wakawanda wakatenda neshoko rake. 42 Waiti kumukadzi atichatendi nekutaura kwako; tazwiswira tega, tinoziwa kuti Uyu ndiye Kristu, Muponesi wenyika. 43 Mushure kwemazuwa mawiri adarika, akabudapo akaeda Garirea. 44 Nekuti Jesu mumwe chete wakapupura kuti akuna Muporofita unokudzwa munyika yake. 45 Zwino wakati achiswika Garirea, waGarirea wakamugamuchira, nekuti naiwo wakanga waendawo kumutambo. 46 Zwino Jesu akauyazwe paKana yeGarirea, pakanga ashadura mvura ikaita ropa. Ipapo paiwa neumwe mutariri, washe mwanakomana wake wairwara paKapernaume. 47 Iye akati achiswa kuti Jesu abuda kuJudhea waswika Garirea, akaenda kwaari, aimunyengetera kuti abude aende, komuporesa mwanakomana wake, nekuti wanga wakuda kufa. 48 Zwino Jesu akati kwari: Kana musingawoni Minana nezwishamiso hamungatendi. 49 Mutariri akati: Ishe uyai henyu, mwana wangu asati 50 afa. Jesu akati kwari: Enda hako, mwanawako mupenyu. Munhu uyu akatenda shoko rataurwa naJesu kwaari, akaenda. 51 Wakati wachibuda, waranda wake wakasangana naye, wakati Mwana wenyu mupenyu. 52 Zwino wakabvunza, nguwa yakatanga kunaya nayo; wakati kwari: Zuro nenguwa yechinomwe fivhiri yakabuda kwari. 53 Baba wakaziwa kuti, ndiyo kuwa yaJesu yakati kwari: Mwanakomana wako mupenyu. Iye akatenda nemhuri yake yose. 54 Ichi chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abuda kuJudhea aswika Garirea.