1 Kwaiwapo mumwe murume wewafarisi, wainzi Nikodimo, mukuru wewaJuda. 2 Iye akauya kuna Jesu uri wusiku, akati kwaari: Rabhi, tinozia kuti muri mudzidzisi wakabva kunaMwari; nekuti munhu unokwanisa kuita zwiratidzo izwi zwamunoita kana Mwari asiri naye. 3 Jesu akadaira achiti: Zwirokwazwo zwirokwazwo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi paswa haanga woni wuMambo waMwari. 4 Nikodimo akati kwari: Munhu unoberekwa sei patswa, amukuru? ungadzokazwe mudumbu ramai wake, akaberekwa? 5 Jesu akadaira achiti: Zwirokwazwo, zwirokwazwo ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwai nemvura neMweya, hangapindi muwuMambo waMwari. 6 Chinoberekwa nenyama, inyama uye; chinoberekwa neMwaya, iMweya. 7 Usashamiswa nekuti ndakati kwauri: munofanira kuberekwa patswa. 8 Mhepo inovhuvhuta painoda napo unoswa inzwi rayo; asi hauziwi painobva nepainoenda; mumwe nemumwe wakaberekwa neMweya wakadaro. 9 Nikodimo akadaira, achiti: Zwinhu izwi zwinoitika sei? 10 Jesu akadaira achiti: Iwe uri mudzidzisi waIsraeri, haunzwisisi zwinhu izwozwi here? 11 Zwirokwazwo zwirokwazwo, ndinoti kwauri; ndinotaura zwandinoziwa, tinopupura zwatakawona; asi imi amugamuchiri kupupura kwedu. 12 Kana ndakakuwudzai zwinhu zwenyika, mukasatenda, munotenda seiko, kana ndichikuwudzai zwinhu zwemweya? 13 Akuna munhu akakwira Kudenga, asi Iye akabva Kudenga: iye Mwanakomana weMunhu. 14 Mosesi sezwakasimudza nyoka Murenje, saizwozwo Mwanakomana weMunhu unofanira kusimudzwawo, 15 kuti aninani unotenda kwaari asaparare awe neupenyu wusingaperi. 16 Nekuti Mwari akada nyika nekudaro, kuti akapa Mwanakomana wake; akaberekwa arienga kuti wese uya unotenda kwaari asaparare, asi awe neupenyu usingaperi. 17 Nekuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti arase nyika; asi kuti nyika iponeswe; 18 Ani unotenda kwari haatongwi; asi usingatendi kwaari watotongwa; nekuti haana kutenda kuzita reMwanakomana waMwari wakaberekwa enga. 19 Uku diko kutongwa: kuti chiedza chakauya panyika, asi wanhu wakada rima kupfura chiedza nekuti mabasa awo akanga akaipa. 20 Nekuti wese uya unoita zwakaipa unowenga chiedza haauyi pachiedza, kuti mabasa ake asabudiswe pachena. 21 Asi uya unoita zwokwadi unouya pachiedza, kuti mabasa ake awonekwe, kuti akaitwa munaMwari. 22 Shure kwaizwozwo Jesu akauya newadzidzi wake munyika yeJudhea; akangarako newadzidzi wake achibhabhatidza. 23 NaJohani wakanga achibhabhatidzawo paAinoni, pamwepo naSarimi, nekuti paiwa nemvura yakawanda; waiuya ipapo, wachibhabhatidzwa, 24 nekuti Johani wakanga asati waiswa munjeri. 25 Zwino nharo dzakamukapo pamusoro pekuzwinatsa pakati pewadzidzi waJohani nemumwe muJuda. 26 Wakauya kuna Johani, akati: Rabhi, uya waiwa nemi mhiri kweJordani, wamaipupurira, tarirai iye unobhabhatidza, uye wose wanouya kwaari. 27 Johani akadaira, achiti: Munhu haanga gamuchiri chinhu, kana asina kuchipiwa chichibva Kudenga. 28 Imi chaiwo mungandipupurira kuti, ndakati: Ini handisi Kristu ini asi kuti ndakatumwa pamberi pawo. 29 Uya unemukadzi, nemurume; asi shamwari yemurume, inomira ichimunzwa, inofara zwikuru neinzwi rechikomba. Naizwozwo kufara kwangu uku kwadzadzika. 30 Iye unofanira kukura, asi ini ndinofanira kuhafura. 31 Iye unobva kumusoro, ndiye uri pamusoro pawese; neunobva panyika, ndewenyika, unotaura zwenyika. Uya unobva Kudenga ndiye uri pamusoro pawese. 32 Zwakawona ne zwakanzwa, ndizwo zwanopupura; asi akuna munhu unogamuchira kupupura kwake. 33 Uya wakagamuchira kupupura kwake, wakasimbisa kuti Mwari ndewe zwokwadi. 34 Nekuti wakatumwa naMwari, ndiye unotaura mashoko aMwari; nekuti haapi Mweya achiera. 35 Baba wanoda Mwanakomana, wakamupa zwose muruwoko rwake. 36 Uya unotenda kuMwanakomana uneupenyu wusingaperi; asi uya usingatereri kuMwanakomana haangawoni wupenyu usingaperi, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.