Chitsauko 2

1 Muzuwa rechitatu pakawa nemutambo wekurora paKana reGarirea; namai waJesu wanga waripo. 2 Uye Jesu newadzidzi wake wanga wakakokwawo pamutambo wekurora. 3 Waini yakati ichishota, mai waJesu wakati kwari: Awasisina waini. 4 Jesu akati: Ndineiko nemi mai? Nguwa yangu aisati Yaswika. 5 Mai wake wakati kuwaranda: Itai zwese zwanokutaurirai. 6 Zwino paiwa nemakate matanhatu emapuwe, anga aiswapo maererano netsika yawaJuda, yekuzwinatsa Rimwe nerimwe raidzadzwa nezwiero zwiwiri kana zwitatu. 7 Jesu akati kwari: Dzadzai makate nemvura. Iwo wakadzadza kuswikira apamiromo. 8 Akati kwari: Cherai muendese kumukuru wemutambo. Zwino wakaendesa. 9 Zwino mukuru wemutambo wakati araira mvura yakashaduka waini asingaziwi kwayabva, asi waranda wanga wachera mvura, mukuru wemutambo akadaidza chikomba, akati: 10 Munhu umwe nemumwe unotanga abudise waini yakanaka, neisinganaki kana wamwa kwazwo wadakwa, wanonyanyisa; Asi iwe wachengeta kuzwikira nanasi. 11 Ichi chiratidzo chake chekutanga Jesu akachiita paKana reGarirea, akaratidza kubwinya kwake; uye wadzidzi wake wakatenda kwaaeri. 12 Shure kwaizwozwo akabudikira kuKapernaume, Iye na mai wake nehama dzake, newadzidzi wake, akagarapo mazuwa mashomanani. 13 Pasika yewaJuda, yanga yakuswika zwino Jesu akakwira Jerusarema. 14 Akawona muchechi murikutengeswa mombe, nemakwai, nenjiwa, newaitsinhanha mari wakagaramo. 15 Akaruka tyawayorwonzi, akabudisa kunze kwemuchechi, makwai, nemombe; akaradza mari yose yawatsinhamhira, nekudonesa matafura awo. 16 Waya waitengesa njiwa, akawati: Bvisai zwinhu izwi muno; musaite imba yaBaba wangu imba yekutengesera! 17 Wadzidzi wake wakafunga kuti zwakanyorwa kuchiti: Kushingirira imba yenyu kuchandipedza. 18 Zwino waJuda akadaira, wachiti: Ungatiratidza chiratidzo cheiko zwaunoita zwinhu izwi? 19 Jesu akadaira achiti: Putsai chechi iyi, Ini ndichaimutsazwe nemazuwa matatu. 20 Zwino, waJuda, wakati: Chechi iyi yakawakwa nemakore anemakumi mana nematanhatu, zwino Iwe ungaimutsa nemazuwa matatu here? 21 Asi iye waitaura chehci yemwiri wake. 22 Zwino wakati wamutswa kuwakafa, wadzidzi wake wakatenda kuti Iye anga akazwitaura izwi; wakatenda Magwaro, neShoko rakataurwa naJesu. 23 Zwino nguwa yanga ari muJerusarema pamutambo wepaseka, wakawanda wakatenda muzita rake, wachiona zwiratidzo zwaiita. 24 Asi Jesu haana kuzwiisa mumaoko awo, nekuti waiziwa wanhu wese. 25 Wanga wasinga tswaki kuti munhu mumwe, apupure zwemunhu, nekuti waiziya iye zwirimumunhu.