1 Pakutanga Choko rakanga riripo, Choko rakanga riri kuna Mwari, Choko rakanga riri Mwari. 2 Iri pakutanga rakanga riri kuna Mwari. 3 Zwinu zwese zakaitwa naye, kunze kwake akuna kuitwa kunyangwe chinu chimwe chakaitwa. 4 Upenyu wakanga uri maari, upenyu wakanga uri chiyedza chawanu . 5 Chiyedza chinovenekera murima; Asi rima arina kuchikunda. 6 Kwakanga kune munu wakatumwa na Mwari, zita rake raizi Johane. 7 Iye wakawuya kuzopupura, kuti apupurire chiyedza,kuti wese watende naye. 8 Iye wakanga asiri chiyedza; asi wakatumwa kuti apupurire chiyedza. 9 Ichi chakanga chiri chiyedza chechokwadi, chinovenekera munu wese anuwuya panyika. 10 Wakanga ari panyika, nyika yakaitwa naye; asi nyika ayinakumuziya. 11 Wakawuya kune wake, asi wanu wake awanakumugamuchira. 12 Asi wese wakamutambira, akawapa simba kuti wazwi wana waMwari: iwawo wanotenda muzita rake. 13 Awo wasina kuberekwa neropa, kana nekuda kwenyama, kana nekuda kwemurume, asi naMwari. 14 Choko rakazowa nyama, rikagara pakati pedu; tikawona kugwinya kwake, kugwinya sekwewakaberekwa mumwe chete waBaba akazara nenyacha nechokwadi. 15 Johane akamupupurira, akadaidzira, achiti: Uyu ndiye wandaitaura ndichiti: Uyo unowuya kumasure kwangu akawapo mberi kwangu; nekuti wakanditangira. 16 Nekuti pakuzara kwake isu tese takapuwa nyacha pamusoro penyacha. 17 Nekuti mutemo wakapuwa naMosesi; nyacha nechokwadi zwakawuya naJesu Kristu. 18 Akunamunhu wakabowona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa mumwe woga, ari pachifuwa chaBaba, ndiye wakamuziwisa isu. 19 Uku ndiko kupupura kwaJohane, musi waJuda wakatumira kwaari waPrisita nawaRevhi wachibva Jerusarema, komubvuzisa: Iwe ndiwe aniko? 20 Akatenda pachena, haana kuramba, achiti: Handisi Kristu. 21 Wakamubvunza: Asi kudiniko? Ndiwe Eria here? Iye akati: Handisi. Iwo wakati: Iwe ndiwe muporofita? Iye akadaira:Kwete. 22 Zwino akati kwaari: Ndiwe ani? Kuti tipindura wakatituma. Unozviti aniko? Akakti: 23 Ini ndini Inzwi rinodaidzira murenje: rinoruramisa ngwanzi yaShe, sezwakataurwa nemuporofita Isaya. 24 Awa watumwa wangawari wewafarisi. 25 Akamubvunza, akati: Nei unobhabhatidza neiko , kana usiri Kristu kana Eria, kana muPorofita? 26 Johani akamudaira, achiti: Ini ndinobhabhbatinza nemvura; asi pakati penyu, pane wamusingaziwi, 27 Ndiye unouya shure kwangu, asi uri kumber kwangu wandisina kufanira kuti nditsunhure rukanda rweshangu dzake. 28 Zwinhu izwi zwakaiyika paBetania, mhiri kweJoridani, kwaiBhabhatidza Johani. 29 Awamangwanani wakaona Johani Jesu achiuya kwari, akati: Tarisai Gwayana raMwari , rinobvisa zwiwi zwenyika. 30 Uyu ndiye uya wandaitaura kuti: shure kwangu kunouya wakawapo mberikwangu; nekuti wakandi tangira ini. 31 Ini ndangandisingamuziwi; asi ndizwo zwandakauira ndichibhabhatidza nemvura, kuti awoneswe kuwaIsraeri. 32 Zwino Johani akapupura, achiti: Ndakawona Mweya uchibuda Kudeka senjiwa ikamhara pamusoro pake. 33 Ini ndakanga ndisingamuziwi, asi uya akandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye akati: Uyo waunowona Mweya, uchidzika pamusoro pake, ndiye unobhabhatidza neMweya mutswene. 34 Ini ndakaona, ndikapupura kuti, uyu ndiye Mwanakomana waMwari. 35 Awa mangwanani Johani, wanga wakamira newadzidziwake wawiri. 36 Akatarisisa Jesu, akati: tarisai Gwaiana raMwari. 37 Iwo wadzidzi wawiri wakamunzwa achitaura, uye wakatewera Jesu. 38 Zwino Jesu, akatendeuka, akawawona achitewera, akati kwari: Munotswakeiko? iwo akati: Rabi, ndokuti, mudzidzisi,) zwichichandurwa munogarepi? 39 akati: Wuyai, muwone, wakawona kwaigara, wakagara naye zuwa iroro; yanga iri nguwa inenge yegumi. 40 Mumwe waiwawo wawiri wanga wadzwa Johani wakamutewera waiwa Andreasi hama yaSimoni Petro. 41 Iye akatanga kuwona Simoni, mukoma wake akati kwari: tawona Mesiasi zwikadudzirwa zwinorewa Kristu. 42 akamuisa kuna Jesu. Jesu akamutarisa, akati: Ndiwe Simoni, Mwanakomana waJona; iye uchadaidzwa Kefasi kana zwichishadurwa zwinorewa Dombo). 43 Awa mangwanani Jesu akada kuenda Garireya, akawona Firipo, akati: Nditewere. 44 Zwino Firipo waiwa wekuBetsaida, guta raAndreasi naPetro. 45 Firipo akawona Natanaeri, akati: Tamuwona Iye wakanyorwa zwake naMosesi pamurairo newaPorofita: Iye Jesu Mwanakomana waJosefa wenazareta. 46 Natanaeri akati kwari: Kune chinhu chakanaka chinobva kuNazareta here Firipo akati: Uya uwone. 47 Jesu akawona Natanaeri achiuya kwari akamuti: Tarisai muIsraeri wechokwadi, usina kunyengera maari! 48 Natanieri akati: Makandiziwira kupi? Jesu amudaira achiti: Firipo asati akudaidza, uri pasi pemuwone, inini ndakakuwona. 49 Natanieri akadaira, achiti:Rabhi,ndimi Mwanakomana waMwari, uye ndimi Ishe weIsraeri. 50 Jesu akadaira, akati: Nekuti ndakati: Ndakakuwona pasi pemuwonde here? iwe uchaona zwikuru kudarika izwi. 51 Akamuti: Zwirokwazwo, zwirokwazwo ndinoti kwamuri, kubva zwino muchaona Kudenga kwakazarurwa, Nengirozi dzaMwari dzichikwira dzichidzika pamusoro peMwanakomana weMunhu.