Chitsauko 5
1
Naizvozvo iwai wateweri waMwari, sawana wanodikanwa,
2
uye murarame upenyu werudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa, nekuda kwedu sechipiriso chinonhuhwira uye sechibayiro kuna Mwari.
3
Asi pakati penyu apafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nekuti izvi azvina kunaka kuwanhu watswene.
4
Uye apafaniri kuwa nekufunga kusina maturo, kutaura kweupenzi kana kunemera,izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuwonga.
5
Nekuti naizvozvi munogona kuwa nechokwadi kuti akuna mhombwe, kana munhu ane tsvina, kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo waKristu newaMwari.
6
Ngakurege kuwa nemunhu anekunyengerai nemashoko asina maturo. nekuti nekuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro peawo wasingateereri.
7
Naizvozvo musashamwaridzana nawo.
8
Nekuti kare maiwa rima, asi zvino mawa chiedza muna She. Garai sawana wechiedza,
9
(nekuti chibereko chechiedza chine kunaka kwose, kururama nechokwadi),
10
uye muziwe zvinofadza Ishe.
11
Musayanana nemabasa erima, asi zviri nani kuafumura,
12
Nekuti zvinonyadza kurewa zvinoitwa muchiwande nawana wasingateereri.
13
Asi zvinhu zvese, zvinoratidzwa pachena nechiedza, zvinobva zvaonekwa.
14
Nekuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndosaka zvichinzi: "Muka, iwe muwati, muka kubva kuwakafa, Kristu achavhenekera pauri”.
15
Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete sewasina kuchenjera, asi sewakachenjera,
16
muchishandisa mikana yose, nekuti mazuwa akaipa.
17
Naizvozvo musawa mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndekupi.
18
Musadhakwa newaini, nekuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe neMweya.
19
Mutaure kuno mumwe nemumwe wenyu namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzemweya, Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumoyo yenyu.
20
Muchiwonga Mwari Baba pazvinhu zvese, muzita raIshe wedu Jesu Kristu;
21
Muzviise pasi pemumwe nemumwe wenyu muchitya Kristu.
22
Wakadzi, muzviise pasi pawarume wenyu sezvamunoita kuna She.
23
Nekuti murume musoro wemukadzi, seKristu ari musoro wekereke, zvaari Iye muponesi wemumiri.
24
Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo wakadzi wanofanira kuzviisa pasi pewarume wawo pazvinhu zvese.
25
Warume, idai wakadzi wenyu, seKristu akada kereke uye akazvipa nekuda kwayo.
26
Kuti aiite tswene, akaishambidza nekushambidza kwemvura neshoko,
27
uye kuti ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina mutswene kana kuunyana, kana chipi zvacho chainopomerwa.
28
Nnzira imwe cheteyo, Warume wanofanira kuda wakadzi wawo semiwiri yawo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake.
29
Pena izvi zvese, hakuna munhu angawenga muwiri wake. asi anopa zvekuyha uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke,
30
nekuti tiri nhengo dzemuwiri wake.
31
“Nekuda kweizvozvi, murume achasiya baba namai wake uye asanganiswe nemukadzi, uye wawiri wachawa nyama imwe chete.”
32
Ichi ndicho chakawanzika chakadzika, asi ndiri kutaura pamusoro paKristu nekereke.
33
Kunyange zvakadaro mumwe nemumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.