Chitsauko 6
1
Wana, teererai wabereki wenyu muna She, nekuti ndizvo zvakanaka.
2
“Kudza baba namai wako” ndiwo murayiro wekutanga une chipikirwa,
3
“kuti uitirwe zvakanaka, uye kuti ugare upenyu urefu panyika”.
4
Imi, wanababa, regai kutsamwisa wana wenyu. asi, muwarere mukurowedza nekurayira kwaShe. Waranda newanatenzi
5
Waranda, teererai watenzi wenyu wepanyika neruremekedzo uye nekutya, uye nemoyo wakatendeka. sekuteerera kwamunoita Kristu.
6
Musangowateerera kuti wakufarirei pawanenge wachikuonai chete, asi sawaranda waKristu. Wanoita kuda kwaMwari zvichibva pamwoyo yawo.
7
Mushande nemoyo wese, sekunge munoshandira Ishe, kwete munhu.
8
nekuti munoziwa kuti Ishe achapa mubayiro mumwe nemumwe pane zvose zvakanaka zvaanoita, angawa muranda kana akasununguka.
9
Uye imi, watenzi, mubate waranda wenyu nenzira imwe cheteyo, Musawatyisa. sezvo muchiziwa kuti Tenzi wawo newenyu ari kudenga, aana rusaruro maari Nhumbi dzokurwa nadzo dzaMwari
10
Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru.
11
Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori.
12
Nekuti atirwi nenyama kana neropa, asi nawabati, newanesimba, nemasimba enyika ino yerima, uye nemasimba emweya yakaipa ari muchadenga.
13
Naizvozvo, pfekai nhumbi dzese dzekurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuwa rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mukunge maita zvinhu zvese, kuti mumire.
14
Zvino, mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuwa chekururama.
15
uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rerugare.
16
Pamusoro peizvi zvese, torai nhoo yekutenda, iyo yamunogona kudzima nayo misewe inopfuta yewakaipa.
17
Torai nguwani yeruponeso nemunondo wemweya, iro shoko raMwari.
18
Uye munamate muMweya nguwa dzose, nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro, Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera watswene, zuwa nezuwa.
19
Munyengeterere neniwo, kuti pese pandinoshama muromo wangu.
ndipiwe mashoko kuitira kuti ndigoziwisa chakawanzika chevhangeri ndisingatyi.
20
iro vhangeri randiri nhume yakasungwa nengetani, Nyengeterai kuti ndiritaure ndisingatyi, sezvandinofanira.
21
Tikikasi, hama inodikanwa nemuranda akatendeka muna She, achakutaurirai zvinhu zvese, kuitira kuti nemiwo muziwe zvandiri nezvandinoita.
22
Ndiri kumutuma kwamuri nekuda kwechinangwa ichi, kuti muziwe zvatiri, uye kuti anyaradze moyo yenyu.
23
Rugare kuhama, nerudo nekutenda zvinobva kuna Mwari, Baba waIshe Jesu Kristu.
24
Nyasha kuna woose wanoda Ishe wedu Jesu Kristu nerudo rusingaperi.