Chitsauko 4
1
Sezvo ndiri musungwa waShe, zvino ndinokukurudzirai kuti murarame upenyu wakafanira kudanwa kwamakagamuchira,
2
raramai upenyu wekuzvininipisa, netsitsi uye mupfawe, muite moyo murefu murudo.
3
Mushingaire kuchengeta humwe weMweya kubudikidza nechisungo cherugare.
4
Pano mwiri mumwe chete neMweya mumwe chete, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa.
5
Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rimwe,
6
Mwari mumwe naBaba wawose. Ari pamusoro pawose uye kubudikidza naose, uye muna wose.
7
Asi kuno mumwe nemumwe wedu kwakapiwa nyasha sekugowerwa kwadzakaitwa naKristu.
8
Ndosaka zvichinzi: “Paakakwira kudenga, akatungamirira dungwe renhapwa reKarvhari, uye akapa zvipo kuwanhu wake.”
9
Zvinorewei kuti “akakwira”, asi kuti akaburukawo kumatiwi ari pasi penyika?
10
Iye akaburuka ndiye chaiye akakwira kumusoro-soro kupfuura kudenga denga, kuitira kuti azadze pasi pose.
11
Ndiye akapa wamwe kuti wawe wapostori, wamwe kuti wawe waprofita, wamwe kuti wawe wevhangeri, uye wamwe kuti wawe wafudzi newafundisi.
12
Kuti wagadzirire wanhu wake watswene pabasa rekushumira, kuitira kuti muwiri waKristu uwakwe.
13
kudzamara isu tose tasvika paumwe mukutenda uye nemukuziwa Mwanakomana waMwari nepamunhu akura, asvika pachiyero chese chekuzara kwaKristu.
14
Ipapo hatingazorambi tiri wacheche, wanosundirwa shure nemberi wachipeperetswa kuno neuko nemhepo ipi zvayo yedzidziso, uye nekunyengera neusvinu wawanhu mukutsausa kwekunyengera kwawo.
15
Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvese maari, Iye musoro, iye Kristu.
16
Kristu anowaka muwiri wose, wakasanganiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nenhengo dzose dzichiusimbisa unokura, uye, unozviwaka murudo, sezvo mutezo mumwe nemumwe uchiita basa rawo, Kurarama sawana wechiedza.
17
Saka ndinokuudzai izvi, uye murambire pazviri muna She: kuti hamufaniri kuramba muchirarama sewaHedheni, muupenzi wendangariro dzawo.
18
mukunzwisisa kwawo uye wakaparadzaniswa neupenyu waMwari nekuda kwekusaziva kuri mawari nekuda kweukukutu wemwoyo yawo.
19
Wasisina nyadzi, wakasvika kuutera kuitira kuti wagoita mabasa ose etsvina, nekuchiwa zvakawanda.
20
Kunyange zvakadaro imi hamuna kuziwa Kristu saizvozvo.
21
Zvirokwazvo makanzwa nezvake uye makadzidziswa maari maererano nechokwadi chiri muna Jesu.
22
Makadzidziswa, maererano namafambiro enyu ekare, kuti mubvise munhu wenyu wekare. Anoodzwa nekuchiwa kwokunyengera.
23
kuti muitwe watswa mukufunga kwendangariro dzenyu,
24
uye mufuke munhu mutswa akasikwa kuti afanane naMwari, mukururama kwechokwadi neutswene.
25
Naizvozvo mumwe nemumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kune muwakidzani wake, nekuti isu tose tiri nhengo dzemuwiri mumwe.
26
Mukutsamwa kwenyu, musatadza. Musarega zuwa richiwira muchakangotsamwa.
27
Musapa dhiabhori mukana.
28
Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve; asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira nemaoko ake, kuti awe nechaangagowera awo wanoshayiwa.
29
Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuwaka wamwe maererano nezvawanoshayiwa, kuti zvigobatsira awo wanozwa.
30
Uye musachemedza Mweya Mutswene waMwari, uyo wakaitwa chisimbiso chenyu pazuwa rekudzikinurwa.
31
Bvisai shungu dzose, hasha nekutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nekuwenga kwose.
32
Muitirane moyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nemumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.