Chitsauko 3
1
Nekuda kwaizvozvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nekuda kwenyu imi, weDzimwe Ndudzi.
2
Zvirokwazvo makazwa zvekugowerwa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa, kwandiri nekuda kwenyu,
3
Kuti chakawanzika chakaziwiswa kwandiri. Nekuzarurirwa, sezvandakatonyora muchidimbu.
4
Mukuwerenga izvi, ipapo muchagona kunzwisisa maonero andinoita chakawanzika chaKristu.
5
Chisina kuziwiswa kuwanhu kana mamwe marudzi, sezvachakaratidzwa zvino neMweya kuwapostori nawaprofita watswene waMwari.
6
Chakawanzika ichi ndechekuti, kubudikidza nevhangeri, weDzimwe Ndudzi wawa waryi wenhaka pamwe chete newaIsraeri uye wawa nhengo pamwe chete dzomuwiri mumwe chete, wagowani pamwe chete muchiwimbiso chiri muna Kristu Jesu.
7
Naizvozvo, Ndakawa muranda wevhangeri iri nechipo chenyasha dzaMwari, dzakapiwa kwandiri kubudikidza nekushanda kwesimba Rake.
8
Kunyange ndiri muduku pawanhu wose, Mwari wakandipa chipo ichi, kuti ndiparidze vhangeri kune weDzimwe Ndudzi pfuma yaKristu isinganzwisisiki.
9
Chipo ichi ndechekuti ndiratidze pachena kuwanhu wose kugowerwa kwechakawanzika icho panguwa yakare chakanga chakawigwa muna Mwari, iye akasika zvinhu zvose
10
zvaaida zvino, ndezvokuti, kubudikidza nekereke, uchenjeri waMwari ukuru uziwiswe kuwatongi nawane simba wari muchadenga.
11
maererano newawariro yake isingaperi yaakakwanisa muna Kristu Jesu, Ishe wedu,
12
uye kubudikidza nekutenda kwaari, tinogona kusvika kuna Mwari takasununguka uye tisingatyi.
13
Naizvozvo ndinokukumbirai, kuti murege kuora moyo nekuda kwamatambudziko angu nekuda kwenyu, anowa kukudzwa kwenyu.
14
Nekuda kwaizvozvi, ndinofugama pamberi paBaba,
15
nekuti mhuri yawo yose iri kudenga nepanyika inowana zita rayo kubva kwawari.
16
Ndinonamata kuti akupei, kubva papfuma yekubwinya kwawo, wakusimbisei nesimba, neMweya wawo, mumunhu wemukati,
17
kuti Kristu agare mumoyo yenyu nekutenda, Uye ndinonyengetera kuti imi, muwe nemidzi uye musimbiswe murudo.
18
muwe nesimba, pamwe chete newatswene wose, kuti mubate kuti kupamhamha, nekureba uye kukwirira, nekudzika kwerudo raKristu kwakadii,
19
uye muziwe rudo ir muna Kristu, rinopfuura ruziwo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari.
20
Zvino, iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvese zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu,
21
ngaawe nekubwinya mukereke uye nemuna Kristu Jesu, kumarudzi nemarudzi, nekusingaperi-peri. Ameni.