Chitsauko 2

1 Kana muri imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzviwi, 2 izvo zvamaigara mazviri pamaitewera nzira dzenyika ino uye nedzomutongi weushe wemuchadenga. Iwo mweya unoshanda zvino muna awo wasingateereri. 3 Isu tose taigara pakati pawo wasingatendi pane imwe nguwa, tichikudza kuchiwa kwenyama yedu, yezviwi uye tichitewera zvido zvedu nezvataifunga. Sezvakangoita wamwe wose pakuzvarwa kwedu takanga tiri wana wekutsamwirwa. 4 Asi nekuda kwerudo rake rikuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni. 5 Akatiita wapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha. 6 Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa kudenga muna Kristu Jesu, 7 kuitira kuti, munguwa dzinouya, aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake zvichiratidzwa muunyoro wake kwatiri muna Kristu Jesu. 8 Nekuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nekutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, 9 kwete nemabasa, kuti parege kuwa nemunhu anozvikudza. 10 Nekuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite. Tiri wamwe chete muna Kristu 11 Naizvozvo rangarirai, kuti kare imi weDzimwe Ndudzi pakuzvarwa, uye muchinzi wasina kudzingiswa naawo waizviti “wakadzingiswa” uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu, 12 rangarirai kuti panguwa iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu. Musingawerengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri watorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika. 13 Asi zvino, muna Kristu Jesu, imi, makanga muri kure kare makaswededzwa pedyo naMwari kubudikidza neropa raKristu. 14 Nekuti iye pachake ndiye rugare redu. Akaita kuti wawiri wawe chinhu chimwe uye akaparadza mukaha iro ruswingo rekuwengana raiwaparadzanisa. 15 Nekuparadza munyama yake murayiro, mitemo yacho pamwe chete uye nezvakatemwa. Wawariro yake yakanga iri yekusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pawawiri, naizvozvo aite rugare, 16 uye mumuwiri mumwe chete uyu, Kristu ayananise wawiri awa kuna Mwari kubudikidza nemuchinjikwa, wakaparadza kuwengana kwawo. 17 Jeso akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna awo wakanga wari paduze. 18 Nekuti kubudikidza naJesu, isu tose tinosvika kuna Baba neMweya mumwe chete. 19 Saka zvino, hamuchisiri watorwa kana waeni, asi wagari pamwe chete newanhu waMwari uye mawa weimba yaMwari. 20 Makawakwa panheyo dzawapostori newaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona. 21 Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti iwe temberi tswene muna She. 22 Uye maari nemiwo makawakwa pamwe chete kuti muwe ugaro waMwari muMweya.