Chitsauko 5

1 Isu takazwa kuti pakati penyu parikutwa ufewe, ufewe unotenderwa newahedeni. Tanzwa kuti umwe wenyu arikuwata nemudzimai wababa wake. 2 Munozwitutumadza imi! kunze kweizwi, musafaniri yenyu kuchema? ita izwi anofanira kubviswa pakati penyu! 3 Nekuti, kunyagwe ndisipo panyama ndiripo pamweya, ndakapo tonga uya akaita izwi, ndai ndiripo. 4 Mukawugana ne zita raJesu Kristu wedu, uye mweya wangu wakanga ndiripo nesimba raIshe Jesu Kristu wedu, 5 Ndapaka Murume uyo kuna Satani kuti aparadzwe nyama, naizwozwo mweya wake uchaponeswa muzuwa raIshe. 6 Kuzwikudza kwenyu akuna kunaka. Hamusiziwe here Kuti mbiriso ikachomeka inowirasa mukanyiwa wose? 7 Chenesai mbiriso yekare kuti mugowe mukanyiwa itsva shisina mbiriso, sezwamuri shaizwo, nekuti Kristu gwayana yedu ye pasika, akabairwa. 8 Naizwozwo, ngatiitei mutambo, kwete ne mbiriso yekare, mbiriso yepfugwa dzakaipa ndezwakaipa, asi nechigwa shisina mbiriso nekururama nezweshokwandi. 9 Ndakakunyorerai tsamba yangu kuti murege kufanana nemhombwe. 10 Adisi kurewa wanhu wenyika ino wanoita upombwe, kana kuti wanokara mare, namakororo, kana wanonamata zwifananidzo, kuti uwe kure nayo unofanira kubuda munyika. 11 Asi zwino ndirikukunyorerai kuti musabatana newaya wanonzi hama, asi arikurarama muwopobwe, kana kuti anokara mare, kana kuti wanonamata zwimufananidzo, kana gororo kana kuti chidhakwa kana mutuki. Munhu akadaro musayha naye. 12 Nekuti ibasa rangu here rekutonga waya warikunze kwe chechi? kunze kweizwi, musatonge waya warimukati mechechi? 13 Asi Mwari anotonga waya warikunze kwechechi: ''bvisai wanhu wakaipa pakati penyu''.