CHITSAUKO 14

1 Tererai Rudo, shingirirai muZvipo zvemweya, Asi zvikuru kuti muporofite; 2 nekuti uya unotaura nendimi hatauri kuwanhu, asi kunaMwari. Uye akuna anodzwisisa; asi nemweya unotaura zvakawanda. 3 Asi uya unoporofita unotaura kuwanhu, kuti wasimbiswe nekurairwa, nekunyaradzwa. 4 Uya unotaura nendimi, unosimbisa pachezvake, asi unoporofita unosimbisa nkerenke. 5 Ndinoda kuti imi mose mutaure nendimi; asi chikuru ndinoda kuti muporofite. Uya unoporofita mukuru kune wanotaura nendimi asi kana achidudzira kuti kereke isimbiswe. 6 Asi hama, dzangu, kana ndikaswika kwamuri ndichitaura nendimi, ndinokubatsirai? Chinyi, kana ndisingazarurirwi! kana nekuzia, nekuporofita kana kudzidzisa. 7 Kunyangwe zvinhu zvisina wupenyu zvinorira, kana irinyere, kana rundibwa kana zvisingasiani pakurira kwazvo zvingaziwikanwa seiko, zvinoridzwa nenyere kana rudimbwa? 8 Kana wamanda isingariri zvikuru, ndiani ungazvigadzira kondorwa? 9 Zvakadarowo nemiwo: Kana musingatauri nerurimi rinonatsakuziwikanwa, zvinotaurwa zvichizikana seiko? Nekuti Imi muchataura henyu asi apana anokuswisisai. 10 Pasina kufungidzira, kune mitauro yakawanda yakasiana panyika, akuna, chinhu chisina idzwiracho. 11 Zvino kana, ndisingaziwi kuti rinotaurei, ini ndichawa semunhu werumwe mutauro, kune unotaura uchawa semunhu werimwe rurimi. 12 Saizvozvo imi zvamunoshingirira, muzvinhu zvemweya tsakai kusimbisa kereke. 13 Zwino, unotaura nendimi unofanira kunata kuti aturikire. 14 Nekuti kana ndichinamata nendimi, Mweya wangu unonamata asi, pfungwa kwangu kunoshaiwa zvibereko. 15 Zvino chiko? ndichanamata nemweya wangu, ndichanamata nekufunga kwangu. Ndichaimba nemweya wangu, uye ndichaimba nekufunga kwanguwo. 16 Zvikasaita kudaro, kana iwewe uchinamata Mwari nemweya, ko uyu akagara pachigaro chawasina kudzidza, uchaita ''ameni'' seiko pakunamata kwako zvasingaziwi chaunotaura iwe? 17 Nekuti iwewe unonamata zvakanaka, asi wamwe wanhu, hawasimbiswi. 18 Ini ndinotenda Mwari nekutaura nendimi dzakawanda kudarika imi mwese, 19 Asi pakereke ndinoda zvikurr kutaura mashoko mashoma nekufunga kwangu, kuti ndidzidzise, wamwe, kutaura nendimi, mashoko anezvuru zvinegumi. 20 Hama dzangu, musaita wana, pakuziya, asi muwe wacheche; pazvinhu zvakaipa, asi pakufunga iwai wakuru. 21 Pamutemo zvakanyorwa pachiti: ''ndichataura kuwanhu awa, ndichitaura newanhu wedzimwe ndimi nemimwe miromo; kunyangwe zvakadaro asi nekudaro, Awana, Kundinzwa'', ndizvo zvinotaura Ishe. 22 Zvino ndimi adzisi chiratidzo kune wanotwenda, asi kune wasingatendi; Asi chiporofita chiratidzo, kwete kune wasiri waKristu; asi kune waKristu. 23 Zwino kana kereke yese yaungana, wese wakataura nendimi, wasina kufunda, kana wasina kutenda, wakapinda hawati munopenga here? 24 Asi kana wese waporofita mumwe usingatendi kana mumwe wekunze, usina kudzidza, akapinda uchatendeswa newese uchatongwa, nezvese zvataurirwa. 25 Nenzira iyi zvakawadzika zviri mumuyo wake zvicharatidzwa; naizvozvo uchawira pasi nechiso chake, uchinamata Ishe, nekupupura kuti Mwari uri pakati penyu. 26 Tichatiyiko, hama dzangu? Kana muchiungana mumwe nemumwe, unepisarema, unechekufundisa, unechakazarurirwa, unerimwe rurimi, unechekuturikira, ngazviitwe zvese kuti musimbiswe. 27 Kana munhu achitaura, nerimwe rurimi, ngazviitwe newawiri kana kuti wasapfure watatu, wachitaurirana wachidudzira. 28 Kana pasina wanodudzira , mumwe nemumwe ngarambe akanyarara mukereke. siayai ataure enga iye nekuna Mwari. 29 Kuti waporofita wawiri kana watatu, wataure zvinodzwa wamwe wadudzire. 30 Asi, kuzarurirwa kumwe kupapiwa wakagara pasi mukereke, ngarambe akanyarara nezvirikutaurwa. 31 Nekuti mumwe nemumwe unongona kuporofita, paimwi mese, kuti wese wadzidze wese wasimbiswe. 32 Mweya yewaporofita inozvisa pasi wewaporofita. 33 Nekuti Mwari haasi Mwari wekupesanisana, asi werugare. sepakereke yewaswene. 34 Wakadzi wanofanira kunyarara mumakereke, nekuti haatenderwi kutaura. Kunze kwazvo, wanofanira kuzviisa pasi, sekutaura kunoita mutemo. 35 kana paine zvaanoda kubvunza iwo, ngabvunze warume wawo, kumba. Nekuti zvinonyadzisa kuti ataure mukereke. 36 Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here. kana kuti rabva kwamuri mwenga here? 37 Kana munhu achifunga kuita muporofita, kana kuti wemweya. Natende kuti murairo waIshe wandakakunyorerai. 38 Asi kana munhu akasawaziwa, izvi azvingaziwikani. 39 Zwino, hama, shingirirai kuporofuita, uye musarambidza mumwe kutaura nendimi. 40 Asi zvese ngazviitwe nenzira yakafanira