1 Ndinoda kuti muziye, hama dzangu, madzibaba wedu wese wanga wari pasi pemakore, wese wakambhira gungwa. 2 Wese wakabhabhatidzwa na Mozisi mumakore nemugungwa, 3 Wese wakayha chikafu chimwecho chemweya, 4 Wese wakamwa zwekumwa padombo remweya. Rakawatewera dhombo iroro rakawatewera, ranga riri Kristu. 5 Nekudaro, Mwari hana kufara newakawanda wawo, nekuti wakaparadzwa murenje. 6 Zwinu izwi zwaiwa zwiratidzo kwatiri, kuti isu tisaite zwakashata sezwaita iwo. 7 Musanamata zwifananidzo, sewamwe wawo. Sezwakanyorwa: ''Wanhu wakagara kuti wakayhe nekumwa, wakasimuka kuti watambe''. 8 Zwino hatiiti upombwe, sewamwe wawo, wakaita wupomwe, wakafa nezuwarimwe, zwiuru 9 Ngatirengei kuedzwa Kristu, sekuedza sewamwe wawo, wakamuedza , wakapadzwa nenyoka. 10 Uye musagununguna, sewamwe wawo, wakaparadzwa nengirozi yekuparadza. 11 Zwinhu izwi zwakaitika kwaari semufananidzo kwatiri. Zvakanyorwa kuti tiyewerwe isusu, taswikirwa nekuguma kwenyika. 12 Zwino unoti ndinomira ngangwarire kuti asadhone. 13 Akuna muedzo wakakubatai imi, asi wewanhu wese. Asi Mwari akatendeka. Hangakutenderi kuti muedzwe kudarika pamunokwanisa napo; Asi pamwechete nemuedzo Iye uchakupai iye uchakupai nzira yekubuda nayo, muwe nesimba naiyo. 14 Zwino, hama dzangu, tizai kunamata zwifananidzo. 15 Ini ndinokutaurirai sekune wakangwara, mungai zwandinotaura. 16 Mukombe weropafadzo, watinoropafadza nawo akusi kusangana neRopa raKristu here? Chingwa chatinogura hakusi, kusangana nemwriri waKristu 17 here?Zvechiri chingwa chimwe chega, isu takawanda tiri mweri mumwe chete. Isu tese tinogona pachingwa chimwe. 18 Tarisai wanhu weIsraeri: Waya wanoyha zvimbairo awagowani neAritari here? 19 Zwino ndirikutaurei zwino? Chabairowa chifananidzo chinhu here? Kana chifananidzo here? 20 Kwete asi ini, ndinoti izwo zwinobairwa newahedeni, hawazwibairwi naMwari. Asi madimoni; Saka andidi kuti mubatane nemadimoni! 21 Imi hamufaniri kumwa mukobe waIshe nemadimoni. 22 Hino tinoda kumutsa godo raIshe here? Isu tinomukunda, nesimba here? 23 Ndakatenderwa zvinhu zvese'', azvina maturo. ''Ndakatenderwa zvinhu zvese azvindisimbisi. 24 Munhu ngarengere kuzvitswakirazve, asi zvemumwe. 25 Iyhai zvese zvinotengeswa kumusika, musingabvunzi chinhu, pamusoro pehana. 26 Zwino nyika nekuzara kwaiyo ndezva Jeova. 27 Kana munhu asingatendi mukokei kuti ayhe zekuyha, iyhai zvese, zvakagadzirirwa pamberi penyu, apana anobvunza chinhu pamusoro pehana. 28 Asi kana munhu akati: '' Cheekuyha chakabairwa badarai,'' musayha. Nekuda kwaiye wakakupangidzirai uye nekuda kwehana. 29 Ini anditauri hana yako asi hana yeumwe munhu. Nekuti kusununguka kwangu kunotongerwei nehananyeumwe? 30 Kana ini ndichiyha ndinotukirweiko, nekuda kwechinhu chandinopa rumbidzo pamusoro pacho? 31 Naizvozvo kana muchiyha kana kumwa, kana muchita chipi nechipi, itai zvese kuti Mwari akudzwe. 32 Zvino musagumbhusa waJuda, kana waGiriki, kana nKerenke yaMwari. 33 Seni ndinofadza wanhu wese pazwinhu zvese, ndisingatswaki, zvingandibatsira inini, zvinobatsira wanhu wakawanda, kuti waponeswe