Ndima 5

1 Usatuka murume achembera, asi umuraire sababa, nevadoko sevanukuna. 2 Nevakadzi vakuru semadzimai, nevadoko sehanzvadzi nokuchena kwemoyo kweshe. 3 Kudza chirikadzi, dziri chirikadzi chaidzo. 4 Asi kana chirikadzi inevana kana vazukuru, ngavatange vona kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari. 5 Hino kana iri chirikadzi chaiyo, yakasiyiwa iri yega, ndiyo inovimba naMwari, inogara ichikumbira nokunyengetera usiku nemasikati. 6 Asi yona inokarira zvinofadza yakafa, nhange ichiri mpenyu. 7 Raira vo zviro izvi, kuti varegere kuva nechavangapomerwa. 8 Asi kana munhu asingachengeti vekwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi. 9 Chirikadzi ngairegere kunyorwa zita, asi kana yasvika makore makumi matanhatu, yaiva mukadzi womurume mumwe chete. 10 Inorumbidzwa pamusoro pemabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaifarira vamweni, kana yaishambidza tsoka dzevatsvene, kana yaibatsira vari munjodzi, kana yaishingairira mabasa eshe akanaka. 11 Asi kune chirikadzi duku, urambe kuwana nadzo, nokuti kana dzopesana naKristu, dzotsvaka kuwanikwa. 12 Zwakadaro, dzinobva nemhosva, nokuti dzaramba kutenda kokutanga. 13 uye zve, dzinodzidza kuva novusimbe dzichipota nedzimba; hadzizi simbe bedzi, asi vaiti vo vemakuhwa, dzisingaregeri zvavamweni, dzichireketa zvisakafanira. 14 Nazvo, ndinoda kuti chirikadzi doko dziwanikwe, dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo, kuti dziregere kupa muvengi nzira yokupomera nayo. 15 Nokuti vamwe vatotsauka vechiteera Satani. 16 Kana murume kana mukadzi mutendi anechirikadzi, ngadzibatsire, kereke irege kuremedzwa kuti igobatsira chirikadzi chaidzo. 17 7 Vakuru vanobata kereke zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nekukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa. 18 Nokuti Rugwaro runoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; uye zve: Mubati wakafanirwa nomubairo wake. 19 Usangotenda mhaka inopomerwa mukuru, asi kana ichibva pamuromo yezvapupu zviviri kana zvitatu. 20 Vanotadza uvarange pamberi peveshe, kuti vamweni vagotka. 21 Ndinokuraira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, nevatumwa vakaketwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingatongi usati wambozwa kwazvo, kana kuita chiro uchitsaura vanhu. 22 Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pemunhu, kana kusangana pazvichaishi zvevamweni; uzvichengete kuti uve wakachena. 23 Usaramba wechingomwa mvura bedzi, asi umwe waini shoma nokuda kemudumbu mako noutera wako wujinji. 24 Zvishaishi zvavamwe vanhu zvinovonekwa pachena, zvinotungamirira kutongwa kwavo vamwe zve vanoteverwa nazvo. 25 Saizvo kunamabasa akanaka anovonekwa pachena, neasina kudaro haangavazwi.