Ndima 6

1 Veshe vari varanda pasi pejoko, ngavati vatenzi vavo vanofanirwa nekukudzwa kweshe, kuti zita raMwari nedzidziso zviregere kuhungurwa. 2 Avo vana vatenzi vanotenda, ngavaregere kuvazvidza zvedziri hama, asi zvikuru ngavavabatire, zvavari vatendi nevanodikanwa vanobatsirwa nekubata kwavo kwakanaka. Dzidzisa zvinhu izvi, uzviraire. 3 Kana kunomunhu unodzidzisa imwe dzidziso, asingabvumiri mashoko akatendeka, mashoko aShe wedu, Jesu Kristu, nedzidziso inofambirana nekunamata Mwari, 4 unozvikudza, asingazii chiro, asi unokarira mubvunzo nenharo dzinomusa godo, negakava, nekutuka, nekufungidzira kwakaipa, 5 nekukakavadzana kusingaperi kwevanhu vanomurangariro wakapodzwa, vakatorerwa chokwadi, vechiti kunamata Mwari ndizvo zvinopfumisa. 6 Asi kunamata Mwari pamwechete nekugutsikana nezvatinazvo ndizvo zvinopfumisa kwazvo. 7 Nokuti atina kuuya nechiropanyika, hatigonivo kubuda tine chiro. 8 Kunze kwazvo, kana tine zvokurha nezvokufuka, tichatenda nazvo. 9 Asi vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuedzwa nemumusungo, nemukuchiva keupenzi kuzhinji kunokuadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nekurashwa. 10 Nokuti kuda mari ndiko midzi wezvakaipa zveshe; vamweni vakati vechiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu jinji. 11 Asi iwewe, munhu waMwari, tiza zviro izvi. Uteere kunasa nekunamata Mwari, nekutenda, nerudo, nokutsungirira, nounyoro. 12 Urwe kurwa kwakanaka kekutenda, ubatisise upenyu usingaperi, wawakadanirwa kwabwuri, ukapupura kupupura kwakanaka pamberi pe zvapupu zvijinji. 13 Ndinokuraira pamberi paMwari, unopa zviro zveshe upenyu wazvo, nepamberi paKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato; 14 kuti uchengete murairo, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuonekwa kwaShe wedu, Jesu Kristu; 15 kwaachazoratidza panguva dzake,ena ega wakaropafadzwa newamasimbaose, Mambo wamadzimambo, Ishe wamadzishe. 16 Ena ega usingafi, unogara pachiedza chisingakoni kuti munhu akwedere kwachiri; usina kumboonekwa nemunhu, uye usingakoni kuonekwa; kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni. 17 Reketera vafumi panyika apa, kuti varegere kuzvikudza, kana kuvimba nepfuma isingagari, asi naMwari, unotipa zveshe echiwanza, kuti tifare nazvo. 18 Kuti vaite zvakanaka, vave vapfumi pamabasa akanaka, vafarire kupa vamwe, nokugovana. 19 Vazvirongedzere nheyo dzakanaka dzenguva inouya, kuti vabatisise upenyu chaiwo. 20 Timotio, chengeta icho chewakapiwa, ufuratire kutaura kusinehanya naMwari nokuramba kunobva pazivo inonzi zivo. Dziri nhema hadzo. 21 Iyo yakapupurwa nevamweni, vakazorashika pakutenda. Nyasha ngadzive nemwi.