Ndima 4

1 Mweya unoreketa pachena, kuti panguva dzinouya vamweni vachatsauka pakutenda, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemweya yakaipa, 2 vechinyengerwa nevanonyepa, vakapiswa pahana dzavo. 3 Vona vanorambidza vanhu kuwanana, nokuraira kuti zvimwe zvekurha zviregwe, zvakasikwa naMwari, kuti zvigamuchirwe nokubonga nevanotenda, vanoziya chokwadi. 4 Nokuti zveshe zvakasikwa naMwari zvakanaka, hakunachiro chingafanira kurashkwa, kana chechigamuchirwa nekubonga, 5 nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera. 6 Kana uchiyeudzira hama zviro izvi, uchava mushumiri wakanaka waKristu Jesu, wakarerwa nemashoko ekutenda nedzidziso yakanaka, yawakateera nemoyo weshe. 7 Asi urambe ngano dzisine hanya naMwari nedzechembere. Uzvirovedze kunamata Mwari. 8 Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako, asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zveshe, zvakune chipikirwa cheupenyu wazvino neunouya. 9 Ishoko rechokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo. 10 Nokuti ndizvo zvatinotambudzikira nekurwira, nokuti tariro yedu iri kunaMwari mupenyu, Muponesi wevanhu veshe, zvikuru wavanotenda. 11 Raira nokudzidzisa zviro izvi. 12 Munhu ngaarege kuvapo unozvidza vadoko wako, asi uitire vanotenda makwara, pashoko nepamafambire, neparudo, nepaMweya nepakutenda, nepakuchena kwemoyo. 13 Shingaira pakurava, nepakuraira, nepakudzidzisa, kusvikira ndo uya. 14 Usarega kuchengeta chipiwa chiri mauri, nekuporofita, nokuiswa mavoko evakuru. 15 Shingairira zvinhu izvi, uzviite nemoyo weshe, kuti kupfurira mberi kwako kuvonekwe navanhu veshe. 16 Uzvichengete nedzidziso yako. Urambire pazviro izvi, nokuti kana wechiita izvi, uchazviponesa iwewe nevanokuzwa.