Ndima 3

1 Ishoko rechokwadi, rokuti: kana munhu echitsvaka basa remutariri, unoda basa rakanaka. 2 Nazvo mutariri unofanira kuva munhu usina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe chete, wakangwara, wakachenjera, unomugarire wakafanira, unoitira vamweni rudo, unoziya kudzidzisa. 3 Usingadi waini, usingarwi, asi munyoro, usinegakava, usingakariri mare. 4 Unobata imba yake zvakanaka, anevana vanozwisisa pasi nemugarire weshe unokudzwa. 5 kana munhu asingazii kubata imba yake, ungachengeta sei chiara chaMwari. 6 Ena asava mutendi mutsva, kuti aregere kuzvikudza, akawira mukutongwa kumwe naDhiabhorosi. 7 Uyezve, unofanira kupupurirwa zvakanaka nevari kunze, kuti aregere kuwa nokubatwa nemusungo waDhiabhorosi. 8 Saizvo vashumiri ngavave vanokudzwa, vasinamazwi maviri, vasingamwi waini jinji, vasingakariri fuma yakaipa. 9 Vanochengeta zvakavanzika zvokutenda muhana yakanaka. 10 Navo ngavatange kuedzwa vo pakutanga, kubva papo vashumire, kana vasina chavangapomerwa. 11 Vanhu kadzi ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe, vakapora, vakatendeka pazveshe. 12 Vashumiri ngavave varume vanomukadzi umwe chete, vanobata vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka. 13 Nokuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira zita rinokudzwa nokutsunga kukuru pakutenda kwavo munaKristu Jesu. 14 4 Zviro izvi zveshe ndinokunyorera, ndichiti ndichakurumidza kuuya kwauri, 15 asi kana ndikanonoka, ndinoda kuti uzive kuti vanhu vanofanira kufamba sei mumba maMwari, iyo kereke yaMwari mupenyu, mbiru nechitsigiro chechokwadi. 16 Hakuna ungaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: ''Ena Mwari wakakombidzwa panyama, akacheneswa pamweya, akavonekwa nevatumwa, akaparidzwa pakati pevahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukugwinya''.