Ndima 2

1 Nazvo pakutanga kwezveshe ndinoraira kuti vanhu veshe vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vabongerwe; 2 madzimambo, eshe vari vakuru, kuti tigare nerugare nekunyarara pakunamata Mwari kweshe, nemugarire unokudzwa. 3 Ndizvo zvakanaka, zvinofadza pamberi paMwari, Muponesi wedu. 4 Uyo unoda kuti vanhu veshe vaponeskwe, vaswike pakuziva chokwadi. 5 Nokuti kuna Mwari mumwe chete, noMureveri mumwe chete vo, pakati paMwari nevanhu, ndiye munhu Kristu Jesu. 6 Wakazvipa ena, kuti awe rudzikinuro rweveshe, chive chapupu panguva dzakafanira. 7 Ichokwadi, handinyepi, kune chinangwa chandakaitirwa muparidzi nemuapositora nemudzidzisi wevahedheni pakutenda nechokwadi. 8 Ndinoda kuti varume vanyengetere panzvimbo dzeshe, vachisimudza mavoko matsvene, vasina kutsamwa nenharo. 9 Saizvo, kuti vakadzi vashonge ngubo dzakafanira, vanekunyara nokuzvidzora; vasina nevhudzi rakarukwa, nendarama, kana maparera, kana ngubo dzinorha mari jinji. 10 Asi ngavapfeke mabasa akanaka, sezvinofanira vakadzi vanoti tinonamata Mwari. 11 Mukadzi ngaadzidze nekunyarara nokudzviisa pachi kweshe. 12 Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume, asi ngaanyarare. 13 Nokuti Adhamu wakatanga kuvumbwa, tevere Evha. 14 NaAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi wakanyengerwa akapinda pakudarika. 15 Asi uchaponeswa nokubereka vana, kana vechirambira mukutenda nerudo, neutsvene pamwepo.