Ndima 1

1 Pauro, muapositora waShe Kristu Jesu nekuraira kwaMwari, Muponesi wedu, naKristu Jesu, tariro yedu, 2 kunaTimotio, mwana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, nengoni, nerugare, zvinobva kunaMwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu ngazvive newe. 3 Sezvandakakumbira zvikuru kwauri, ndechienda Makedhonia, ndinoti, usare paEfeso, kuti uraire vamwe varegere kudzidzisa dzimwe dzidziso. 4 Kana kurangarira ngano nemazita emadzitetegeru asingaperi, zvinongomusa nharo, zvisingatendisi zvakarairwa naMwari, zviri mukutenda. 5 Asi chinovavarirwa nemurairo ndirwo rudo rInobva pamoyo wakachena, nepahana yakanaka, nepakutenda kusinganyengeri. 6 Vamwe vakarashika pazvinhu izvi, vakatsaukira mukutaura kusinamaturo; 7 vechitsvaka kuti vave vadzidzisi vemurairo, vasingazii zvevanoreva kana zvevanosimbisa. 8 Asi tinoziva kuti murairo wakanaka kana munhu achiita nawo sezvinoreva murairo. 9 Nokuti tinoziya kuti: murairo hauna kuitirwa wakanaka, asi vasinehanya nemurairo, nevasingateereri, nevasingadi Mwari, nevatadzi, nevasiri vatsvene, nevasinehanya naMwari, nevanorova madzibaba, nevanorova madzimai,nevanouraya vanhu, 10 navanopombora nevarume,navanoba vanhu, nevanonyepa, nevanopika nhema, uye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso yakanaka. 11 Sezvinoreva evhangeri yekugwinya kwaMwari wemufaro, yendakapuwa inini. 12 Ndinobonga Kristu Jesu, Ishe wedu, wakandipa simba, nekuti wakati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake. 13 Kunyange ini ndaimhura Mwari kare, nemutambudza ndechiteera vanhu zvakaipa, asi ndakaitirwa ngoni, nokuti ndakanga ndechizviita nekusaziva pakusatenda. 14 Asi nyasha dzaShe wedu dzakawanda zvikuru nokutenda, nerudo ruri munaKristu Jesu. 15 Iri shoko rinofanira kutendwa kwazvo, kuti: Kristu Jesu wakauya panyika kuzoponesa vatadzi avo, inini ndiri mukuru wavo. 16 Asi nazvo ndakaitirwa ngoni, kuti Jesu Kristu aratidze moyo wake weshe murefu mandiri, inini mukuru wevatadzi, kuti ndiee chiratidzo kuna vanozotenda kwaari, zvinovaisa kuupenyu bwusingaperi. 17 Hino ena Mambo asingaperi, asingafi, asingawonekwi, Mwari umwe wega, wakachenjera ngaave nokukudzwa nokuewinya nokusingaperi-peri. Ameni. 18 Ndinokupa basa iri, iwewe Timotio, mwana wangu, kuti sezvazvakaprofitwa kare pamusoro pako, urwe pfumo rakanaka mazviri. 19 Wakabata kutenda nehana yakanaaka; iyo yakarashwa nevamwe, vakarashikirwa nekutenda, 20 vamwe vavo ndiHimenio naArekizandro, vandakaisa kunaSatani, vadzidziswe kuti varegere kumhungura Mwari.