Ndima 3

1 Asi uzive chiro ichi, kuti nemazuva okupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika. 2 Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasati vari vatsvene, 3 vasinarudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamweni, vasingazvidzori, vanehasha, vasingadi zviro zvakanaka, 4 vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kudaika Mwari. 5 Vanomufananidzo chete wokunamata Mwari, asi vashiramba simba rake. Ufuratire vanhu ivavo. 6 Nokuti pakati pavo varipo vanopinda mudzimba vachiverevedza, vachitapa zvikadzi zvakaremedzwa nezvivi, zvinokwebwa nokuchiva kuzhinji. 7 Zvinongogara zvichidzidza, asi vasingambozvikoni kusvika pakuziya chokwadi. 8 Jane naJambre sezvavakadzivisa Mozisi, saizvo avo vanodziisa chokwadi, vari vanhu vanendangariro dzakaodzwa, vakarashika pakutenda. 9 Asi havachapfuuriri mberi, nokuti upenzi wavo wuchavonekwa neveshe, sezvakazoita wavo. 10 Asi iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nemufambire, nekufunga, nekutenda, nomoyo murefu, norudo, nokutsungirira, 11 nematambudziko, nendhamo, izvo zvakandiwira paAntiokia, napaIkonio, napaRistra; matambudziko makuru sei andakazwa pazviro izvo zveshe Ishe wakandisunungura. 12 Zvino, neveshe vanoda kunamata Mwari munaKristu Jesu vachatambudzwa. 13 Asi vanhu vakaipa navanyengeri va chanyanyisa pakuipa, vechitpausa vamweni nekupauswa vo. 14 Asi iwewe, rambira pane zvawakadzidza zvikasimbiswa kwauri, uzive kuti wakazvidzidza kunaani. 15 Kuti kubvira paucheche wako wakaziva Manyoro Matsvene anogona kukupa vuchenjeri wunoisa kukuponeswa nokutenda kuri numa Jesu Kristu. 16 Rugwaro reshe rwakafuridzirwa naMwari, rinobatsira pakudzidzisa, nukuraira, nokunakisa, nokuranga kuri mukurnaka, 17 kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mumabasa eshe akanaka.